bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ephesians 5
Ephesians 5
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 6 →
1
Naizvozvo savana vaMwari vapamwoyo, tevedzai zvinoita Mwari.
2
Garai upenyu hworudo sokutida kwakaita Kristu akazvipirira isu ari mupiro unonhuwirira nechibayiro kuna Mwari.
3
Sechinhu chinokodzerana navatsvene, pakati penyu hapafaniri kana kudomwa zvako upombwe nezvinhu zvose zvakaora kana makaro.
4
Ngaparege kuva nezvinhu zvisingakodzeri nezvetsvina zvose kana tunyaya tusina maturo kana kushaya hunhu asi chinofanira kuvapo kutenda.
5
Chamunofanira kuva nechokwadi nacho ndechichi chokuti hakuna anowana nhaka youmambo hwaKristu nohwaMwari kana ari mhombwe kana anoita zvakaora kana munhu ana makaro, iyeyo ndiye munhu anonamata mwari asiri iye.
6
Musanyengedzwe nomunhu ana mazwi asina maturo nokuti pamusana paizvozvi Mwari anoitira hasha vanhu vasingateereri.
7
Nezvo musafambidzane navo
8
nokuti maimbova verima asi muna Tenzi mava vechiedza. Naizvozvo fambai savana vechiedza. (
9
Muchero wechiedza unowanikwa mune zvakanaka zvose nomune zvakarurama nezviri pachokwadi.)
10
Edzai kudzidza zvinofadza Tenzi.
11
Musave nechii chokuita namabasa asina muchero erima asi imi afumurei
12
nokuti zvinotonyadzisa kutaura zvinhu zvavanoita muchivande.
13
Asi kana chinhu chose chaburitswa pachena nechiedza chinobva chaonekwa. Zvino, chinhu chinenge chavakuoneka chinobva chava chiedza.
14
Ndokusaka zvichinzi; “Muka iwe uvete, muka muvakafa, Kristu achakuvhenekera.”
15
Naizvozvo fambai makachenjera kwete savanhu vasina kungwara asi savanhu vakangwara.
16
Nyatsoshandisai nguva yenyu nokuti kwaipa mazuva ano.
17
Naizvozvo musave mazirema asi nzwisisai zvinoda Tenzi
18
uye musararadze newaini nokuti unzenza hwakapfuuridza ihwohwo, asi ini zadzwai naMweya.
19
Tauriranai muchiimbirana nziyo nedzimbo nezvimbo zvaMweya muchiimba muchiita mumhanzi kuna Tenzi nemwoyo yenyu yose
20
muchitenda Mwari Baba muzita raTenzi wedu Jesu Kristu nguva dzose uye muna zvose.
21
Zviisei pasi pomumwe nomumwe wenyu pamusana pokuremekedza Kristu.
22
Imi vadzimai zviisei pasi pavarume venyu sokuna Tenzi
23
nokuti murume ndiye musoro womudzimai sezvakangoita Kristu ari musoro wesangano iro riri muviri wake uye iye ari mununuri waro.
24
Sangano sezvariri pasi paKristu, vadzimaiwo ngavave pasi pavarume vavo muna zvose.
25
Imi varume idai vadzimai venyu sokuda kwakaita Kristu sangano akazvipira
26
iye pamusana paro kuti ariite dzvene, mushure mokunge ari shambidza mumvura neshoko
27
kuti aritsvitse kwaari rakanaka kwazvo risina kana kavara kana pakaunyana kana chimwe chakadaro kuti rive dzvene risina chinoshoreka.
28
Saizvozvo varume vanofanira kuda vadzimai vavo sokuda kwavanoita miviri yavo. Munhu anoda mudzimai wake ari kutozvida iye pachake
29
nokuti hapana munhu anovenga muviri wake. Asi anotoupa chokudya nokunyatsouchengetedza sezvinoita Kristu kusangano.
30
Izvi pamusana pokuti tiri nhengo dzomuviri wake.
31
Nokuda kwaizvozvi murume anosiya baba vake naamai vake achibatanidzwa nomudzimai wake. Vose vari vaviri vachiva nyama imwechete.
32
Ichi chinhu chikuru chakavandika. Ndiri kureva nezvaKristu nesangano.
33
Asi izvi zvinorevawo imi. Mumwe nomumwe wenyu ngaade mudzimai wake sokuzvida kwaanoita iye pachake. Mudzimai ngaaremekedzewo murume wake.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6