bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
John 10
John 10
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 11 →
1
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, “Asingapindi napamusuwo mudanga ramakwai, asi anokwira napamwe, imbavha negororo.
2
Asi anopinda nopamusuwo, ndiye mufudzi wamakwai.
3
Murindi womusuwo anomuzarurira iye, makwai anonzwa izwi rake, anodana makwai ake namazita awo, nokuaperekedzera kunze.
4
Kana abudisa makwai ake ose, anoatungamirira; makwai anomutevera, nokuti anoziva izwi rake.
5
Asi mweni haangatongomuteveri, asi anomutiza; nokuti haazivi izwi ravaeni.”
6
Jesu akareva mufananidzo uyu kwavari, asi havana kunzwisisa, kuti zvaakavataurira ndezvei.
7
Zvino Jesu akati kwavarizve, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, ndini musuwo wamakwai.
8
Vose vakanditangira kuuya, imbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa.
9
“Ndini musuwo kana munhu apinda neni, achaponeswa, achapinda, achabuda, achawana mafuro.
10
Mbavha inongouya, kuti ibe nokuuraya nokuparadza. Ini ndakauya, kuti ave noupenyu, uye ave nohwakawanda.
11
“Ndini mufudzi akanaka; mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake.
12
Muranda, asati ari mufudzi wamakwai, makwai asati ari ake, anoti kana achiona bere richiuya, anosiya makwai, ndokutiza; bere rinoabvuta, nokuaparadza;
13
anotiza, zvaari muranda; haana hanya namakwai.
14
Ndini mufudzi akanaka, ndinoziva makwai angu, namakwai angu anondiziva ini,
15
Baba sezvavanondiziva, neni ndichiziva Baba; ndinorashira makwai angu upenyu hwangu.
16
Namamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawowo, achanzwa izwi rangu; richava boka rimwe, nomufudzi mumwe.
17
“Saka Baba vanondida, nokuti ndinorasha upenyu hwangu, ndigohutorazve.
18
Hakuna munhu anganditorera upenyu; asi ndinohurasha ndimene. Ndine simba rokuhurasha, uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murairo ndakaupiwa nababa vangu.”
19
Ipapo kupesana kukamukazve pakati pavaJudha pamusoro pamashoko iwayo.
20
Vazhinji vavo vakati, “Ane mweya wakaipa, anopenga; munomuteerereiko?”
21
Vamwe vakati, “Mashoko awa haati ari omunhu akabatwa nomweya wakaipa; ko mweya wakaipa ungagona kusvinudza meso amapofu here?”
22
Yaiva nguva yomutambo wokuvandudzwa kwetemberi paJerusaremu; chaiva chando.
23
Jesu akafamba mutemberi pabiravira raSoromoni.
24
Zvino vaJudha vakamukomba, vakati kwaari, “Uchatinetsa kusvikira rinhiko? Kana uri Kristu iwe, tiudze pachena.”
25
Jesu akavapindura, akati, “Ndakakuudzai, mukasatenda. Mabasa andinoita nezita raBaba, ndiwo anondipupurireni.
26
Asi imi hamutendi, nokuti hamusi vamakwai angu.
27
Makwai angu anonzwa izwi rangu; neni ndinoaziva, uye anonditevera.
28
Ndinoapa upenyu husingaperi; haangafi nokusingaperi, uye hakuna munhu angaabvuta muruoko rwangu.
29
Zvandakapiwa naBaba vangu zvikuru kuna zvose; hakuna munhu ungaabvuta muruoko rwaBaba vangu.
30
“Ini naBaba tiri vamwe.”
31
Zvino vaJudha vakanongazve mabwe, kuti vamutake.
32
Jesu akavapindura, akati, “Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka akabva kuna Baba; munonditakira basa ripiko kuna iwaya?”
33
VaJudha vakamupindura, vakati, “Hatikutakiri basa rakanaka; asi nokuti wamhura Mwari; uye, nokuti iwe munhu, unozviita Mwari.”
34
Jesu akavapindura, akati, “Hazvina kunyorwa here mumurairo wenyu, zvichinzi, ndakati, ‘Muri vamwari?’
35
“Zvino kana akavaidza vamwari, ivo shoko raMwari rakasvika kwavari, (Rugwaro harungaputswi);
36
imi moti seiko kuna iye akaitwa mutsvene naBaba, nokutumwa panyika, unomhura Mwari, zvandakati, ndiri Mwanakomana waMwari?
37
Kana ndisingaiti mabasa aBaba vangu, regai kunditenda ini;
38
asi kana ndichiaita, kunyangwe musinganditendi ini, tendai mabasa, mugoziva nokunzwisisa, kuti Baba vari mandiri, neni ndiri muna Baba.”
39
Zvino vakatsvakazve kumubata, asi iye akapukunyuka pamaoko avo.
40
Zvino akaendazve mhiri kwaJodhani, paya paibhabhatidza Johani pakutanga; akagarapo.
41
Vazhinji vakauya kwaari, vakati, “Johani haana kuita chiratidzo, asi zvose zvakareva Johani pamusoro pouyu ndezvechokwadi.”
42
Vazhinji vakatenda kwaari ipapo.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21