bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
2 Samuel 23
2 Samuel 23
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 24 →
1
Zvino ndiwo mashoko okupedzisira aDhavhidhi, Zvanzi naDhavhidhi mwanakomana waJese, Zvanzi nomunhu wakakudzwa kwazvo, Naiye muzodzwa waMwari waJakobho, Muimbi wezvakanaka waIsiraeri,
2
Mweya waJehovha akataura mukati mangu, Shoko rake rakanga riri parurimi rwangu.
3
Mwari waIsiraeri wakataura, dombo raIsiraeri rakataura neni, rikati, “Mumwe uchavapo, uchabata vanhu zvakarurama, Uchabata ushe achitya Mwari;
4
Uchava sechiedza chamangwanani, kana zuva robuda, Samangwanani kana kusina makore. Kana dova richibuda pavhu Kana mushana wobuda mvura yapera kunaya.
5
Ko imba yangu haizakadaro kuna Mwari here? Nokuti wakaita neni sungano isingaperi, Yakanatswa pazvinhu zvose, yakasimba; Nokuti ndiko kuponeswa kwangu kwose, nokuda kwangu kwose, Ko haangazvikurisi here?
6
Asi vose vasingadi Mwari vachafanana neminzwa inorashwa, Nokuti haigoni kubatwa namaoko;
7
Asi munhu anoibata Anofanira kutora rutare norwiriko rwepfumo; Ipiswe kwazvo panzvimbo yayo nomoto.”
8
Ndiwo mazita emhare dzaDhavhidhi: Joshebhibhashebheti muTakemoni, mukuru wavatariri; iye wakanga ari Adhino muEzini, wakauraya vanhu vana mazana masere nenguva imwe.
9
Wakamutevera wakanga ari Ereazari mwanakomana waDhodhai, mwanakomana womuAhohi, mumwe wemhare nhatu dzakanga dzinaDhavhidhi, musi wavakavamba vaFirisitia vakanga vaungana kuzorwa, varume VaIsiraeri vabva;
10
iye akasimuka, akabaya vaFirisitia kusvikira ruoko rwake rwaneta, ruoko rwake rukawomerera pamunondo wake; Jehovha akavakundisa kwazvo nomusi iwoyo, vanhu vakadzoka vachimutevera, kuzopamba kwoga.
11
Wakamutevera wakanga ari Shama mwanakomana waAgee, muHarari. VaFirisitia vakanga vaungana paRehi, pakanga pane munda wenyemba; vanhu vakatiza vaFirisitia.
12
Asi iye wakamira pakati pomunda, akarirwira, akauraya vaFirisitia; Jehovha akavakundisa kwazvo.
13
Zvino vatatu vavakuru vana makumi matatu vakaburuka, vakasvika kuna Dhavhidhi kubako reAdhuramu, nenguva yokukohwa; boka ravaFirisitia; rakanga radzika matende pamupata weRefaimu.
14
Zvino nenguva iyo Dhavhidhi wakanga ari munhare, uye varwi vavaFirisitia vaiva paBhetirehemu nenguva iyo.
15
Dhavhidhi akapanga, akati, “Haiwa! Dai mumwe achindipa mvura yetsime reBhetirehemu, riri pasuwo, ndinwe!”
16
Ipapo mhare idzo nhatu dzakapasanura napakati pehondo yavaFirisitia, vakandoteka mvura patsime reBhetirehemu, riri pasuwo, vakaitora vakauya nayo kuna Dhavhidhi; asi iye wakaramba kuinwa, akaidururira kuna Jehovha.
17
Akati, “Haisva, Jehovha, handingaiti chinhu ichi! Ndinganwa ropa ravarume ava vakaenda vasingarangariri upenyu hwavo here?” Naizvozvo akaramba kuinwa. Ndizvo zvakaitwa nemhare idzo.
18
Abhishai munun'una waJoabhu, mwanakomana waZeruya, wakanga ari mukuru wavatatu avo. Ndiye wakasimudza pfumo rake akarwa navanhu vana mazana matatu, akavauraya, akava nomukurumbira pakati pavatatu avo.
19
Iye wakarumbidzwa zvikuru pakati pavatatu avo; naizvozvo akaitwa mukuru wavo, asi haana kuenzana navatatu vokutanga.
20
Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, mwanakomana wemhare yeKabhizeeri, wakanga aita mabasa makuru, iye wakauraya vanakomana vaviri vaArieri waMoabhu, akandourayawo shumba mukati mehuzha panguva yechando;
21
akaurayawo muIjipiti, murume wakanga akanaka, muIjipiti uyu wakanga akabata pfumo muruoko rwake, asi iye wakaburukira kwaari akabata tsvimbo, akabvuta pfumo muruoko rwomuIjipiti, akamuuraya nepfumo rake iro.
22
Zvinhu izvi zvakaitwa naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, wakanga akakurumbira pakati pemhare idzo nhatu.
23
Iye wakanga achirumbidzwa kupfuura vana makumi matatu, asi haana kuenzana navatatu vokutanga. Dhavhidhi akamuita mutariri wavarindi vake.
24
Ashaheri munun'una waJoabhu wakanga ari mumwe wavana makumi matatu, naErihanani mwanakomana waDhodho weBhetirehemu;
25
naShama muHarodhi, naErika muHarodhi;
26
naHerezi muPariti, naIra mwanakomana waIkeshe muTekoi;
27
naAbhiezeri muAnatoti, naMebhunai muHushati;
28
naZarimoni muAhohi, naMaharai muNetofati;
29
naHerebhu, mwanakomana waBhaana muNetofati, naItai mwanakomana waRibhai weGibhia wavana vaBhenjamini;
30
naBhenaya muPiratoni, naHidai wehova dzeGaashi;
31
naAbhiaribhoni muAribhati, naAzimaveti muBharihumi;
32
naEriabha muShaaribhoni, naJonatani kuvana vaJasheni;
33
naShama muHarari, naAhiami mwanakomana waSharari muArari;
34
naErifereti mwanakomana waAhashabhai, mwanakomana womuMaakati, naEriami mwanakomana waAhitoferi muGironi;
35
naHezero muKarimeri, naParai muAribhi;
36
naIgari mwanakomana waNatani weZobha, naBhani muGadhi;
37
naZereki muAmoni, naNaharai muBheeroti, vaibata nhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu mwanakomana waZeruya;
38
naIra muItiri, naGarebhi muItiri;
39
naUriya muHiti, vose makumi matatu navanomwe.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24