bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 John 3
1 John 3
Shona 2009?
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
1
Tarirai kukura korudo rwa takaitirwa naBaba, kuti tinzi vanakomana vaMwari; ndizvo zvatiri vo; saka nyika haitizivi, nokuti haina kumuziva iye.
2
Vadikamwa, zvino tiri vana vaMwari, uye zvichigere kuratidzwa kuti tichazovei. Tinoziva kuti kana achizovoneswa, isu tichafanana naye; nokuti tichamuvona sezvaakaita.
3
Mumwe nomumwe unetariro iyi kwaari, unozvichenesa sezvaakachena iye.
4
Mumwe nomumwe unoita zvivi, unodarika nomurairo vo; zvivi ndiko kudarika murairo.
5
Munoziva kuti iye wakavoneswa kuti abvise zvivi; maari hamunezvivi.
6
Mumwe nomumwe unogara maari, haaiti zvivi; mumwe nomumwe unoita zvivi, haana kumuvona kana kumuziva.
7
Vana vaduku, musatsauswa nomunhu; uyo, unoita zvakarurama, wakarurama, saiye akarurama.
8
Uyo, unoita zvivi, ndowaDhiabhorosi, nokuti Dhiabhorosi unoita zvivi kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari wakavoneswa nemhaka iyi kuti aparadze mabasa aDiaborosi.
9
Mumwe nomumwe wakaberekwa naMwari haaiti zvivi, nokuti mbeu yake inogara maari, haagoni kuita zvivi, nokuti wakaberekwa naMwari.
10
Vana vaMwari vanovoneswa naizvozvi, navana vaDhiabhorosi; mumwe nomumwe usingaiti zvakarurama, haazi waMwari, naiyevo usingadi hama yake.
11
Nokuti ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga, kuti tidane;
12
tisingaiti saKaini, wakanga ari wowakaipa, akavuraya munununa wake. Wakamuvurayireiko? Nokuti mabasa ake akanga akaipa, asi omunun'una wake akanga akarurama.
13
Musashamiswa, hama dzangu, kana nyika ichikuvengai.
14
Tinoziva kuti takabva murufu, tapinda muvupenyu, nokuti tinoda hama. Uyo, usingadi, hama yake unogara murufu.
15
Mumwe nomumwe unovenga hama yake, muvurayi; munoziva kuti hakunomuvurayi unovupenyu bwusingaperi bwugere maari.
16
Ndozvatinoziva rudo nazvo, kuti wakatipa vupenyu bwake; nesuvo tinofanira kupa hama vupenyu bwedu.
17
Asi kana munhu anefuma yenyika, akavona hama yake ichishaiwa, akamupfigira tsitsi dzake, rudo rwaMwari runogara seiko maari?
18
Vana vaduku, ngatirege kuda neshoko kana norurimi, asi nebasa nechokwadi.
19
Ndizvo zvatichaziva nazvo kuti tiri vechokwadi, tigosimbisa moyo yedu ichitipa mhaka, Mwari mukuru kumoyo yedu, unoziva zvose.
20
nokuti kana moyo yedu ichitipa mhaka, Mwari mukuru kumwoyo vedu, unoziwa zose.
21
Vadikamwa, kana moyo usingatipi mhaka, tinako kusatya pamberi paMwari;
22
uye zvose zvatinokumbira tinopiwa naye, nokuti tinochengeta mirairo yake, tichiita zvinomufadza.
23
Ndiwo murairo wake, kuti titende kuzita roMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye tidane, sezvaakatiraira.
24
Unochengeta mirairo yake, unogara maari, naiye maari. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti unogara matiri, noMweya waakatipa.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5