bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
2 Samuel 13
2 Samuel 13
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 14 →
1
Zvino shure kwaizvozvo Abhusaromu mwanakomana waDhavhidhi wakanga ane hanzvadzi yakanaka, wainzi Tamari; Amoni mwanakomana waDhavhidhi akamuda.
2
Amoni akatambudzika, akarwara pamusoro paTamari hanzvadzi yake; nokuti yakanga iri mhandara, Amoni akaona kuti haangamuiti chinhu.
3
Asi Amoni wakanga ane shamwari, yainzi Jonadhabhu mwanakomana waShimei, mukoma waDhavhidhi; zvino Jonadhabhu wakanga ari munhu waiva namano.
4
Iye akati kwaari, “Nhandi, mwanakomana wamambo, wakawondereiko kudai mazuva ose? Haungandiudzi here?” Amoni akati kwaari, “Ndinoda Tamari, hanzvadzi yomunun'una wangu Abhusaromu.”
5
Jonadhabhu akati kwaari, “Vata panhoo dzako, uzviite somunhu unorwara; zvino kana baba vako vakasvika kuzokuona, uti kwavari, ‘Ndinokumbira kuti hanzvadzi yangu Tamari auye, andipe zvokudya, ndidye, agadzire zvokudya pamberi pangu, ndizviwone, ndizvidye pamaoko ake.’ ”
6
Naizvozvo Amoni akavata pasi, akazviita somunhu unorwara; zvino mambo wakati achisvika kuzomuona, Amoni akati kuna mambo, “Ndinokumbira kuti Tamari, hanzvadzi yangu auye, andibikire zvingwa zviviri ndichizviona, kuti ndidye pamaoko ake.”
7
Dhavhidhi akatuma shoko kumusha kuna Tamari, akati, “Enda zvino kumba kwaAmoni hanzvadzi yako, umugadzirire zvokudya.”
8
Naizvozvo Tamari akaenda kumba kwehanzvadzi yake Amoni; iye akanga avete pasi. Akatora mukanyiwa, akaukanya, akaumba zvingwa achizviona, akabika zvingwa.
9
Akatora gango, akazvidurura pamberi pake; asi iye wakaramba kudya. Amoni akati, “Vanhu vose ngavabude kwandiri.” Vanhu vose vakabuda kwaari.
10
Amoni akati kuna Tamari, “Uya nezvokudya mumba yokuvata, kuti ndidye pamaoko ako.” Tamari akatora zvingwa zvaakanga abika, akauya nazvo mumba mokuvata maAmoni hanzvadzi yake.
11
Zvino wakati aswedera pedyo kwaari nazvo, iye akamubata, akati kwaari, “Uya uvate neni, hanzvadzi yangu.”
12
Iye akamupindura akati, “Kwete, hanzvadzi yangu, usandichinya; nokuti chinhu chakadai hachifaniri kuitwa pakati paVaIsiraeri; usaita chinhu ichi chakaipa.
13
Neni ndichaendepiko nokunyara kwangu? Kana uriwe, uchava sebenzi pakati paIsiraeri. Naizvozvo zvino, dotaura hako namambo; nokuti ivo havangandinyimi iwe.”
14
Asi wakaramba kuteerera izwi rake, akaita simba naye, akamukurira, akavata naye.
15
Ipapo Amoni akamuvenga nokuvenga kukuru kwazvo; nokuti kuvenga kwaakamuvenga nako, kwakapfuura rudo rwaaimuda narwo. Amoni akati kwaari, “Muka, uende.”
16
Iye akati kwaari, “Kwete, nokuti chinhu ichi chokundidzinga chikuru kune checho chawandiitira.” Asi wakaramba kumuteerera.
17
Zvino akadana muranda wake wakanga achimubatira, akati, “Dzinga mukadzi uyu abve kwandiri, ukiye mukova kana abva.”
18
Zvino iye wakanga ane nguo yakareba ina maoko, nokuti vakunda vamambo, vaiva mhandara, vaifuka nguo dzakadai. Muranda wake akamubudisa, akakiya mukova abva.
19
Zvino Tamari akaisa madota pamusoro wake, akabvarura nguo yake yakareba ina maoko, akabata ruoko rwake pamusoro wake, akaenda achichema.
20
Abhusaromu hanzvadzi yake, akati kwaari, “Amoni hanzvadzi yako wakanga ari kwauri here? Chinyarara hako, hanzvadzi yangu; iye ihanzvadzi yako, usazvidya mwoyo nemhaka yechinhu ichi.” Naizvozvo Tamari akagara ari oga mumba maAbhusaromu hanzvadzi yake.
21
Asi, mambo Dhavhidhi wakati achinzwa izvi zvose, akatsamwa kwazvo.
22
Asi Abhusaromu haana kutaura chinhu chakanaka kana chakaipa kuna Amoni; nokuti Abhusaromu wakavenga Amoni, nokuti akanga achiva hanzvadzi yake Tamari.
23
Zvino makore maviri akati apfuura, Abhusaromu wakanga ana vaveuri vamakwai paBhaarihazori pedyo naEfuremu; Abhusaromu akakoka vana vose vamambo.
24
Abhusaromu akaenda kuna mambo, akati, “Tarirai zvino, muranda wenyu ana vaveuri vamakwai; ndinokumbira kuti mambo navaranda vake vaende nomuranda wenyu.”
25
Mambo akati kuna Abhusaromu, “Kwete, mwana wangu, ngatirege kuenda isu tose, tirege kuzokutambudza.” Akamukurudzira, asi wakaramba kuenda, akamuropafadza hake.
26
Zvino Abhusaromu akati, “Kana musingadi henyu, ndinokumbira kuti mukoma wangu Amoni aende nesu.” Mambo akati kwaari, “Iye unofanira kuendireiko newe?”
27
Asi Abhusaromu akamukurudzira, akatendera Amoni navamwe vana vose vamambo kuenda naye.
28
Zvino Abhusaromu akaraira varanda vake akati, “Tarirai zvakanaka zvino, kana mwoyo waAmoni wofara newaini, ini ndikati kwamuri, ‘Urayai Amoni!’ Imi munofanira kumuuraya, musatya henyu; handizini ndakakurairai here? Tsungai, muve noumhare.”
29
Zvino varanda vaAbhusaromu vakaitira Amoni sezvavakanga varairwa naAbhusaromu. Ipapo vanakomana vose vamambo vakasimuka, mumwe nomumwe akakwira mbongoro yake vakatiza.
30
Zvino vakati vachiti munzira, shoko rikasvika kuna Dhavhidhi rokuti, “Abhusaromu wauraya vanakomana vose vamambo, hakuna wakasara kwavari kunyangwe nomumwe.”
31
Ipapo mambo akasimuka, akabvarura nguo dzake, akavata pasi; navaranda vake vose vakamirapo nenguo dzakabvarurwa.
32
Asi Jonadhabhu, mwanakomana waShimei, mukoma waDhavhidhi, akapindura, akati, “Ishe wangu ngaarege kuti vauraya majaya ose, ivo vana vamambo; nokuti Amoni woga ndiye wafa, nokuti Abhusaromu wakavaraira izvozvo kubva pazuva raakachiva hanzvadzi yake Tamari.
33
Zvino ishe wangu mambo ngaarege kuzvidya mwoyo pamusoro pechinhu ichi, achiti vanakomana vose vamambo vafa, nokuti Amoni woga ndiye wafa.”
34
Asi Abhusaromu wakatiza. Zvino jaya rakanga rakarindira rakatarira, rikaona vanhu vazhinji vachiuya nenzira yegomo mushure make.
35
Jonadhabhu akati kuna mambo, “Tarirai, vana vamambo vasvika; zvaitika sezvakataura muranda wenyu.”
36
Wakati apedza kutaura, vana vamambo vakasvika, vakachema kwazvo; namambowo navaranda vake vose vakachemawo kwazvo.
37
Asi Abhusaromu wakatiza, akaenda kuna Tarimai mwanakomana waAmihuri mambo weGeshuri. Dhavhidhi akachema mwanakomana wake mazuva ose.
38
Naizvozvo Abhusaromu akatiza akaenda Geshuri, akagarapo makore matatu.
39
Mwoyo wamambo Dhavhidhi ukada kwazvo kuenda kuna Abhusaromu, nokuti wakanga anyaradzwa pamusoro paAmoni, achiti wafa hake.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24