bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Esther 1
Esther 1
Shona SUB 2002 Bible
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 2 →
1
Zvino pamazuva aAhasuerusi, (ndiye Ahashivheroshi aibata ushe kubva paIndia kusvikira Itiopia, pamativi enyika ane zana namakumi maviri namanomwe;)
2
pamazuva iwayo mambo Ahasuerusi agere pachigaro chake choushe chakanga chiri paShusha panhare yamambo,
3
pagore rechitatu rokubata kwake ushe, akaitira machinda ake ose navaranda vake mutambo; hondo dzePezhia neMedhia, navakuru namachinda enyika vakanga vari pamberi pake.
4
Akavaratidza pfuma youshe hwake hwakarumbidzwa, nokukudzwa kwoumambo hwake hwakaisvonaka mazuva mazhinji, ari mazuva ane zana namakumi masere.
5
Zvino mazuva iwayo akati apera, mambo akaitira mutambo vanhu vose vakanga vari paShusha panhare yamambo, vakuru navaduku, mazuva manomwe paruvanze rwomunda panhare yamambo;
6
pakanga pane micheka michena nemipfumbu nemitema yakanga yakasungwa nezvisungo zvemicheka yakaisvonaka nemishava pazvindori zvesirivha nembiru dzamabwe machena; zvigaro zvakanga zviri zvendarama nesirivha zvakagadzikwa paguva rakaitwa namabwe matsvuku, namachena, namashora, namatema.
7
Vakapiwa zvokunwa mumikombe yendarama, (asi mikombe yakanga isina kufanana), newaini yamambo zhinji, mambo asingavanyimi napaduku.
8
Vakanwa nomurairo wokuti munhu arege kurovererwa; nokuti mambo akanga araira varanda vose veimba yake, kuti vaitire mumwe nomumwe sezvaakanga achida nomwoyo wake.
9
Navahosi Vashiti vakaitirawo vakadzi mutambo paimba yamambo yakanga iri yamambo Ahasuerusi.
10
Zvino nezuva rechinomwe mwoyo wamambo wakati uchifara newaini, akaraira Mehumani, naBhizita, naHaribhona, naBhigita, naAbhagata, naZetari, naKarikasi, ivo varanda vanomwe vaibata pamberi pamambo Ahasuerusi,
11
kuti vauye navahosi Vashiti pamberi pamambo, vane korona youhosi, kuti vanhu namachinda vawone kunaka kwavo; nokuti vakanga vakanaka pakuonekwa.
12
Asi vahosi Vashiti vakaramba kuuya sezvavakanga varairwa namambo nomuromo wavaranda; ipapo mambo akatsamwa kwazvo, shungu dzake dzikamuka mukati make.
13
Ipapo mambo akati kuvarume vakangwara vaiziva nguva, (nokuti saizvozvo mambo wairangana navose vaiziva murau nezvakatongwa;
14
vakanga vagere pedyo naye vaiva Karishena, naShetari, naAdhimata, naTashishi, naMereesi, naMarisena, naMemukani, iwo machinda manomwe ePezhia neMedhia, vaisionana namambo, vaigara pazvigaro zvokutanga paushe;)
15
akati, “Murairo unoti kudini, tichaitireiko vahosi Vashiti, zvavakaramba kuita sezvavakarairwa namambo Ahasuerusi nomuromo wavaranda?”
16
Ipapo Memukani akapindura mambo namachinda, akati, “Vahosi havana kutadzira mambo bedzi, asi namachinda osewo, navanhu vose vari munyika dzose dzamambo Ahasuerusi.
17
Nokuti ichi chakaitwa navahosi chichapararira pakati pavakadzi vose, zvino vachashora varume vavo, kana zvichinzi, ‘Mambo Ahasuerusi akaraira vahosi Vashiti kuti vauyiswe pamberi pake, asi vakaramba kuuya.’
18
Nhasi vakadzi vamachinda ePezhia neMedhia, akanzwa zvakaitwa navahosi, achataurawo zvakadaro kumachinda ose amambo. Naizvozvo kushora nokutsamwa kukuru kuchamuka.
19
Kana mambo achifara nazvo, mambo ngaateme murairo une simba ramambo, unyorwe pamirairo yavaPezhia navaMedhia, urege kushandurwa. Kuti Vashiti arege kuzouyazve pamberi pamambo Ahasuerusi; mambo ngaape mumwe akanaka kupfuura iye uhosi hwake.
20
Zvino kana chirevo chamambo chavatema, chikaparidzwa paushe hwake hwose, (nokuti ukuru kwazvo), vakadzi vose vachakudza varume vavo, vose vakuru navaduku.”
21
Shoko iro rikafadza mambo namachinda; mambo ndokuita sezvakarehwa naMemukani;
22
nokuti akatuma tsamba kumativi ose enyika dzose dzamambo, divi rimwe nerimwe renyika nomunyorero wayo, norudzi rumwe norumwe norurimi rwarwo, kuti murume mumwe nomumwe ave murairi mumba make, ataure norurimi rwake.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10