bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Hosea 2
Hosea 2
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 3 →
1
Itiyi kuna vanun'una venyu, “Ama;” nokuhanzvadzi dzenyu, “Ruhama.”
2
Kakavarai namai venyu, kakavarai; nokuti haazi mukadzi wangu, neni handizi murume wake; ngaabvise kufeva kwake pachiso chake, nokupata kwake pakati pamazamu ake;
3
kuti ndirege kumukumurira nguo dzake dzose, ndimuite sezvaakanga akaita nezuva rokuzvarwa kwake, ndimuite serenje, ndimushandure ave nyika yakaoma, ndimuuraye nenyota.
4
Zvirokwazvo handinganzwiri vana vake nyasha, zvavari vana voufeve;
5
nokuti mai vavo vakafeva; vakavabereka vakaita zvinonyadzisa, nokuti vakati, “Ndichatevera vadikani vangu, vanondipa zvokudya zvangu nemvura yangu, namakushe angu neshinda yangu, namafuta angu nezvokunwa zvangu.”
6
Naizvozvo tarira, ndichasosera nzira yako neminzwa, ndichamuvakira rusvingo, kuti arege kuwana nzira dzake.
7
Achatevera vadikani vake, asi haangavabati; achavatsvaka, asi haangavawani; ipapo achati, “Ndichadzokera kumurume wangu wokutanga, nokuti nenguva iyo ndaifara kupfuura zvino.”
8
Nokuti akanga asingazivi kuti ndini ndaimupa zviyo, newaini namafuta, nokumuwanzira sirivha nendarama, zvavaibatira Bhaari nazvo.
9
Saka ndichamutorera zviyo zvangu nenguva yazvo, newaini yangu itsva nenhambo yazvo, ndichabvisa makushe angu neshinda yangu zvaifanira kufukidza kushama kwake.
10
Zvino ndichafukura kunyadzisa kwake pamberi pavadikani vake, hakuna angamurwira paruoko rwangu.
11
Ndichagumisawo mufaro wake wose, nemitambo yake, nenguva dzake dzokugara kwomwedzi, namaSabata ake, newungano dzake dzose dzakatarwa.
12
Ndichaparadza mizambiringa yake nemionde yake, yaaiti, “Ndiwo mubairo wangu wandakapiwa navadikani vangu; ndichazviita dondo, mhuka dzokusango dzichazvidya.
13
Ndichamuranga nokuda kwamazuva avaBhaari, vaaipisira zvinonhuwira, azvichishonga nezvindori zvake zvenzeve nezvishongo zvake, akatevera vadikani vake, akandikangwanwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
14
Saka tarirai, ndichamunyengera nokumuisa kurenje, ndichitaura zvinofadza mwoyo wake.
15
Ndichamupa minda yake yemizambiringa zvichibva ipapo, nomupata waAkori uve mukova wetariro kwaari; achapindura aripo, sapamazuva ousikana hwake, uye sapazuva raakabuda panyika yeIjipiti.
16
Zvino nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha, uchandidaidza kuti Murume Wangu, haungazondaidzi kuti Bhaari.
17
Nokuti ndichabvisa mazita avaBhaari mumuromo make, havangazozikanwi namazita avo.
18
Nezuva iro ndichavaitira sungano nemhuka dzokusango, neshiri dzokudenga, nezvinokambaira zvapasi; ndichavhuna uta nomundo nehondo panyika, ndivavatise pasi vakachengetwa.
19
Ndichakupfimba uve wangu nokusingaperi; zvirokwazvo ndichakupfimba uve wangu nokururama, nokururamisira, nounyoro, nenyasha.
20
Ndichakuita kuti uve wangu nokutendeka; ipapo uchaziva Jehovha.
21
Zvino nezuva iro ndichapindura, ndizvo zvinotaura Jehovha ndichapindura denga rose, iro richapindura nyika;
22
nyika ichapindura zviyo, newaini, namafuta; izvo zvichapindura Jezireri.
23
Ndichazvisimira iye panyika; ndichamunzwira nyasha, iye akanga asina kunzwirwa nyasha; ndichati kuna ivo vakanga vasi vanhu vangu, “Imi muri vanhu vangu,” ivo vachati, “Imi muri Mwari wedu.”
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14