bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 John 2
1 John 2
Shona 2009?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
1
Vana vangu vaduku, ndinokunyorerai zvinhu izvi, kuti, murege kutadza. Kana munhu achitadza, tinoMurevereri kunaBaba, iye Jesu Kristu wakarurama;
2
ndiye mudzikinuri wezvivi zvedu; haazi wezvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yose vo.
3
Ndizvo zvinotizivisa kuti tinomuziva, kana tichichengeta mirairo yake.
4
Uyo, unoti, ndinomuziva, asingachengeti mirairo yake, murevi wenhema, chokwadi hachizi maari;
5
asi uyo, unochengeta shoko rake, rudo rwaMwari rwakakwaniswa maari zvirokwazvo. Ndizvo zvinotizivisa kuti tiri maari;
6
uyo, unoti, ndinogara maari, unofanira kufamba vo sezvaakafamba iye.
7
Hama dzangu, handikunyoreriyi murairo mutsva, asi murairo wekare, wamakanga munawo kubva pakutanga; murairo wekare ndiro shoko ramakanzwa.
8
Pamwe zve ndinokunyorerai murairo mutsva, chiri chinhu chachokwadi maari nomamuri; nokuti rima ropfuvura, chiedza chachokwadi chotovhenekera.
9
Uyo, unoti, ndiri muchiedza, achivenga hama yake, uchiri murima kusvikira zvino.
10
Unoda hama yake, unogara muchiedza, hapane chigumbuso maari.
11
Asi unovenga hama yake, uri murima, unofamba murima haazivi kwaanoenda, nokuti rima rakapofumadza meso ake.
12
Ndinokunyorerai, vana vaduku, nokuti makakangamwirwa zvivi nokuda kwezita rake.
13
Ndinokunyorerai, madzibaba, nokuti munoziva iye wakanga aripo kubva pakutanga. Ndinokunyorerai, majaya, nokuti makakunda wakaipa. Ndakunyorerai, vana vaduku, nokuti munoziva Baba.
14
Ndakunyorerai, madzibaba, nokuti munoziva iye wakanga aripo kubva pakutanga. Ndakunyorerai, majaya, nokuti munesimba, neshoko raMwari rinogara mamuri, makakunda wakaipa.
15
Musada nyika kunyange nezvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari.
16
Nokuti zvose zviri munyika, zvinoti, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwameso, nokuzvikudza kovupenyu, hazvibvi kunaBaba, asi panyika.
17
Nyika inopfuvura nokuchiva kwayo; asi unoita kuda kwaMwari, unogara nokusingaperi.
18
Vana vaduku, inguva yokupedzisira; sezvamakanzwa kuti antikristu unovuya, nazvino vana antikristu vazhinji vavapo; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yokupedzisira.
19
Vakabva kwatiri, asi vakanga vasati vari vedu, nokuti dai vaive vedu, vangadai vaigara nesu; asi vakabva kuti vavonekwe kuti vose havazi vedu.
20
imwi munokuzodzwa kunobva kunaiye Mutsvene, munoziva zvose.
21
Handina kukunyorerai ndichiti hamuzivi chokwadi, asi nokuti munoiziva, uye nokuti hakunenhema dzingabva pachokwadi.
22
Ndianiko murevi wenhema, kana asati ari iye unoramba kuti Jesu ndiye Kristu? Ndiye antikristu, unoramba Baba noMwanakomana.
23
Aninani unoramba Mwanakomana, naiye haana Babavo.
24
Kana muri imwi, izvo zvamakanzwa kubva pakutanga, ngazvigare mamuri, nemivo muchagara muMwanakomana, nomunaBaba.
25
Ndichochi chipikirwa chaakatipikira, ndibwo vupenyu bwusingaperi.
26
Zvinhu izvi ndakakunyorerai pamusoro pavanokutsausai.
27
Kana muri imwi, kuzodzwa kwamakagamuchira kwaari kunogara mamuri, hamufaniri kuti mudzidziswe nomunhu; asi kuzodzwa kwake, sezvakunokudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose, kuri kwechokwadi, dzisati dziri nhema, se zvakwakakudzidzisai, garai maari.
28
Zvino, vana vaduku, garai maari,kuti, kana achizovoneswa, tive nokusatya, tirege kunyadziswa vo pamberi pake pakuvuya kwake.
29
Kana muchiziva kuti iye wakarurama zivaivo kuti mumwe nomumwe unoita zvakarurama wakaberekwa naye.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5