bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Revelation 2
Revelation 2
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 3 →
1
“Nyorera mutumwa wechechi iri paEfeso uti, ‘Zvanzi naiye akabata nyenyedzi nomwe muruoko rwake rworudyi, anofamba pakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama.
2
Ndinoziva mabasa ako, nokutambudzika kwako, nokutsungirira kwako, uye kuti haudi kuonana navanhu vakaipa; wakavaedza ivo vanoti, tiri vapostori, vasi ivo chaivo, ukavawana vari venhema;
3
ukatsungirira nokuva nomwoyo murefu nokuda kwezita rangu, ukasaneta.
4
Asi handifari nechinhu ichi kwauri, kuti wakasiya rudo rwako rwokutanga.
5
Naizvozvo rangarira pawakawa, utendeuke, ugoita mabasa ako okutanga; kana usingaiti saizvozvo, ndichauya kwauri; ndikabvisa chigadziko chako chomwenje panzvimbo yacho, kana usingatendeuki.
6
Asi chinhu ichi unacho, kuti unovenga mabasa avaNikoraiti, andinovenga neniwo.
7
Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kuchechi; anokunda, ndichamutendera kuti adye muti woupenyu, uri muParadhiso yaMwari.’
8
“Nyorera mutumwa wechechi iri paSimena, uti: ‘Zvanzi naiye wokutanga nowokupedzisira, akanga afa, akararamazve.’
9
“Ndinoziva kutambudzika kwako nourombo hwako, (asi uri mupfumi), nokutuka kwaivo vanoti, tiri vaJudha, vasi ivo chaivo, asi isinagoge raSatani,
10
usatya izvo zvauchatambudzika nazvo. Tarira, Dhiabhori woda kuisa vamwe venyu mutorongo, kuti muedzwe; muchatambudzika mazuva ane gumi. Uve wakatendeka kusvikira parufu, ndigokupa korona youpenyu.
11
“Ane nzveve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kuchechi; anokunda, haangakuvadzwi norufu rwechipiri.
12
“Nyorera mutumwa wechechi iri paPegamamu uti: ‘Zvanzi naiye ano munondo, unopinza, unocheka kwose.’
13
Ndinoziva paunogara, ndipo pane chigaro choushe chaSatani; wakabatisisa zita rangu, ukasaramba kutenda kwangu, kunyangwe napamazuva aAndipasi, chapupu changu, munhu wangu akatendeka, akaurayiwa pakati penyu, apo panogara Satani.
14
Asi handifari nezvimwe zvinhu zvishoma kwauri, nokuti una vamwepo vanobatisisa dzidziso yaBharami, akadzidzisa Bharaki kuisa chigumbuso pamberi pavana VaIsiraeri, nokuti vadye zvakabayirwa zvifananidzo, nokuita upombwe.
15
Nokudaro una vamwewo vanobatisisa saizvozvo dzidziso yavaNikoraiti.
16
Naizvozvo tendeuka; kana usingaiti saizvozvo, ndichakurumidza kuuya kwauri, ndigorwa navo nomunondo womuromo wangu.
17
“Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kuchechi. Anokunda, ndichamupa mana yakavanzika, uye ndichamupa ibwe jena, napabwe iro zita idzva rakanyorwapo, risingazikanwi nomunhu, asi naiye anoripiwa.
18
“Nyorera mutumwa wechechi iri paTiatira uti, ‘Zvanzi noMwanakomana waMwari, ana meso akafanana nomurazvo womoto, netsoka dzake dzakaita sesafuri inopenya.’
19
Ndinoziva mabasa ako, norudo, nokutenda, nokushumira, nokutsungirira kwako, uye kuti mabasa ako okupedzisira anopfuura okutanga.
20
“Asi handifari nechinhu ichi kwauri, kuti unotendera uya mukadzi Jezebheri, anozviidza muporofitakadzi, uye anodzidzisa nokutsausa varanda vangu, kuti vaite upombwe, nokudya zvakabayirwa zvifananidzo.
21
Ndakamupa nguva kuti atendeuke; akaramba kutendeuka pakufeva kwake.
22
Tarira, ndoda kumukandira panhoo; navanoita upombwe naye panhamo huru, kana vasingatendeuki pamabasa avo.
23
Navana vake ndichavauraya norufu; nechechi dzose dzichaziva kuti ndini ndinonzvera itsvo nemwoyo, ndichapa mumwe nomumwe wenyu paakabata napo.
24
Asi kwamuri, imi makasara paTiatira, vose vasina dzidziso iyi, vasingazivi izvo zvavanoti, ‘Zvakadzika zvaSatani,’ ndinoti kwamuri: Handingakutakudziyi mumwe mutoro.
25
Asi batisai izvo zvamunazvo kusvikira ndichiuya.
26
“Anokunda achichengeta mabasa angu kusvikira pakupedzisira, ndichamupa simba pamusoro pamarudzi;
27
achaafudza netsvimbo yedare, sehari dzomuumbi dzinoputsanyiwawo; sezvandakapiwawo naBaba vangu.
28
Uye ndichamupa nyamatsatsi.
29
Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kuchechi.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22