bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Esther 9
Esther 9
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 10 →
1
Zvino nomwedzi wegumi nemiviri, iwo mwedzi weAdhari, nezuva regumi namatatu, nguva yakati yaswedera yokuti murairo wamambo nechirevo chake zviitwe, pazuva rakafunga vavengi vavaJudha kuvamukira naro; asi zvakashandurwa, nokuti vaJudha vakamukira vavengi vavo;
2
vaJudha vakaungana pamaguta avo pamativi ose enyika dzamambo Ahasuerusi, kuti vauraye avo vakatsvaka kuvaitira zvakaipa; hakuna akanga achigona kuvadzivisa, nokuti vanhu vose vakavatya.
3
Machinda ose amativi enyika, namachinda makuru, navabati, vaibata basa ramambo, vakabatsira vaJudha; nokuti vakatya Modhekai.
4
Nokuti Modhekai akanga ari mukuru paimba yamambo, nembiri yake yakanga yasvika kumativi ose enyika; nokuti murume uyu Modhekai akaramba achikura.
5
VaJudha vakaparadza vavengi vavo vose, nokuvatema neminondo, nokuvauraya, nokuvaparadza, vakaitira vavengi vavo sezvavaida.
6
NapaShusha nhare yamambo, vaJudha vakauraya nokuparadza varume vana mazana mashanu.
7
Parishandata, naDharifoni, naAsipata,
8
naPorata, naAdharia, naAridhata,
9
naParimashita, naArisai, naAridhai, naVaizata,
10
ivo vanakomana vane gumi vaHamani mwanakomana waHamedhata, muvengi wavaJudha, vakavaurayawo; asi havana kupambara nhumbi dzavo.
11
Pazuva iro kuwanda kwavakaurayiwa paShusha nhare yamambo kwakaverengwa kukaiswa kuna mambo.
12
Ipapo mambo akati kuna vahosi Esiteri, “VaJudha vauraya nokuparadza paShusha nhare yamambo, varume vana mazana mashanu, navanakomana vane gumi vaHamani; ndoda zvavakaita kuna mamwe mativi enyika yamambo! Zvino Chiiko chaunonyengetera? Uchazvipiwa. Kana chiiko chaunokumbira zvino? Zvichaitwa.”
13
Ipapo Esiteri akati, “Kana mambo achifara nazvo, vaJudha vari paShusha ngavatenderwe kuita mangwanawo nechirevo chanhasi, navanakomana vaHamani vane gumi vasungirirwe pamatanda”.
14
Ipapo mambo akaraira kuti zviitwe saizvozvo; chirevo chikatemwa paShusha, vakasungurira vanakomana vaHamani vane gumi.
15
VaJudha vaiva paShusha vakaunganazve nezuva regumi namana romwedzi weAdhari, vakauraya varume vana mazana matatu paShusha, asi havana kupambara nhumbi.
16
Navamwe vaJudha vaiva pamativi enyika yamambo vakaungana, vakarwira upenyu hwavo, vakazorora pavavengi vavo, vakauraya pakati pavavengi vavo vane zviuru zvina makumi manomwe nezvishanu; asi havana kupambara nhumbi.
17
Izvozvo zvakaitwa nezuva regumi namatatu romwedzi weAdhari, vakazorora nezuva regumi namana, vakariita zuva romutambo neromufaro.
18
Asi vaJudha vaiva paShusha vakaungana pazuva regumi namatatu napazuva regumi namana romwedzi iwoyo; nezuva regumi namashanu romwedzi uyo vakazorora, vakariita zuva romutambo neromufaro.
19
Naizvozvo vaJudha vemisha, vanogara pamisha isina kukombwa namasvingo, vanoita zuva regumi namana romwedzi weAdhari zuva romufaro neromutambo, uye zuva rakanaka, nerokutumirana zvinonaka.
20
Zvino Modhekai akanyora zvinhu izvo, akatuma tsamba kuvaJudha vose vakanga vari pamativi ose enyika yamambo Ahasuerusi, pedyo nokure,
21
akavaraira kuti varangarire zuva iro regumi namana romwedzi weAdhari, nezuva regumi namashanu rawo, gore rimwe nerimwe,
22
nokuti ndiwo mazuva vaJudha avakazorodzwa nawo pavavengi vavo, nomwedzi wavakashandurirwa nawo kuchema kwavo ukava mufaro, uye zuva rokuchema rikava zuva rakanaka; uye kuti vaaite mazuva omutambo noomufaro, nokutumirana zvinonaka uye zvipo kuvarombo.
23
VaJudha vakatenda kuita nomutowo wavakatanga nawo, sezvavakanyorerwa naModhekai;
24
nokuti Hamani mwanakomana waHamedhata muAgagi, muvengi wavaJudha vose akanga afunga zano rokuparadza vaJudha, akakanda Puri, ndiyo mijenya, kuvapedza nokuvaparadza;
25
asi shoko iri rakati richisvika kuna mambo, iye ndokuraira netsamba kuti zano iri rake rakaipa raakafunga pamusoro pavaJudha, ridzoserwe pamusoro wake, uye kuti iye navanakomana vake vasungirirwe pamatanda.
26
Naizvozvo vakatumidza zita ramazuva iwayo Purimi nezita rePuri. Zvino nokuda kwamashoko ose etsamba iyo, nezvavakaona pamusoro pechinhu icho, nezvavakaitirwa,
27
vaJudha vakatema chirevo vakazvisunga, kuti ivo navana vavo, navose vaizozviisa kwavari, havangatongoregi kurangarira mazuva iwayo maviri, sezvakanga zvanyorwa pamusoro pawo, uye panguva yakanga yatarwa gore rimwe nerimwe;
28
uye kuti mazuva iwayo arangarirwe nokutambwa pakati porudzi rumwe norumwe, nemhuri imwe neimwe, norutivi rumwe norumwe rwenyika neguta rimwe nerimwe; uye kuti mazuva iwayo ePurimi arege kutongoregwa pakati pavaJudha, arangarirwe nokusingaperi pakati pavana vavo.
29
Ipapo vahosi Esiteri, mukunda waAbhihairi, naModhekai muJudha, vakanyora nesimba ravo rose vakasimbisa tsamba iyo yechipiri yePurimi.
30
Akatuma tsamba kuvaJudha, vose vakanga vari pamativi ane zana namakumi maviri namanomwe enyika yamambo Ahasuerusi, akanga ana mashoko orugare nezvokwadi,
31
kuzosimbisa mazuva iwayo ePurimi panguva dzawo dzakatarwa, sezvavakarairwa naModhekai muJudha navahosi Esiteri, uye sezvavakanga vazvisunga ivo navana vavo pamusoro peshoko rokuzvinyima zvokudya nerokuchema kwavo.
32
Murairo waEsiteri ukasimbisa mashoko iwayo ePurimi; zvikanyorwa mubhuku.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10