bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Zephaniah 2
Zephaniah 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
1
Kokorodzanai muite musangano imi rudzi rwavanhu vasinganyari
2
musati mapupurutsirwa kure sehundi iri kupepetswa imi musati mavirukirwa nehasha dzaTenzi musati mawirwa nezuva rehasha dzaTenzi.
3
Tsvakai Tenzi, imi mose varombo venyika iyi vanotevedza mirao yake. Tsvakai kururama mutsvage kuzvininipisa, zvimwe mungahwandiswe pamusi wehasha dzaTenzi.
4
Chikonzero chacho ndechokuti: Gaza iyi ichatizwa uye Ashikeroni ichava dongo zvaro vanhu veAshidhodhi vachadzingwa zuva rakacheka nyika, uye Ekironi ichadzipurwa.
5
Muchawira zvenyu imi vagari vokumahombekombe kwegungwa, imi rudzi rwevanhu vechiKereti. Shoko raTenzi ranangana nemi. Iwe Kanani, nyika yevaFirisitia ndichakuparadza zvokusara musisina anogara imomo.
6
Nemi mahombekombe egungwa muchava mafuro zvawo makan'a avafudzi pamwechete namatanga ezvipfuwo.
7
Nyika yokumahombekombe kwegungwa ichava yechitsama chakasara chemba yokwaJudha ichiva mafuro avo uye nomudzimba dzeAshikeroni ndomavacharara zvavo kumanheru nokuti Tenzi, Mwari wavo achange avabvakachira achivadzosera makomborero avo.
8
“Ndakanzwa ini kunyomba kweMoabhu nokutuka kwavaAmoni kutuka kwavakaita vanhu vangu vachidadira nyika yavo.
9
Ndokusaka zvava kunzi naTenzi wehondo nehondo iye Mwari weIsiraeri, hezvino ndakadai, Moabhu ichaita seSodhomu vanhu vechiAmoni vachaita seGomora kuva nyika yorukato namakomba omunyu yava renje nokusingaperi. Chitsama chavanhu vangu chinosara chacho chichavapamba, verudzi rwangu vanenge vapunyuka rufu vachavaita vanhu vavo.”
10
Iwoyu ndouchava mubayiro wavo wokuzvikudza kwavo nokuti vaishora nokudadira vanhu vaTenzi wehondo nehondo.
11
Tenzi achavatyisa kwazvo. Hongu achashayisa maturo vamwari vapanyika vese uye marudzi achati kwaari pasi gwadagwa vari kunzvimbo dzavo ikoko.
12
Newewo iyewe Itiopia uchaurayiwa nehondo yebakatwa rangu.
13
Iye achasumudzira vokuchamhembe shamhu yoruoko rwake agoparadza Asiria Ninivhe achisiya yava dongo renje zvaro rakaoma rakaita segwenga.
14
Matanga emombe acharara zvawo pakati paro, mhuka dzose dzesango magora nenjiri zvose zviri zviviri zvichagara pambiru dzaro, kuchema kwezizi kuchinzwika mumawindho gunguo richachema riri pamusuo mapango emusidhari achanzi panze yacha kufukurwa.
15
Ndirorika guta ramafaro rakanga rigere pamutambaratede rokumbozviti, “Ndini pano, ini chete, hakuna kana mumwezve.” Hero rava renje zvaro dambiro remhuka dzesango. Munhu wose anopfuura nepariri achashamiswa achirasa-rasa maoko ake.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3