bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Leviticus 1
Leviticus 1
Shona SUB 2002 Bible
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 2 →
1
Zvino Jehovha akadana Mosesi, akataura naye ari mutende rokusangana, akati,
2
“Taura navana VaIsiraeri, uti, kwavari, ‘Kana mumwe wenyu achida kuvigira Jehovha chipo chake, munofanira kumuvigira zvipo zvenyu zvezvipfuwo, kana zvemombe kana zvamakwai.’
3
“Kana chipo chake chiri chipiriso chinopiswa chemombe, anofanira kuvigira mukono asina chipomerwa; ngaachibayire pamukova wetende rokusangana, kuti agamuchirwe pamberi paJehovha.
4
Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chinopiswa, kuti chigamuchirwe panzvimbo yake, chimuyananisire.
5
Ngaabaye nzombe pamberi paJehovha, vanakomana vaAroni, vapristi, vagouya neropa, vasase ropa kunhivi dzose dzeatari, iri pamukova wetende rokusangana.
6
Zvino ngaavhiye chipiriso chinopiswa, nokuchigura–gura.
7
“Zvino vanakomana vaAroni, mupristi, ngavaise moto paatari, nokugadzirawo huni pamusoro pomoto.
8
Ipapo vanakomana vaAroni, vapristi, vanofanira kugadzira nhindi, nomusoro, namafuta pamusoro pehuni dziri pamoto uri pamusoro peatari.
9
Asi ngaasuke hura hwacho namakumbo acho nemvura, mupristi agopisa zvose paatari, chive chipiriso chinopiswa, chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
10
“Kana chipo chake chiri chipiriso chinopiswa chezvipfuwo zviduku zvamakwai kana mbudzi, anofanira kuvigira mukono asina chipomerwa.
11
“Ngaachibaye parutivi rweatari nechokumusoro pamberi paJehovha; zvino vanakomana vaAroni, vapristi, vanofanira kusasa ropa racho kunhivi dzose dzeatari.
12
Ipapo anofanira kugura–gura nhindi pamwechete nomusoro wacho namafuta acho, mupristi agozvigadzira pamusoro pehuni dziri pamoto pamusoro peatari.
13
Asi ura namakumbo ngaazvisuke nemvura, mupristi agozvibayira zvose, nokuzvipisira paatari, kuti chive chipiriso chinopiswa, chipiriso chakaitwa nomoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
14
“Kana chipo chake kuna Jehovha chiri chipiriso chinopiswa cheshiri, ngaavigire chibayiro chake chenjiva, kana twana twenjiva.
15
Zvino mupristi anofanira kuchiisa paatari, agodonhedzera ropa racho parutivi rweatari;
16
zvino anofanira kutora chihururu chayo neminhenga yayo, ndokuzvirasa kurutivi rweatari kumabudazuva kunoraswa madota.
17
Ipapo anofanira kuibvambura namapapiro ayo asingaiparadzanisi, mupristi agoipisa paatari pamusoro pehuni dziri pamoto; icho chipiriso chinopiswa, chipiriso chakaitwa nomoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27