bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Titus 2
Titus 2
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
1
Zvino iwe, taura zvakafanira, dzidziso yakarurama.
2
Varume vakuru ngavave vakasvinuka, vanokudzwa, vakangwara, vakarurama pakutenda, naparudo, napakutsungirira;
3
saizvozvowo vakadzi vakuru, ngavave nomufambire wakafanira vatsvene, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi vave vadzidzisi vezvakanaka;
4
kuti vadzidzise vakadzi vaduku, kuti vade varume vavo, nokuda vana vavo,
5
vave vakangwara, vakachena, vanochengeta mhuri, vanyoro, vanozviisa pasi pavarume vavo, kuti shoko raMwari rirege kumhurwa.
6
Saizvozvowo varume vaduku uvaraire kuti vave vakangwara;
7
pazvinhu zvose iwe umene uvaratidze makwara amabasa akanaka; uve nokusakanganisa pakudzidzisa, nomugariro unokudzwa,
8
nokutaura kwakarurama, kusingagoni kushoorwa, kuti anopesana nesu anyadziswe, asina chinhu chakaipa chaangareva pamusoro pedu.
9
Varanda ngavazviise pasi pavatenzi vavo, vavafadze pazvinhu zvose, vasingakakavari;
10
vasingabi, asi varatidze kutendeka kwakanaka kwose, kuti vashongedze dzidziso yaMwari, Muponesi wedu, pazvinhu zvose.
11
Nokuti nyasha dzaMwari dzakaonekwa, dzinovigira vanhu vose kuponeswa,
12
dzichitidzidzisa isu kuti tirambe kusanamata Mwari nokuchiva zvenyika, tirarame nokungwara, nokururama, nokunamata Mwari panguva ino,
13
takatarira tariro inofadza, nokuonekwa kwokubwinya kwaMwari mukuru, noMuponesi wedu, Kristu Jesu,
14
wakazvipa nokuda kwedu, kuti atidzikinure pazvisakarurama zvose, kuti azvinatsire vanhu vave vake chaivo, vanhu vanoshingairira mabasa akanaka.
15
Taura zvinhu izvi, urayire, urange nesimba rose; ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3