bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Titus 1
Titus 1
Shona SUB 2002 Bible
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
1
Pauro, muranda waMwari, nomupostori waJesu Kristu, nokuda kwokutenda kwavakasanangurwa vaMwari, nokwokuzivisa chokwadi chiri pakunamata Mwari,
2
patariro youpenyu husingaperi, hwaakapikira iye Mwari, asingatongorevi nhema, nguva dzisingaperi dzisati dzavapo,
3
asi panguva dzazvo akazivisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nomurairo waMwari, Muponesi wedu;
4
kuna Tito, mwana wangu chaiye pakutenda kwedu tose: Nyasha norugare, zvinobva kuna Mwari Baba, naKristu Jesu, Muponesi wedu, ngazvive newe.
5
Ndakakusiya paKiriti nemhaka iyi, kuti upedzise kugadzira izvo zvakanga zvasara, nokugadza vakuru mumaguta ose, sezvandakakurayira.
6
Kana kuno munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwechete, ana vana vanotenda, vasingapiwi mhosva yokuti havazvidzori, kana kuti havateereri.
7
Nokuti mutariri anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, somuchengeti wemhuri yaMwari; asingaiti kuda kwake, asingakurumidzi kutsamwa, asingadi waini, asingarwi, asingakariri pfuma yakaipa;
8
asi anoitira vaeni rudo, anoda zvakanaka, akachenjera, akarurama, mutsvene, anozvidzora;
9
anobatisisa shoko rechokwadi, sezvarinodzidziswa, kuti agone kurayira nedzidziso yakarurama, nokukunda vanokakavara.
10
Nokuti vazhinji varipo vasingateereri, vanotaura zvisina maturo, vanonyengera, zvikuru avo vokudzingiswa,
11
vanofanira kudzivirirwa miromo yavo; vanoparadza mhuri kwazvo, zvavanodzidzisa zvisakafanira nokuda kwepfuma yakaipa.
12
Mumwe wavo, muporofita wokwavo, akati, “VaKiriti vanogara vachireva nhema, zvikara zvakaipa, navanokara vane usimbe.”
13
Kupupura uku ndokwechokwadi. Nemhaka iyi uvarange zvikuru, kuti varurame pakutenda,
14
varege kuteerera ngano dzavaJudha, nemirairo yavanhu vanofuratira chokwadi.
15
Kuna vakachena zvose zvakachena; asi kuna vakasvibiswa, vasingatendi, hakuna chinhu chakachena asi kufunga kwavo nehana yavo zvakasvibiswa.
16
Vanoti, tinoziva Mwari, asi vanomuramba namabasa avo, zvavari vanhu vanonyangadza, vasingateereri, vasakafanira pamabasa ose akanaka.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3