bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ephesians 2
Ephesians 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 3 →
1
Nokudaro akaita kuti imi muve vapenyu pamakanga muri vanhu vakafa pamusana pezvikanganiso nomuzvitadzo mamakambogara
2
muchitevedza maitiro apanyika pano muchiteverawo changamire womweya inesimba iri mumhepo, mweya uri kushanda muvanhu vasingateereri.
3
Isuwo tose takambogarawo mukati mazvo tichitevera havi dzomuviri wedu, tichitevera zvinoda muviri nepfungwa dzedu. Naizvozvo takanga takazvarirwa shamhu sezvakanga zvangoitawo vanhu vose.
4
Asi Mwari, azere netsitsi, pamusana porudo rwake rukuru rwaakatida narwo,
5
kunyange patanga takafa nokuda kokutadza kwedu, akatiita kuti tive vapenyu pamwe naKristu. Makaponeswa nenyasha.
6
Akatimutsa pamwechete naye akaita kuti tigare naye mumatenga tiri muna Kristu Jesu,
7
kuti mumazuva achauya, norudo rwake, aratidze upfumi husingaverengeki hwenyasha dzake kwatiri muna Kristu Jesu.
8
Pamusana penyasha makaponeswa nechitendero, asi musiri imi munozviponesa; chipo chaMwari,
9
kwete pamusana pamabasa kuti pasave nomunhu anozvikudza
10
nokuti tiri basa ramaoko ake, takasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka akafanogadzirwa naMwari kuti tiatevedze.
11
Naizvozvo, imi vechirudzi panyama, yeukai kuti maimbonzi vanhu vasina kudzingiswa navaya vakadzingiswa chiri chinhu chinoitwa panyama namaoko.
12
Yeukai kuti panguva iyoyo imi makanga makaparadzana naKristu, muri vatorwa kumhuri yeIsiraeri makatsaurwa kuzvitenderano zvechipikirwa musina chitarisiro uye musina Mwari panyika.
13
Asi iye zvino, muna Kristu Jesu, imi maimbova kure makaunzwa padyo neropa raKristu.
14
Nokuti Kristu ndiye rugare rwedu akaita kuti tive vamwe akaputsa munyama yake chidziro chaiparadzanisa vanhu choruvengo
15
nokudzima mutemo wemirao nezvirevo kuti aumbe maari iye munhu mumwechete mutsva panzvimbo yavaviri. Nokudaro akaunza rugare.
16
Uye kuti nomuchinjikwa, atiwadzanise naMwari mumuviri mumwechete, nezvo achibva aparadza ruvengo.
17
Akauya akaparidza rugare kwamuri imi maiva kure kure. Akaparidzawo rugare kune vakanga vari padyo
18
nokuti nokwaari uye naMweya mumwechete tinowana masvikiro kuna Baba.
19
Nezvo hamuchisiri vaenzi kana vatorwa asi mava vagari vomo pamwe navatsvene nenhengo dzemhuri yaMwari.
20
Makavakwa pahwaro hwavapositori navaporofita, Kristu Jesu pachake ari iye ibwe rapakona.
21
Paari ndipo pakabatanidzwa imba yose ichizokura muna Tenzi kuva Temberi inoera.
22
Maari imiwo makavakwa mairi kuva nzvimbo yokugara yaMwari muna Mweya.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6