bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Hosea 7
Hosea 7
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 8 →
1
“Kana ndichirapa Isiraeri, kuipa kwaEfuremu kwoonekwa nezvakashata zveSamaria; nokuti vanonyengera, mbavha inopinda mukati uye boka ramakororo rinoparadza kunze.
2
“Asi havafungi mumwoyo yavo kuti ndinorangarira zvakaipa zvavo zvose; zvino zvavakaita zvinovakomberedza, zviri pamberi pangu.”
3
“Vanofadza mambo nezvakashata zvavo, namachinda nenhema dzavo.
4
Vose imhombwe; vakafanana nechoto chakaveserwa nomubiki wechingwa; unorega kukuchidzira moto, kana akanya bundu rechingwa, kusvikira ravira.
5
Nezuva ramambo wedu machinda akarwariswa nokupisa kwewaini; iye akatambanudza ruoko rwake pamwechete navaseki.
6
Nokuti vakagadzira mwoyo yavo sechoto, vachivandira; mubiki wavo wechingwa unovata usiku hwose, mangwanani chinopfuta somurazvo womoto.”
7
“Vanopisa vose sechoto, vanoparadza vatongi vavo; madzimambo avo ose akawira pasi, hakuna nomumwe pakati pavo anodana kwandiri.
8
“Efuremu ndiye anozvivenganisa namamwe marudzi, Efuremu chingwa chisina kushandurwa.
9
Vatorwa vakapedza simba rake, asi iye haazvizivi; zvirokwazvo vhudzi rake rochena pose pose, asi iye haazvizivi.
10
Kuzvikudza kwaIsiraeri kunopupura pamberi pake, asi havana kudzokera kuna Jehovha Mwari wavo, kana kumutsvaka, kunyangwe izvi zvose zvakadaro.
11
Efuremu akaita senjiva isina mano, isina njere; vanodana Ijipiti, vanoenda Asiria.
12
Kana vachienda, ndichakandira mumbure wangu pamusoro pavo, ndichavakwevera pasi seshiri dzokudenga; ndichavaranga sezvavakaudzwa paungano yavo.
13
“Vane nhamo ivo nokuti vakatsauka kwandiri; ngavaparadzwe, nokuti vakandidarikira; kunyangwe ndakanga ndichida kuvadzikinura, vakandirevera nhema.
14
“Havana kudana kwandiri nemwoyo yavo, asi vanoungudza panhoo dzavo; vanounganira zviyo newaini itsva, vanondimukira.
15
Kunyangwe ndakavadzidzisa nokusimbisa maoko avo, kunyangwe zvakadaro vanofunga kundiitira zvakaipa.
16
Vanodzoka, asi havadzokeri kuna iye ari kumusoro; vakafanana nouta hunonyengera; machinda avo achaparadzwa nomunondo nokuda kwehasha dzamarimi avo; ndiko kuchava kusekwa kwavo panyika yeIjipiti.”
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
Recommended Reading
Commentary
Hosea Commentaries
→
Devotional
Hosea Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona SUB Bible Study Bible
→