bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
John 15
John 15
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 16 →
1
“Ndini muzambiringa wechokwadi, Baba vangu murimi.
2
Davi rimwe nerimwe riri mandiri, risingabereki michero, vanoribvisa; rimwe nerimwe, rinobereka michero, vanorinatsa, kuti riwedzere michero.
3
Imi matonatswa neshoko randakareva kwamuri.
4
Garai mandiri, neni mamuri. Sedavi risingagoni kubereka michero roga, kana risingagari mumuzambiringa; saizvozvo nemiwo, kana musingagari mandiri.
5
“Ini ndiri muzambiringa, imi muri matavi. Anogara mandiri, neni maari, ndiye anobereka michero yakawanda; nokuti kunze kwangu hamugoni kuita chinhu.
6
Kana munhu asingagari mandiri, anoraswa kunze sedavi, ndokuoma; anounganidzwa, ndokukandirwa mumoto, atsve.
7
Kana muchigara mandiri, namashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvamunoda, muchazviitirwa.
8
Baba vangu vanokudzwa naizvozvi, kuti mubereke michero yakawanda; uye muchava vadzidzi vangu.
9
Baba sezvavakandida, neni ndakakudai; garai murudo rwangu.
10
Kana muchichengeta mirairo yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndaichengeta mirairo yaBaba vangu, ndichigara murudo rwavo.
11
“Zvinhu izvozvi ndakazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, nomufaro wenyu uzadzike.
12
Uyu ndiwo murairo wangu, kuti mudane, seni ndakakudai imi.
13
Hakuna munhu ano rudo rukuru kune urwu, kuti munhu arasire hama dzake upenyu hwake.
14
Imi muri hama dzangu, kana muchiita zvandinokurayirai ini.
15
Handichakuidzii varanda; nokuti muranda haazivi zvinoitwa naishe wake; asi ndinokuidzai hama; nokuti zvose zvandakanzwa kuna Baba vangu, ndakakuzivisai izvo.
16
“Imi hamuna kundisanangura, asi ini ndakakusanangurai imi, ndikakuisai kuti muende mubereke michero, uye kuti michero yenyu igare; kuti chinhu chipi nechipi chamunenge muchikumbira kuna Baba muzita rangu, vakupei icho.
17
“Ndizvozvi zvandinokurayirai, kuti mudane.
18
“Kana nyika ichikuvengai, muzive kuti yakandivenga ini, isati yakuvengai imi.
19
Kana maiva venyika, nyika yaidana vayo; zvino zvamusati muri venyika, asi ini ndakakusanangurai panyika, saka nyika inokuvengai.
20
Rangarirai shoko randakareva kwamuri, ndichiti, ‘Muranda haasi mukuru kuna ishe wake.’ Kana vakanditambudza ini, vachakutambudzai nemiwo; kana vakachengeta shoko rangu, vachachengeta nerenyuwo.
21
Asi izvi zvose vachakuitirai nokuda kwezita rangu, nokuti havazivi akandituma.
22
Dai ndisina kuuya, ndikataura navo, vangadai vasina zvivi; asi zvino havana pembedzo yezvivi zvavo.
23
Anondivenga, anovenga naBaba vanguo.
24
“Dai ndisina kuita pakati pavo mabasa asina kumboitwa nomumwe munhu, vangadai vasina zvivi; asi zvino vakaona, nokundivenga ini naBaba vangu.
25
“Asi zvakaitwa, kuti shoko rakanyorwa mumurairo wavo, riitike, rinoti, ‘Vakandivenga ndisina mhosva.’
26
“Kana Munyaradzi auya, wandichatuma kwamuri, achibva kuna Baba, iye Mweya wechokwadi, anobuda kuna Baba, achandipupurira.
27
Nemiwo pupurai, nokuti maiva neni kubva pakutanga.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21