bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Leviticus 13
Leviticus 13
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 14 →
1
Zvino Jehovha akataura naMosesi naAroni akati,
2
“Kana munhu ane pakazvimba kana panofunuka, kana chivara paganda romuviri wake, pakaita sechirwere chamaperembudzi paganda romuviri wake, anofanira kuiswa kuna Aroni mupristi, kana kuno mumwe wavanakomana vake vapristi;
3
mupristi zvino anofanira kucherechedza chirwere chiri paganda romuviri wake; kana mvere dziri pane chirwere dzikashanduka dzikava chena, chirwere chikaonekwa kuti chakapinda kwazvo mukati meganda romuviri wake, chirwere chamaperembudzi; mupristi ngaamucherechedze, agoreva kuti haana kunaka.
4
Kana chivara chiri chichena paganda romuviri wake, chakaonekwa kuti hachina kupinda mukati meganda kwazvo, mvere dzisina kushanduka, dzikava chena, mupristi anofanira kupfigira munhu uyo une chirwere mazuva manomwe;
5
nomusi wechinomwe mupristi anofanira kumucherechedza; kana akaona kuti chirwere chaita sechamira, kuti chirwere hachina kupararira paganda, zvino mupristi anofanira kumupfigira mamwe mazuva manomwezve;
6
zvino mupristi anofanira kumucherechedza nezuva rechinomwe; kana akaona kuti chirwere chaita nani, kuti chirwere hachina kupararira paganda, zvino mupristi uchareva kuti munhu wakanaka hake; pakanga pakafunuka hapo; ipapo anofanira kusuka nguo dzake agova wakanaka.
7
Asi kana pakafunuka pachiramba pachipararira paganda, ambozviratidza kumupristi kuti anzi wakanaka, ipapo anofanira kuzviratidzazve kumupristi;
8
zvino mupristi anofanira kucherechedza; kana akaona kuti pakafunuka pakapararira paganda, ipapo mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka, maperembudzi.
9
“Kana chirwere chemaperembudzi chiri pamunhu, anofanira kuiswa kumupristi;
10
zvino mupristi anofanira kucherechedza; kana akaona kuti pane pakazvimba pachena paganda, mvere dzikashanduka, dzikaita chena, pakazvimba pakava nenyama yakatsvuka,
11
ndiwo maperembudzi anguva avapo paganda romuviri wake, zvino mupristi ngaarege kumupfigira, nokuti haana kunaka, ngaareve kuti haana kunaka.
12
Kana maperembudzi akabuda pose pose paganda, maperembudzi akafukidza ganda rose romunhu ane chirwere, kubva pamusoro wake kusvikira kutsoka dzake, pose panoonekwa nomupristi;
13
zvino mupristi anofanira kutarira; kana akaona kuti maperembudzi akazadza muviri wake wose, anofanira kureva kuti munhu ane chirwere akanaka, zvose zvashanduka zvachena, akanaka hake.
14
Asi kana nyama yakatsvuka ikaonekwa kwaari, uchava asina kunaka.
15
Kana mupristi akaona nyama yakatsvuka, anofanira kureva kuti haana kunaka; nyama yakatsvuka haina kunaka, maperembudzi.
16
Kana nyama yakatsvuka ikashandukazve, ikaita chena, anofanira kuuya kumupristi.
17
Ipapo mupristi anofanira kumucherechedza; kana akaona kuti chirwere chashanduka, chikachena, mupristi anofanira kureva kuti ane chirwe chakanaka, akanaka hake.
18
“Zvino kana nyama ine mota paganda, pakapora,
19
panzvimbo yemota pakauya pakazvimba pakachena, kana chivara chakaita sechitsvuku, zvinofanira kuratidzwa mupristi;
20
zvino mupristi anofanira kucherechedza; kana akaona kuti pakadzika pasi peganda, mvere dzapo dzikashanduka dzikaita chena, mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; chirwere chamaperembudzi chabuda napamota.
21
Asi kana mupristi akapacherechedza, akaona kuti hakuna mvere chena ipapo, pasina kudzika pasi peganda, asi pava nani; mupristi anofanira kumupfigira mazuva manomwe.
22
Kana pakapararira pose paganda, mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; chirwere.
23
Asi kana chivara chikarambira panzvimbo yacho, chikasapararira, ivanga haro remota; mupristi anofanira kuti wakanaka.
24
“Kana nyama yomunhu ina pakatsva paganda rake, nyama yakatsvuka yapo ikaita chivara chichena chakaita sechitsvuku kana chichena,
25
mupristi anofanira kupacherechedza; kana akaona kuti mvere dzapachivara dzashanduka, dzikaita chena, akaona kuti pakaita sapakadzika paganda, ava maperembudzi akabuda napakatsva; mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; chirwere chamaperembudzi.
26
Asi kana mupristi akapacherechedza, akaona kuti hapana mvere chena pachivara, uye kuti hapana kudzika pasi peganda, asi pava nani hapo, mupristi anofanira kumupfigira mazuva manomwe.
27
Zvino mupristi anofanira kumucherechedza nezuva rechinomwe; kana pakaramba pachipararira paganda, mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; chirwere chamaperembudzi.
28
Kana chivara chikaramba chiri panzvimbo yacho, chikasapararira paganda, asi chava nani, ndiko kuzvimba kwokutsva hako, mupristi anofanira kureva kuti wakanaka hake, nokuti chivara chokutsva.
29
“Kana murume kana mukadzi ane chirwere pamusoro kana pandebvu,
30
mupristi anofanira kucherechedza chirwere; kana akaona kuti chakapinda mukati, pasi peganda, mvere dziripo dziri tsvuku dzakaita sechena, dziri nhete, mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; pafunuka, ndiwo maperembudzi omusoro kana endebvu.
31
Kana mupristi akacherechedza chirwere chokufunuka, akaona kuti hachina kupinda mukati pasi peganda, pasina mvere nhema ipapo, mupristi anofanira kupfigira munhu ane chirwere chokufunuka mazuva manomwe.
32
Nomusi wechinomwe mupristi anofanira kucherechedza chirwere; kana akaona kuti hachina kupinda mukati pasi peganda,
33
anofanira kuveurwa, asi ngaarege kuveura pakafunuka; zvino mupristi anofanira kupfigira munhu ane pakafunuka mamwe mazuva manomwezve;
34
nomusi wechinomwe mupristi anofanira kucherechedza pakafunuka; kana akaona kuti pakafunuka hapana kupararira paganda, uye kuti hapana kupinda mukati pasi peganda, mupristi anofanira kureva kuti wakanaka hake; zvino iye ngaasuke nguo dzake, anake.
35
Asi kana pakafunuka pakapararira pose paganda shure kwokunatswa kwake;
36
mupristi anofanira kumucherechedza; kana akaona kuti pakafunuka papararira paganda, ngaarege hake kutsvaka mvere tsvuku dzakaita sechena; haana kunaka.
37
Asi kana iye akaona kuti pakafunuka paita sapamira, nemvere nhema dzabudapo, pakafunuka papora hapo, wakanaka; mupristi anofanira kureva kuti wakanaka hake.
38
“Kana murume kana mukadzi ane zvivara paganda renyama yavo, zviri zvivara zvichena;
39
mupristi anofanira kuzvicherechedza; kana akaona kuti zvivara paganda renyama zviri zvichena, zvisingabwinyi, imhezi dzakabuda paganda, vakanaka havo.
40
“Kana vhudzi romunhu rakabva pamusoro wake, wava nemhanza; asi akanaka hake.
41
Kana vhudzi rake rakabva pamusoro wake nechemberi, une mhanza pahuma, asi wakanaka hake.
42
Asi kana pamhanza, kana pamhanza yapahuma, pane chirwere chichena chakaita sechitsvuku, maperembudzi anobuda pamhanza.
43
Zvino mupristi anofanira kumucherechedza; kana akaona kuti pakazvimba pechirwere pachena pakaita sapatsvuku pamhanza yake pakafanana namaperembudzi paganda renyama,
44
munhu uyo ane maperembudzi, haana kunaka; mupristi anofanira kureva kwazvo kuti haana kunaka; chirwere chake chiri pamusoro wake.
45
Zvino munhu ane maperembudzi, ane chirwere ichi, nguo dzake dzinofanira kubvarurwa, nevhudzi romusoro wake rinofanira kusunungurwa, uye anofanira kufukidza muromo wake wokumusoro, agodanidzira, achiti, ‘Ndakaipa, ndakaipa!’
46
Mazuva ose aane chirwere ayo, achava asina kunaka; haana kunaka; ngaagare ari oga; pokugara kwake panofanira kuva kunze kwemisasa.
47
“Nguo ine chirwere chamaperembudzi, kana iri nguo yamakushe amakwai, kana iri nguo yomucheka;
48
kana iri yakarukwa, kana yakakoswa; kana yomucheka, kana yamakushe amakwai; kana yedehwe, kana chinhu chakaitwa nedehwe;
49
kana chirwere chakaita senhema, kana tsvuku panguo, kana padehwe, kana pane zvakarukwa, kana pane zvakakoswa, kana pachinhu chipi nechipi chedehwe; chirwere chamaperembudzi chinofanira kuratidzwa mupristi;
50
zvino mupristi anofanira kucherechedza chirwere chacho, agopfigira chinhu chine chirwere mazuva manomwe;
51
zvino anofanira kucherechedza chirwere nezuva rechinomwe; kana chirwere chakaparira panguo, kana iri yakarukwa, kana yakakoswa, kana yedehwe, rine basa ripi neripi; chirwere icho ndechamaperembudzi akaipa kwazvo; hachina kunaka.
52
Zvino anofanira kupisa nguo, kana iri yakarukwa, kana yakakoswa, kana yamakushe amakwai, kana yomucheka, kana ipi neipi yedehwe, ine chirwere icho; nokuti maperembudzi akaipa kwazvo; anofanira kupiswa nomoto.
53
“Kana mupristi akatarira, akaona kuti chirwere hachina kupararira panguo, kana pakarukwa, kana pakakoswa, kana pachinhu chipi nechipi chedehwe;
54
mupristi anofanira kuraira kuti vasuke chinhu chine chirwere, zvino achipfigire mamwe mazuva manomwezve;
55
mupristi agocherechedzazve kana chirwere chasukwa; kana akaona kuti chirwere hachina kushanduka ruvara rwacho, uye kuti chirwere hachina kupararira, hachina kunaka; anofanira kuchipisa nomoto; chapinda mukati kwazvo, kana nechapamusoro kana nechapanyasi.
56
Kana mupristi akacherechedza, akaona kuti chirwere chava nani pakusukwa kwacho, anofanira kubvarura nguo kupabvisapo, kana padehwe, kana pakarukwa, kana pakakoswa;
57
asi kana chikaramba chichionekwa panguo, kana pakarukwa, kana pakakoswa, kana pachinhu chipi nechipi chedehwe, chirwere chinobuda; anofanira kupisa chinhu icho chine chirwere nomoto;
58
asi nguo yaunosuka, kana pakarukwa, kana pakakoswa, kana chiri chinhu chipi nechipi chedehwe, kana chirwere chikabva kwachiri, chinofanira kusukwa rwechipiri, chigova chakanaka.
59
“Ndiwo murairo wechirwere chamaperembudzi panguo yamakushe amakwai, kana yomucheka, kana chinhu chipi nechipi chedehwe, kuti chigonzi chakanaka, kana hachina kunaka.”
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27