bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Revelation 20
Revelation 20
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 21 →
1
Zvino ndakaona mutumwa achiburuka kudenga, ane kiyi yegomba rakadzika–dzika, nengetani huru muruoko rwake.
2
Akabata shato, nyoka yakare, ndiye Dhiabhori naSatani, akamusunga makore ane gumi ramazana,
3
akamukandira mugomba rakadzika–dzika akamupfigiramo, akaisa chisimbiso pamusoro pake, kuti arege kuzonyengera marudzi kusvikira makore ane gumi ramazana apera; shure kwaizvozvo anofanira kusunungurwa chinguva chiduku.
4
Ipapo ndakaona zvigaro zvoushe; vakagara pamusoro pazvo, vakapiwa simba rokutonga; ndikaona mweya yavakanga vagurwa misoro nokuda kwokupupura kwaJesu, nokweshoko raMwari, navose vasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho, vasina kupiwa chiratidzo pahuma dzavo naparuoko rwavo; vakararama vakabata ushe pamwechete naKristu makore ane gumi ramazana.
5
Vamwe vakafa havana kurarama kusvikira makore ane gumi ramazana apera. Ndiko kumuka kwokutanga.
6
Munhu anomugove pakumuka kwokutanga akaropafadzwa, mutsvene; rufu rwechipiri harune simba pamusoro paivava; asi vachava vapristi vaMwari navaKristu, vachabata ushe pamwechete naye makore ane gumi ramazana.
7
Zvino kana makore ane gumi ramazana apera, Satani achasunungurwa mutorongo yake,
8
achabuda kundonyengera marudzi ose ari kumativi mana enyika, ivo Gogi naMagogi, avaunganidzire kundorwa; kuwanda kwavo kwakaita sejecha regungwa.
9
Vakakwira pakufara kwenyika, vakakomba misasa yavatsvene neguta rinodikanwa; ipapo moto wakaburuka uchibva kudenga; ukavaparadza.
10
Zvino Dhiabhori, akavanyengera, akakandwa mudziva romoto nesuriferi, pane chikara nomuporofita wenhema, kuti varwadzwe masikati nousiku nokusingaperi–peri.
11
Zvino ndakaona chigaro choushe chikuru chichena, naiye akanga agere pamusoro pacho, nyika nedenga zvakatiza pamberi pake, zvikasawanirwa nzvimbo.
12
Ipapo ndakaona vakafa, vaduku navakuru, vamire pamberi pechigaro choushe; bhuku dzikazarurwa, neimwe bhuku youpenyu ikazarurwa; vakafa vakatongwa nezvakanga zvakanyorwa mubhuku, sezvavakabata.
13
Gungwa rikabudisa vakafa vakanga vari mariri; norufu neHadhesi zvikabudisa vakafa vakanga vari mazviri; mumwe nomumwe akatongwa sezvaakabata.
14
Ipapo rufu neHadhesi zvakakandirwa mudziva romoto. Ndirwo rufu rwechipiri, ndiro dziva romoto.
15
Zvino kana munhu akawanikwa asina kunyorwa mubhuku youpenyu, akakandirwa mudziva romoto.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22