bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Esther 7
Esther 7
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 8 →
1
Zvino mambo naHamani vakasvika pamafundo avahosi Esiteri.
2
Mambo akatizve kuna Esiteri pazuva rechipiri, pamafundo ewaini, “Chiiko chaunonyengetera, vahosi Esiteri? Uchapiwa. Unokumbireiko? Zvichaitwa, kunyangwe uchikumbira hafu youshe hwangu.”
3
Ipapo vahosi Esiteri vakapindura vakati, “Kana ndichinge ndanzwirwa tsitsi nemi mambo, kana mambo achifara nazvo, ndinokumbira kuti ndipiwe upenyu hwangu nokuda kwokunyengetera kwangu, nohwovanhu vangu nokuda kwokukumbira kwangu;
4
nokuti tatengeswa, ini navanhu vangu, kuti tiparadzwe, tiurawe, tipedzwe. Dai takanga tatengeswa tive varanda navashandiri, ndingadai ndanyarara hangu, nokuti kutambudzika kwedu hakungaenzaniswi nokutadzirwa kwamambo.”
5
Ipapo mambo Ahasuerusi akapindura, akati kuna vahosi Esiteri, “Ndianiko, aripi iye akafunga mumwoyo make kuita izvozvo?”
6
Esiteri akati, “Mudzivisi nomuvengi, ndiye Hamani uyu akaipa!” Ipapo Hamani akatya pamberi pamambo navahosi.
7
Mambo akasimuka pamafundo ewaini akatsamwa, akaenda kumunda weimba yamambo; Hamani akasimukawo kuzokumbira upenyu hwake kuna vahosi Esiteri, nokuti akaona kuti mambo akafunga kumuitira zvakaipa.
8
Ipapo mambo akadzoka achibva pamunda weimba yamambo akapinda panzvimbo yamafundo ewaini; zvino Hamani akanga azviwisira pachigaro pakanga pagere Esiteri. Mambo akati, “Zvino wotoda kuchinya vahosi muno mumba pamberi pangu kanhi?” Zvino shoko iro rakati rabuda mumuromo wamambo, vakafukidza chiso chaHamani.
9
Ipapo Haribhona, mumwe muranda akanga ari pamberi pamambo, akati, “Tarirai, paimba yaHamani pamire matanda akareba ana makubhiti makumi mashanu, akamiswa naHamani, kuti asungirirepo Modhekai, akataura zvakanaka nokuda kwamambo.” Mambo akati, “Musungirireipo paari.”
10
Naizvozvo vakasungirira Hamani pamatanda aakagadzirira Modhekai. Ipapo kutsamwa kwamambo kwakanyarara.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10