bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Leviticus 14
Leviticus 14
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 15 →
1
Zvino Jehovha akataura naMosesi akati,
2
“Ndiwo murairo womunhu una maperembudzi nomusi wokunatswa kwake: Unofanira kuiswa kumupristi;
3
zvino mupristi anofanira kubuda kunze kwemisasa, mupristi ugocherechedza munhu uyu; kana akaona kuti chirwere chamaperembudzi chapora hacho kumunhu una maperembudzi;
4
mupristi anofanira kuraira kuti anoda kunatswa atorerwe shiri mbiri mhenyu dzakanaka, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi.
5
Zvino mupristi araire kuti shiri imwe iurawe muhari yevhu, pamusoro pemvura inoyerera.
6
Zvino anofanira kutora shiri mhenyu, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi, okuzvinyika pamwechete neshiri mhenyu muropa reshiri yakaurayiwa pamusoro pemvura inoyerera.
7
Zvino anofanira kurisasa kanomwe pamusoro pomunhu unoda kunatswa pamaperembudzi ake, ndokureva kuti wakanaka; ipapo woregedza shiri mhenyu, iende hayo kusango.
8
Zvino munhu unoda kunatswa anofanira kusuka nguo dzake, nokuveura vhudzi rake rose, nokushamba mumvura, agova wakanaka; pashure anofanira kupinda mukati memisasa, asi ngaagare kunze kwetende mazuva manomwe.
9
Nomusi wechinomwe anofanira kuveura vhudzi rake rose romusoro wake, nendebvu dzake, netsiye dzake, aveure vhudzi rake rose; zvino ngaasuke nguo dzake, nokushamba muviri wake, agova wakanaka.
10
Nomusi worusere anofanira kutora makwayana maviri amakondohwe, asina chipomerwa, negwayana rimwe resheche rine gore rimwe, risina chipomerwa, nezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, nerogi imwe yamafuta.
11
“Zvino mupristi, unomunatsa, anofanira kuisa munhu unoda kunatswa pamberi paJehovha, pamwechete nezvinhu izvi, pamukova wetende rokusangana;
12
mupristi ndokutora rimwe ramakwayana amakondohwe, ndokuribayira, chive chipiriso chemhosva, nerogi yamafuta, agozvizunguzira, chive chipiriso chokuzunguzira pamberi paJehovha;
13
zvino anofanira kuuraya gwayana regondohwe pavanourayira chipiriso chezvivi nechipiriso chinopiswa panzvimbo tsvene; nokuti chipiriso chemhosva ndechomupristi sechipiriso chezvivi; chitsvene kwazvo.
14
Ipapo mupristi anofanira kutora rimwe ropa rechipiriso chemhosva, mupristi agoriisa pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi;
15
zvino mupristi anofanira kutora mamwe mafuta erogi, ndokuadira muchanza choruoko rwake rworuboshwe;
16
zvino mupristi ngaanyike mutendeka wake worudyi mumafuta ari muruoko rwake rworuboshwe, asase mamwe mafuta nomunwe wake kanomwe pamberi paJehovha;
17
mamwe mafuta akasara muruoko rwake mupristi anofanira kuaisa pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe roruoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi, pamusoro peropa rechipiriso chemhosva;
18
mamwe mafuta akasara muruoko rwomupristi anofanira kuaisa pamusoro womunhu unonatswa; kuti mupristi amuyananisire pamberi paJehovha.
19
Mupristi anofanira kupisa chipiriso chezvivi, kuti ayananisire munhu unonatswa, nokuda kwokusanaka kwake; pashure anofanira kuuraya chipiriso chinopiswa;
20
mupristi anofanira kupisa chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu pamusoro peatari, kuti mupristi amuyananisire, anake.
21
“Kana ari murombo, asingagoni kuwana zvizhinji zvakadai, anofanira kutora gwayana rimwe regondohwe, chive chipiriso chemhosva chokuzunguzira, kumuyananisira, nechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu, pamwechete nerogi yamafuta;
22
nenjiva mbiri, notwana tuviri twenjiva, sezvaanogona kuwana; imwe chive chipiriso chezvivi, imwe chive chipiriso chinopiswa;
23
nomusi worusere anofanira kuuya nazvo kumupristi pamusoro pokunatswa kwake, kumukova wetende rokusangana pamberi paJehovha.
24
Zvino mupristi anofanira kutora gwayana rechipiriso chemhosva, nerogi yamafuta, mupristi agozvizunguzira, chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha.
25
Zvino ngaauraye gwayana rechipiriso chemhosva, agotora rimwe ropa rechipiriso chemhosva, ariise pamucheto wenzeve yomunhu unonatswa, napagunwe roruoko rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi;
26
zvino mupristi ngaadire mamwe mafuta muchanza choruoko rwake rworuboshwe;
27
mupristi agosasa nomutendeka wake worudyi mamwe mafuta ari muruoko rwake rworuboshwe kanomwe pamberi paJehovha.
28
Zvino mupristi ngaaise mamwe mafuta ari muruoko rwake pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe roruoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi, panzvimbo yeropa rechipiriso chemhosva.
29
Mamwe mafuta akasara muruoko rwomupristi anofanira kuaisa pamusoro womunhu unonatswa, kuti amuyananisire pamberi paJehovha.
30
Zvino anofanira kubayira njiva imwe, kana kana kenjiva, sezvaanogona kuwana;
31
sezvaanogona kuwana, imwe chive chipiriso chezvivi, imwe chipiriso chinopiswa, pamwechete nechipiriso choupfu; kuti mupristi ayananisire munhu unonatswa pamberi paJehovha.
32
Ndiwo murairo wechirwere chamaperembudzi kumunhu usingagoni kuwana zvakakwanisira kunatswa kwake.”
33
Zvino Jehovha akataura naMosesi naAroni akati,
34
“Kana masvika kunyika yeKenani, iyo yandakupai, kuti ive yenyu, kana ndikaisa chirwere chamaperembudzi muimba yenyika yenyu;
35
muridzi weimba anofanira kuuya kuzoudza mupristi, achiti, ‘Ndinoona kuti imba yangu inenge ine chirwere.’
36
Ipapo mupristi anofanira kuraira kuti vabudise zvose zviri mumba, iye mupristi asina kupinda kundotarira chirwere, kuti zvose zviri mumba zvirege kusvibiswa; pashure mupristi apinde kundotarira imba iyo.
37
Zvino ngaacherekedze chirwere; kana akaona kuti chirwere chiri mumadziro eimba; ina mavara akapinda, akaita samatema kana matsvuku, akaita saakapinda mukati mamadziro,
38
mupristi anofanira kubuda paimba, ndokuenda kumukova weimba, ndokupfiga imba mazuva manomwe;
39
zvino mupristi anofanira kudzokazve nezuva rechinomwe, kuti acherechedze; kana akaona kuti chirwere chakapararira pamadziro eimba;
40
mupristi anofanira kuraira kuti vabvise mabwe ane chirwere paari, vaakandire panzvimbo isina kunaka kunze kweguta;
41
ipapo ngaaraire kuti imba iparwe mukati mayo kunhivi dzose, mavhu avanopara agodururirwa kunze kweguta panzvimbo isina kunaka;
42
zvino mamwe mabwe atorwe, aiswe panzvimbo yamamwe iwayo, iye atore rimwe ivhu aumbe imba naro.
43
Kana chirwere chikadzokazve, chikabuda muimba iyo, mabwe ambobviswa, imba yaparwa,
44
mupristi anofanira kupinda nokucherechedza; kana akaona kuti chirwere chapararira mumba, ndiwo maperembudzi akaipa kwazvo, yava yakaipa.
45
Zvino anofanira kuputsa imba, namabwe ayo, namatanda ayo, nevhu rose reimba, ndokuzvitakurira kunze kweguta kunzvimbo isina kunaka.
46
Uye ani naani unopinda mumba panguva yose yokupfigwa kwayo uchava usina kunaka kusvikira usiku.
47
Munhu wakavata muimba iyo, anofanira kusuka nguo dzake.
48
“Kana mupristi akapinda, akatarira, akaona kuti chirwere hachina kupararira mumba, kubva pakuuyiwa kwemba, mupristi anofanira kureva kuti imba yakanaka, nokuti chirwere chapera.
49
Zvino anofanira kutora shiri mbiri, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi, kuti anatse imba;
50
ipapo ngaauraye shiri imwe muhari yevhu pamusoro pemvura inoyerera,
51
nokutora danda romusidhari, nehisopi, nomucheka mutsvuku, neshiri mhenyu, azvinyike muropa reshiri yakaurayiwa uye mumvura inoyerera, ndokusasa imba kanomwe;
52
anofanira kunatsa imba neropa reshiri nemvura inoyerera neshiri mhenyu, nedanda romusidhari, nehisopi nomucheka mutsvuku;
53
asi shiri mhenyu anofanira kuiregedza kuti iende hayo kunze kweguta kusango; saizvozvo anofanira kuyananisira imba iyo, kuti ive yakanaka.
54
“Ndiwo murairo wamarudzi ose amaperembudzi napakafunuka;
55
nowamaperembudzi enguo, neeimba,
56
nowa pakazvimba, nowa pakafunuka, nowe chivara,
57
kuzivisa mupristi kana chinhu chisina kunaka kana chakanaka. Ndiwo murairo wamaperembudzi.”
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27