bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 John 1
1 John 1
Shona 2009?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 2 →
1
Izvo zvakanga zviripo kubva pakutanga, zvatakanzwa, zvatakavona nemeso edu, zvatakatarira, nezvatakabata namavoko edu, zveShoko rovupenyu
2
(vupenyu bwakaratidzwa, tikabwuvona, tinopupura nokukuparidzirai vupenyu bwusingaperi, bwakanga bwuri kunaBaba, bwukaratidzwa kwatiri);
3
Izvo zvatakavona, nezvatakanzwa, ndizvo zvatinokuparidziraivo, kuti nemivo muyanane nesu; kuyanana kwedu tinako naBaba, noMwanakomana wake Jesu Kristu.
4
Zvinhu izvi tinokunyorerai, kuti mufaro wenyu uzadziswe.
5
Heyi mharidzo yatakanzwa kwaari, yatinokuparidzirai vo, kuti Mwari chiedza, hamunerima maari.
6
Kana tichiti, tinoyanana naye, tichifamba murima tinoreva nhema, hatiiti chokwadi;
7
asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari pachiedza, tinoyanana isu; neropa raJesu Kristu, Mwanakomana wake, rinotinatsa pazvivi zvose.
8
Kana tichiti, hatinezvivi, tinozvinyengera, chokwadi hachizi matiri.
9
Kana tichizvirevurura zvivi zvedu, iye wakatendeka wakarurama, nokudaro kuti unotikangamwira zvivi zvedu, nokutinatsa pakusarurama kose.
10
Kana tichiti, hatina kutadza, tinomuita murevi wenhema, neshoko rake harizi matiri.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5