bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Hosea 13
Hosea 13
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 14 →
1
Efuremu vakati vachitaura, kudedera kukavapo; vakazvikudza pakati paIsiraeri; asi akati apara mhaka naBhaari, akafa.
2
Asi zvino vanongoramba vachiwedzera zvivi zvavo, vakazviitira zvifananidzo zvakaumbwa nesirivha yavo, zviri zvifananidzo zvenjere dzavo, zvose zviri basa remhizha; zvino vanoti pamusoro pazvo, “Vanobayira mhuru ngavadzisvete.”
3
Saka vachaita semhute yamangwanani, sedova rinokurumidza kunyangarika, sehundi inopepereswa nechamupupuri paburiro, soutsi hwechoto hunobuda napaburi.
4
“Kunyangwe zvakadaro ndini Jehovha Mwari wako kubva panyika yeIjipiti; hamuzivi mumwe mwari asi ini, hakuna mumwe muponesi kunze kwangu.
5
Ndakakuzivai murenje, munyika yakaoma kwazvo.
6
Zvavakapiwa mafuro akanaka, vakaguta; vakaguta, mwoyo yavo ikazvikudza, naizvozvo vakandikanganwa.
7
Saka ndava kwavari seshumba, ndichavagarira panzira sengwe;
8
ndicharwa navo sebheya rakatorerwa vana varo, ndichatsemura chifukidziro chomwoyo wavo; ndichavadyirapo seshumbakadzi; zvikara zvichavabvamburanya.
9
“Ndizvo zvichakuparadzai, imi Isiraeri, zvamunorwa neni, ini mubatsiri wenyu.
10
Ko zvino mambo wenyu aripi, akuponesei mumaguta enyu ose? Ko vatongi venyu varipi, vamaiti, ‘Tipei mambo namachinda?’
11
Ndakakupai mambo pakutsamwa kwangu, ndikamubvisazve nehasha dzangu.
12
“Zvakaipa zvaEfuremu zvakasungwa pamwechete, zvivi zvake zvakachengetwa.
13
Kurwadziwa kwomukadzi anosurumuka kuchasvika kwaari; iye mwanakomana asina njere; nokuti kana nguva ichisvika, haaswederi pakuzvarwa.
14
Ndichavadzikinura pasimba reSheori here? Ndichavadzikinura parufu here? Aiwa, rufu, denda rako riripiko? Aiwa, Sheori, rumborera rwako ruripiko? Tsitsi dzakavigwa kubva kumeso kwangu.
15
Kunyangwe akabereka zvibereko pakati pehama dzake, mhepo yokumabvazuva ichasvika, iri mhepo yaJehovha inobva kurenje; chitubu chake chichapwa, tsime yenhumbi dzose dzinodikanwa.
16
“Samaria richava nemhosva yaro, nokuti vakamukira Mwari wavo; vachaparadzwa nomunondo, vacheche vavo vachaputsanyiwa, vakadzi vavo vane mimba vachatumburwa.”
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14