bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
2 Samuel 4
2 Samuel 4
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 5 →
1
Zvino Ishibhosheti mwanakomana waSauro, akati anzwa kuti Abhineri wakanga afa paHebhuroni, maoko ake akashaiwa simba, naVaIsiraeri vose vakavhunduka.
2
Zvino mwanakomana waSauro wakanga ana varume vaviri vakanga vari vakuru vamapoka; zita romumwe rakanga riri Bhaama, zita romumwe Rekabhu; vaiva vana vaRimoni muBheeroti, wavana vaBhenjamini; (nokuti Bheeroti rakanga richiverengerwawo kuna Bhenjamini;
3
vaBheeroti vakatizira Gitaimu, vakava vatorwapo kusvikira nhasi).
4
Zvino Jonatani mwanakomana waSauro, wakanga ano mwanakomana wakaremara pamakumbo ake. Iye wakanga ava namakore mashanu panguva yokusvika kweshoko rokuurayiwa kwaSauro naJonatani paJezereri, mureri wake akamusimudza akatiza naye; zvino wakati achikurumidza kutiza, mwana akawa, akaremara. Zita rake rakanga riri Mefibhosheti.
5
Vana vaRimoni muBheeroti, vanaRekabhu naBhaana, vakaenda, vakasvika paimba yaIshibhosheti zuva richipisa, iye achizorora masikati.
6
Vakapinda mukati meimba, vachiita sokuda kutora zviyo, vakamubaya nomudumbu; Rekabhu naBhaana ndokutiza.
7
Nokuti vakanga vapinda mumba make mokuvata, vakamubaya, vakamuuraya, vakagura musoro wake, ndokutora musoro wake, vakaenda nenzira yeArabha usiku hwose.
8
Vakaisa musoro waIshibhosheti kuna Dhavhidhi paHebhuroni, vakati kuna mambo, “Hoyo musoro waIshibhosheti mwanakomana waSauro muvengi wenyu, wakanga achitsvaka kukuurayai; Jehovha akatsiva ishe wangu mambo nhasi pamusoro paSauro navana vake.”
9
Dhavhidhi akapindura Rekabhu naBhaana munun'una wake, vana vaRimoni muBheeroti, akati kwavari, “NaJehovha mupenyu, wakadzikinura mweya wangu panjodzi dzose,
10
musi wandakaudzwa nomumwe, achiti, ‘Tarirai, Sauro afa,’ achifunga kuti wauya neshoko rakanaka, ndakamubata, ndikamuuraya paZikiragi; ndiwo waiva mubairo wandakamupa pamusoro peshoko rake.
11
Ndoda kana vanhu vakaipa vauraya munhu wakarurama hake mumba make, avete panhoo dzake, handingarevi ropa rake pamaoko enyu zvino, ndikakubvisai panyika here?”
12
Ipapo Dhavhidhi akaraira majaya vakavauraya vakavagura maoko avo netsoka dzavo, vakavaturika kurutivi rwedziva paHebhuroni. Asi vakatora musoro waIshibhosheti, vakauviga muhwiro hwaAbhineri paHebhuroni.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24