bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
John 20
John 20
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 21 →
1
Zvino nomusi wokutanga wevhiki Maria Magadharina akaenda kuhwiro mangwanani kuchakasviba; akaona ibwe rabviswa pahwiro.
2
Akamhanya, akaenda kuna Simoni Petirosi nokuno mumwe mudzidzi, aidikanwa naJesu, akati kwavari, “Vabvisa Ishe muhwiro, hatizivi pavakamuisa.”
3
Zvino Petirosi akabuda nouya mumwe mudzidzi, vakaenda kuhwiro.
4
Vakamhanya vose vari vaviri; uya mumwe mudzidzi akamhanyisa akakunda Petirosi, akatanga kusvika pahwiro,
5
akakotama achidongorera, akaona micheka iri pasi, asi haana kupinda.
6
Zvino Simoni Petirosi akasvikawo, akapinda muhwiro, akaona micheka iri pasi;
7
nomucheka muduku, wakanga uri mumusoro wake, usati uri kune mimwe micheka, asi wakapetwa uri pamwe woga.
8
Zvino uye mumwe mudzidzi akapindawo, iye akatanga kusvika pahwiro, akaona, akatenda.
9
Nokuti vakanga vachigere kunzwisisa Rugwaro, runoti anofanira kumuka kuvakafa.
10
Zvino vadzidzi vakadzokerazve kumusha kwavo.
11
Asi Maria akaramba amire kunze kwehwiro, achichema; zvino achichema, akakotama, akadongorera muhwiro.
12
Akaona vatumwa vaviri, vane nguo chena, vagere mumwe kumusoro, mumwe kumakumbo, ipapo pakanga paiswa chitunha chaJesu.
13
Ivo vakati kwaari, “Mai, munochemeiko?” Akati kwavari, “Nokuti vakabvisa Ishe wangu, zvino handizivi kwavakamuisa.”
14
Zvino akati achireva izvozvo, akatendeukira shure, akaona Jesu amire; asi haana kuziva kuti ndiJesu.
15
Jesu akati kwaari, “Mai, munochemeiko? Munotsvaka aniko?” Iye achiti ndiye murimi womunda, akati kwaari, “Ishe, kana muri imi mamubvisa, ndiudzei pamamuisa, ndindomutora.”
16
Jesu akati kwaari, “Maria!” Iye akatendeuka, akati kwaari neChiHebheru, “Rabhoni;” ndokuti, “Mudzidzisi.”
17
Jesu akati kwaari, “Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kuna Baba vangu; asi enda kuhama dzangu, uti kwavari, ndinokwira kuna Baba vangu naBaba venyu, kuna Mwari wangu naMwari wenyu.”
18
Maria Magadharina akaenda, akaudza vadzidzi, achiti, “Ndaona Ishe,” uye kuti akanga audzwa zvinhu izvi naye.
19
Zvino ava madeko pazuva iro rokutanga revhiki, misuwo yapfigwa pavakanga vari vadzidzi nokutya vaJudha, Jesu akauya, akamira pakati pavo, akati kwavari, “Rugare kwamuri!”
20
Zvino akati areva izvozvo, akavaratidza zvanza zvake norutivi rwake. Vadzidzi vakafara vachiona Ishe.
21
Jesu akatizve kwavari, “Rugare kwamuri! Baba sezvavakandituma, neni ndinokutumaiwo.”
22
Zvino akati areva izvozvo, akafemera kwavari, akati kwavari, “Gamuchirai Mweya Mutsvene.
23
Avo, vanoregerera zvivi zvavo, varegererwa; avo, vamunobata zvivi zvavo, zvabatwa.”
24
Zvino Tomasi, ainzi Dhidhimo, mumwe wavane gumi navaviri, akanga asipo, pakuuya kwaJesu.
25
Zvino vamwe vadzidzi vakati kwaari, “Taona Ishe.” Iye akati kwavari, “Kana ndikasaona mavanga embambo muzvanza zvake, nokuisa munwe wangu paiva nembambo, nokuisa ruoko rwangu murutivi rwake, handingatongotendi.”
26
Zvino mazuva masere akati apfuurazve, vadzidzi vakanga varimo mukati, naTomasi anavo. Jesu akauya, misuwo yapfigwa, akamira pakati pavo, akati, “Rugare kwamuri!”
27
Ipapo akati kuna Tomasi, “Uya pano nomunwe wako, uone zvanza zvangu; uya noruoko rwako, uruise murutivi rwangu; usava usingatendi, asi unotenda.”
28
Tomasi akapindura, akati kwaari, “Ishe wangu, naMwari wangu!”
29
Jesu akati kwaari, “Watenda, nokuti wandiona? Vacharopafadzwa vanotenda, kunyangwe vasina kuona.”
30
Zvino Jesu akaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pavadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iyi;
31
asi izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiye Kristu Mwanakomana waMwari; uye kuti, muchitenda, muve noupenyu muzita rake.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21