bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Zephaniah 1
Zephaniah 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
1
Shoko rakauya kuna Zefaniya mwanakomana waKushi, mwana waGadharia mwanakomana waAmariya, mwanakomana waHezekiya, mumazuva aJosiya mwanakomana waAmoni mambo wokwaJudha.
2
“Ndichanyatsotsvaira kutopedza zvose zviri pamusoro payo nyika. Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
3
Ndichatsvaira vanhu nemhuka uye ndichatsvaira shiri dzedenga nehove dzegungwa uye zvimhingamupini, vanhu vakaipa, ndichatsakatisa vanhu pamusoro payo nyika. Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
4
“Ndichasumudzira vokwaJudha shamhu yoruoko rwangu uye vagari veJerusaremu vose zvavo. Ndichatsakatisawo munzvimbo ino vokwaBhaari vakasara uye nezita revapristi vanonamata zvifananidzo.
5
Ivo vanopfugama kunamata pamusoro pedzimba gurusvusvu rezvinhu zvomumatenga, vanopfugama pasi vachipika nezita raTenzi ivo vachipika zvavo nezita raMirikomu,
6
navakafuratira Tenzi vasisatsvaki Tenzi kana kunzwa kuti anotii.”
7
Chitotii zvenyu mwi-i pamberi paTenzi Mwari nokuti zuva raTenzi rosvika Tenzi akagadzirira chibayiro akazvitsaurira vaenzi vake.
8
“Pazuva raTenzi rechibayiro ndicharanga vakuru vakuru navanakomana vamambo nevose zvavo vanopfeka hanzu dzechirudzi.
9
Nezuva iroro ndicharanga munhu wose anodarika chikumbaridzo napamusuo navanozadza dzimba dzatenzi wavo noutsinye nounyengedzi.
10
“Pazuva iroro ndizvo zviri kutaura Tenzi kucharira mhere kuSuo Guru reHove kuungudza kuchibva kumana rechipiri, kungondomoka kukuru kuzvikomo.
11
Chemai imi vagari vokuMakiteshi nokuti vemhindu dzokutengeserana vose hapasisina ivo vokupima sirivha vose vakatsakatika.
12
“Panguva iyoyo ndichatsvaka nerambi muJerusaremu ndichiranga vanhu ivavo vane manzvengeredzero avo vanozviti nechomumwoyo, ‘Tenzi hapana zvaanomboita, zvakanaka kana zvakaipa.’
13
Zvinhu zvavo zvichapambwa dzimba dzavo dzichaparadzwa kunyange zvavo vakavaka dzimba havazombodzigari. Kunyange zvavo vakasima minda yemagirepisi, waini yacho havainwi.”
14
Zuva guru raTenzi rosvika, rokasika chaizvo kusvika, bongozozo rezuva raTenzi rinorwadza, gamba chairo richatobongomora kuiridza mhere ipapo.
15
Zuva iroro izuva rehasha musi wokutambura nokurwadzwa zuva repfumvu nokuparara musi werima nezarima zuva ramakore akati kwirindindi
16
zuva rokurira kwehwamanda nokurira kwemhere yehondo yokurwisa maguta etsvingo nezvokuzvidzivirira nazvo zvakati dzu-u kureba.
17
“Ndichaonesa vanhu nhamo zvokutofamba samapofu zvawo nokuti vakatadzira Tenzi. Ropa ravo richanyatsowodzvorwa seguruva uye nyama yavo sendove.”
18
Kunyange sirivha yavo kana ndarama yavo haigoni kuvanunura, pamusi wehasha dzaTenzi. Nyika yose zvayo icharoromeswa mumoto wehasha dzake dzeshanje; achanyatsoyerekana avaparadza; ndozvaachaita kuvagari vapasi pano vose zvavo.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3