bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Revelation 1
Revelation 1
Shona SUB 2002 Bible
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 2 →
1
Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvakapiwa naMwari, kuti aratidze varanda vake zvinhu izvo zvinofanira kukurumidza kuitwa; akazvituma nomutumwa wake, ndokuzivisa muranda wake Johani,
2
wakapupurira shoko raMwari, nezvokupupura kwaJesu Kristu, achireva zvose zvaakaona.
3
Akaropafadzwa uyo anorava, navanonzwa mashoko okuporofita, vachichengeta zvakanyorwa imomo, nokuti nguva yava pedyo.
4
Johani kuchechi nomwe dziri paEzhia: Nyasha ngadzive nemi, norugare, zvinobva kuna iye aripo, wakanga aripo, noachazovapo; nokune mweya minomwe iri pamberi pechigaro chake choushe;
5
nokuna Jesu Kristu, chapupu chakatendeka, dangwe kuvakafa, mubati wamadzishe enyika. Kuna iye anotida, akatisunungura pazvivi zvedu neropa rake,
6
akatiita ushe, navapristi kuna Mwari naBaba vake, kwaari ngakuve kubwinya nesimba nokusingaperi–peri. Ameni.
7
Tarirai, anouya namakore, meso ose achamuona, naivo vakamubaya; marudzi ose enyika achamuchema. Hongu, Ameni.
8
Ndini Arifa naOmega. ndizvo zvinoreva Ishe Mwari, aripo, akanga aripo noachazovapo, waMasimbaose.
9
Ini Johani, hama yenyu, mugoverani pamwechete nemi pakutambudzika, noushe, nokutsungirira muna Jesu, ndakanga ndiri pachiwi chinonzi Patimosi, nokuda kweshoko raMwari, nokwokupupura kwaJesu.
10
Ndakanga ndiri muMweya nezuva raIshe, ndikanzwa shure kwangu izwi guru, rinenge serehwamanda,
11
richiti, “Izvo zvaunoona, zvinyore mubhuku, uzvitumire chechi nomwe nomwe, paEfeso, napaSimirina, napaPerigamo, napaTiatira, napaSadhisi, napaFiradherifia, napaRaodhikia.”
12
Ndikatendeuka kuti ndione izwi rakataura neni. Ndakati ndatendeuka, ndikaona zvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama.
13
Napakati pezvigadziko zvemwenje, mumwe wakafanana noMwanakomana womunhu, akafuka nguo yakasvikira kutsoka, akazvisunga napachipfuva nebhandi rendarama.
14
Musoro wake nevhudzi rake zvakanga zviri zvichena samakushe machena, sechando; meso ake akaita somurazvo womoto;
15
tsoka dzake dzakanga dzakafanana nesafuri inopenya, inenge yakanatswa muvira; izwi rake rakanga rakaita sezwi remvura zhinji.
16
Muruoko rwake rworudyi akanga akabata nyenyedzi nomwe; mumuromo make makabuda munondo unopinza, unocheka kwose; chiso chake chaiva sezuva rinopenya nesimba raro.
17
Ndakati ndichimuona, ndikawira pasi patsoka dzake sendinenge ndafa; akaisa ruoko rwake rworudyi pamusoro pangu akati, “Usatya, ndini wokutanga nowokupedzisira,
18
naiye Mupenyu; ndakanga ndafa, tarira, ndiri mupenyu nokusingaperi–peri; ndine kiyi dzorufu neHadhesi.
19
Naizvozvo nyora zvawaona, nezviripo, nezvichazovapo shure kwaizvozvi;
20
zvakavanzika zvenyenyedzi nomwe dzawaona muruoko rworudyi rwangu, nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama. Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vechechi nomwe; nezvigadziko zvemwenje zvinomwe ndizvo chechi nomwe.”
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22