bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Titus 3
Titus 3
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
1
Uvayeuchidze kuti vazviise pasi pavabati navane simba, kuti vateerere, kuti vave vanhu vakazvigadzira kubata mabasa ose akanaka,
2
varege kurevera mumwe zvakaipa, vaitire vanhu vose unyoro hwose.
3
Nokuti nesuwo kare taiva vokusafunga, tisingateereri, takarashika, tiri varanda, vokuchiva kuzhinji navezvose zvinofadza, tigere mukati mokushata negodo, tichivengwa, tichivengana.
4
Asi unyoro hwaMwari, Muponesi wedu, norudo rwake kuvanhu, zvakati zvaonekwa,
5
akatiponesa, asingazviiti nokuda kwamabasa akarurama, atakanga taita isu, asi nokuda kwenyasha dzake, nenzira yokushambidzwa kwokuberekwa kutsva nokuvandudzwa naMweya Mutsvene,
6
waakadurura achiwanza pamusoro pedu, naJesu Kristu Muponesi wedu,
7
kuti isu, taruramiswa nenyasha dzake, tiitwe vadyi venhaka nokuda kwetariro youpenyu husingaperi.
8
Ishoko rechokwadi, uye ndinoda kuti usimbise kwazvo zvinhu izvi, zvokuti avo vakatenda Mwari vachenjere kuti varambe vachiita mabasa akanaka. Ndizvo zvakanaka, zvinobatsira vanhu;
9
asi unzvenge mibvunzo youpenzi, namazita amadziteteguru, negakava, nokukakavara pamusoro pomurairo, nokuti hazvina maturo, hazvine basa.
10
Munhu anodzidzisa zvakatsauka, kana arayirwa kamwe norwechipiri, umurambe,
11
zvaunoziva kuti akadaro akatsauka, anotadza, azvipa mhosva amene.
12
Kana ndichituma Aritema kwauri, kana Tikiko, ushingaire kuuya kwandiri Nikopori; nokuti ndakati ndichagara chando ikoko.
13
Zenasi, mududziri womurairo, naAporo, uvaise zvakanaka parwendo, varege kushayiwa chinhu.
14
Vanhu vedu ngavadzidzewo kuramba vachiita mabasa akanaka, kuti vabatsire panoshayikwa zvinofanira kuvapo, kuti varege kuva vanhu vasina zvibereko.
15
Vose vari kwandiri vanokukwazisa. Ndikwazisire avo vanotida pakutenda. Nyasha ngadzive nemi mose.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
All chapters:
1
2
3
Recommended Reading
Commentary
Titus Commentaries
→
Devotional
Titus Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona SUB Bible Study Bible
→