bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Zephaniah 3
Zephaniah 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
1
Rine nhamo guta rakapanduka rakan'ora, guta rinoonesa vanhu ndondo.
2
Hakuna izwi rarinoteerera, indambakuudzwa zvayo yeguta. Harivimbi naTenzi hariswederiwo pedyo naMwari waro.
3
Vakuru vakuru varo vari mariri ishumba dzinodzvova, vatongi varo imhumi dzamanheru dzisina chadzinosiya chinosvika mangwanani.
4
Vaporofita varo havana hunhu, vanhu vasina kutendeka. Vapristi varo vanon'oresa zvinhu zvinoera vachityora havo mutemo.
5
Tenzi ari mukati maro akarurama, hapana chaanokanganisa. Mangwanani ari wose anoratidza ruenzaniso rwake, mambakwedza oga oga haakundikani. Asi vanhu vasina ruenzaniso havazivi chinonzi kunyara.
6
“Ndakatsakatisa dzindudzi, zvokuzvidzivirira nazvo kuhondo zvasara zvava matongo. Ndakaparadza migwagwa yavo zvokuti hapana achatsikamo. Maguta avo ava matongo asina munhu kana anogaramo.
7
Ndaiti ini, zvimwe richanditya rikabvuma kutsiurwa rikarega kurasikirwa nezvose zvandakaripa. Ndopavaibva vatoita zviito zvavo zvakaipa zvose.
8
“Naizvozvo chindimirirai,” ndizvo zvinotaura Tenzi mumirire zuva randichasimuka sechapupu nokuti chandiri kufunga ndechokuunganidza marudzi nokukokorodza dzinyika kuti ndipedzere pavari shungu dzangu, kuviruka kwangu kwose nehasha nokuti nyika yose icharoromeswa mumoto wehasha dzeshanje yangu.
9
“Eeka panguva iyoyo ndichapindura matauriro evechirudzi kuti vaite mutauriro mutsvene kuitira kuti vose zvavo vanamate zita raTenzi vamushandire nemwoyo mumwechete.
10
Kubvira kumhiri kwenzizi dzeItiopia vangu ini vanondinamata, vana vavanhu vangu vakapararira nenyika; vachandivigira mipiro yangu. Vanozvirereka vanenge vasara muIsiraeri.
11
Pazuva iroro hamuchazonyadziswi nezviito zvamakandipandukira nazvo nokuti ipapo ndichabvisa pakati penyu vose vanozvikudza vachizvibhebhesa. Hamuzozvitutumadza mugomo rangu.
12
Chiripo ndechichi chokuti ndichasiya pakati penyu vanhu vanozvidukupisa vanozvirereka. Vachapona nokupotera nezita raTenzi.
13
Vanhu vanenge vasara muIsiraeri havana uipi hwavachazoita kana kureva nhema. Mumuromo mavo hamuchazowanikwa rurimi rune unyengedzi nokuti vacharara zvavo kusina anovatyityidzira.”
14
Imbisa zvikuru kwazvo iwe mukunda guta reZioni. Daidzira iwe Isiraeri. Pembera kufara nomwoyo wako wose iwe mukunda guta reJerusaremu!
15
Tenzi abvisa kurangwa kwako kwakakumirira, vavengi vako avadzinga. Mambo weIsiraeri, Tenzi ari pakati pako hapana chakaipa chauchazotyazve.
16
Nomusi iwoyo kuchanzi nezveJerusaremu, “Rega zvako kutya iwe Zioni rega zvako kurukutika maoko ako.
17
Tenzi, Mwari wako ari mukati mako, murwi wehondo anoita kuti ukurire achakufarira zvikuru aine rufaro, achakumutsirudza murudo rwake achakupemberera achiimbisa zvikuru kwazvo
18
sezvinoitwa pazuva guru.” “Ndichakubvisira nhamo pauri zvokuti hauzonyara nazvo.
19
Chinzwa, panguva iyoyo, ndichaonana nevanokurwadzisa ndigonunura zvirema ndikokorodze vanosemwa. Ndichapindura kunyara kwavo ndichikuita kuti kuve kurumbidza kuzivikanwe pasi pose.
20
“Panguva iyoyo ndichakudzorerai kumusha, panguva yacho yandinenge ndakuunganidzai pamwechete. Honguka ndichaita kuti muve nembiri nokurumbidzwa pakati pamarudzi ose avanhu vepanyika pandinenge ndokudzorerai kubudirira kwenyu muchitozviona.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
All chapters:
1
2
3