bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Kings 1
1 Kings 1
Shona 2009?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 2 →
1
Zvino mambo Dhavhidhi wakanga akwegura, ava namakore mazhinji; vakamufukidza namachira, asi haana kudziyirwa.
2
Naizvozvo varanda vake vakati kwaari, "Ishe wangu mambo ngaatsvakirwe mhandara, iye amire pamberi pamambo, avachengete, avate pachipfuva chenyu, kuti ishe wangu mambo vadziyirwe."
3
Ipapo vakatsvaka musikana wakanaka panyika yose yaIsiraeri, vakawana Abhishagi muShunami, vakamuisa kuna mambo.
4
Uyu musikana wakanga akanaka kwazvo, akachengeta mambo, akamushandira, asi mambo haana kupinda kwaari.
5
Zvino Adhonia mwanakomana waHagiti wakazvikudza, akati, "Ini ndichava mambo;" akazvigadzirira ngoro navatasvi vamabhiza, navarume vana makumi mashanu kuzomhanya pamberi pake.
6
Asi baba vake vakanga vasina kutongomuraira paupenyu hwake hwose, vachiti, "Unoitireiko kudaro?" Wakanga ari murume wakanaka kwazvo pamuviri wake; wakanga achitevera Abhusaromu pakuzvarwa kwake.
7
Akarangana naJoabhu, mwanakomana waZeruya, naAbhiatari muprista, ivo vakatevera Adhonia, vakamubatsira.
8
Asi Zadhoki muprista, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, naNatani muporofita, naShimei, naRei, nemhare dzakanga dzina Dhavhidhi, havana kutevera Adhonia.
9
Adhonia akabaya makwai nenzombe, nemhuru dzakakora, pabwe reZohereti, raiva paEni-rogeri, akadana hama dzake dzose ivo vanakomana vamambo, navarume vose vaJudha, varanda vamambo;
10
asi haana kudana Natani muporofita, naBhenaya, nemhare, naSoromoni munun'una wake.
11
Ipapo Natani akataura naBhatishebha mai vaSoromoni, akati, "Hauna kunzwa here kuti Adhonia mwanakomana waHagiti, wobata ushe, asi Dhavhidhi ishe wedu haazvizivi?
12
Naizvozvo zvino uya ndikupe zano, kuti urwire upenyu bwako noupenyu bwomwanakomana wako Soromoni.
13
Enda upinde kuna mambo Dhavhidhi, uti kwaari, "Ishe wangu mambo, hamuna kupikira murandakadzi wenyu here,' mukati, `Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako, ndiye uchanditevera paushe, iye uchagara pachigaro chenyu choushe? Zvino Adhonia unobatireiko ushe?"
14
Zvino tarira, iwe uchiri pakutaura namambo, ini ndichapindawo shure kwako, ndichisimbisa mashoko ako."
15
Bhati-shebha akapinda kuna mambo mumba; zvino mambo wakanga akwegura kwazvo, Abhishagi muShunami waishandira mambo.
16
Ipapo Bhatishebha akakotama, akanamata kuna mambo. Mambo akati, "Unoreveiko?"
17
Iye akati kwaari, "Ishe wangu, imwi makapikira murandakadzi wenyu naJehovha Mwari wenyu, mukati, `Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako ndiye uchanditevera paushe, ndiye uchagara pachigaro changu choushe.
18
Asi zvino tarirai, Adhonia wobata ushe; asi imwi ishe wangu mambo, hamuzvizivi.
19
Iye wabaya nzombe, nemhuru dzakakora, namakwai mazhinji, akadana vanakomana vose vamambo, naAbhiatari muprista, naJoabhu mukuru wehondo, asi haana kudana Soromoni muranda wenyu.
20
Zvino ishe wangu mambo, meso avaIsiraeri vose anotarira kwamuri, kuti muvaudze kuti ndianiko unofanira kukuteverai pakugara pachigaro choushe chashe wangu mambo.
21
Kana musingadaro, kana ishe wangu mambo avata namadzibaba ake, ini nomwanakomana wangu Soromoni tichaidzwa vatadzi.' "
22
Zvino wakati achataura namambo, Natani muporofita akapindawo.
23
Vakaudza mambo, vakati, "Natani muporofita wasvika." Iye wakati apinda pamberi pamambo, akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo.
24
Zvino Natani akati, "Ishe wangu, mambo, makareva here kuti Adhonia uchakuteverai pakubata ushe, uchagara pachigaro chenyu choushe here?
25
Nokuti waburuka nhasi, akabaya nzombe nemhuru dzakakora, namakwai mazhinji, akadana vanakomana vose vamambo, navakuru vehondo, naAbhiatari muprista; tarirai, vodya nokumwa pamberi pake, vachiti, `Mambo Adhonia ngaararame
26
Asi ini muranda wenyu, naZadhoki muprista, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, nomuranda wenyu Soromoni, haana kutidana.
27
Chinhu ichi chinoitwa nashe wangu mambo here, mukasazivisa varanda venyu kuti ndianiko unofanira kukuteverai pakugara pachigaro choushe chashe wangu mambo?"
28
Ipapo mambo Dhavhidhi akapindura, akati, "Ndidanirei Bhati-shebha." Iye akapinda kuna mambo, akamira pamberi pamambo.
29
Zvino mambo akapika, akati, "NaJehovha mupenyu, iye wakadzikunura upenyu hwangu panjodzi dzose,
30
zvirokwazvo, sezvandakakupikira naJehovha Mwari waIsiraeri, ndichiti, `Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako uchanditevera paushe, uchagara pachigaro changu choushe panzvimbo yangu; zvirokwazvo ndichazviita nhasi.' "
31
Ipapo Bhati-shebha akakotamira pasi nechiso chake, akapfugamira mambo, akati, "Ishe wangu mambo Dhavhidhi ngaararame nokusingaperi."
32
Mambo Dhavhidhi akati, "Ndidanirei Zadhoki muprista, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha." Ivo vakapinda kuna mambo.
33
Mambo akati kwavari, "Endai navaranda vashe wenyu, mutasvise Soromoni mwanakomana wangu pahesera rangu, mumuburusire Gihoni;
34
Zadhoki muprista naNatani muporofita vamuzodze ipapo, ave mambo waIsiraeri; muridze hwamanda, muchiti, `Mambo Soromoni ngaararame.'
35
Zvino mukwire muchimutevera, iye auye kuzogara pachigaro choushe, nokuti uchava mambo panzvimbo yangu; ini ndakaraira kuti ave muchinda waIsiraeri nowaJudha."
36
Ipapo Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, akapindura mambo, akati, "Ameni! Jehovha, Mwari washe wangu mambo, unodarowo.
37
Jehovha sezvaaiva nashe wangu mambo, saizvozvowo ngaave naSoromoni, akurise chigaro chake choushe, chipfuure chigaro choushe chashe wangu mambo Dhavhidhi."
38
Ipapo Zadhoki muprista, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, navaKereti navaPereti vakaburuka, vakatasvisa Soromoni pahesera ramambo Dhavhidhi, vakamuisa Gihoni.
39
Zvino Zadhoki muprista akatora gonamombe ramafuta paTende akazodza Soromoni. Vakaridza hwamanda, vanhu vose vakati, "Mambo Soromoni ngaararame!"
40
Zvino vanhu vose vakakwira, vakamutevera; vanhu vakaridza nyere, vakafara nomufaro mukuru; naizvozvo nyika ikaunga nenzwi radzo.
41
Zvino Adhonia navose vakanga vakokwa naye, vakazvinzwa, vapedza kudya. Ipapo Joabhu wakati achinzwa inzwi rehwamanda, akati, "Mhere-mhere iyi inoitirweiko muguta, zvaranyonganiswa?"
42
Wakati achitaura, Jonatani mwanakomana waAbhiatari muprista, akasvika; Adhonia akati kwaari, "Pinda, nokuti uri munhu wakatendeka, unouya namashoko akanaka."
43
Ipapo Jonatani akapindura, akati kuna Adhonia, "Zvirokwazvo ishe wedu mambo Dhavhidhi wakagadza Soromoni paushe.
44
Uye mambo wakatuma Zadhoki muprista, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, navaKereti navaPereti, vakamutasvisa pahesera ramambo;
45
uye Zadhoki muprista, naNatani muporofita vakamuzodza paGihoni kuti ave mambo; vakabva ipapo, vakakwira nomufaro, naizvozvo guta rinowunga. Ndiyo mhere-mhere yamanzwa.
46
Zvino Soromoni wogara pachigaro choushe.
47
Uyewo, varanda vamambo vakaenda kuzokudza ishe wedu mambo Dhavhidhi, vachiti, `Mwari ngaakurise zita raSoromoni, ripfuure zita renyu, akurise chigaro chake, chipfuure chigaro chenyu choushe;' mambo akakotama panhovo dzake.
48
Uyezve mambo wakataura akati, `Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, wakagadza mumwe nhasi kuti agare pachigaro changu choushe, meso angu achizviona.' "
49
Zvino vose vakanga vakakokwa naAdhonia vakatya, vakasimuka, mumwe nomumwe akaenda hake.
50
Adhonia akatya nokuda kwaSoromoni, akasimuka, akandobata nyanga dzeatari.
51
Zvino Soromoni akaudzwa, zvichinzi, "Tarirai, Adhonia unotya mambo Soromoni, nokuti wandobata nyanga dzeatari, akati, `Mambo Soromoni ngaandipikire nhasi, kuti haangaurayi muranda wake nomunondo.' "
52
Ipapo Soromoni akati, "Kana akazova munhu kwaye, ruvhudzi rwake kunyange rumwe harungawiri pasi; asi kana zvakaipa zvikawanikwa maari, uchafa."
53
Naizvozvo mambo Soromoni akatuma vanhu, vakandomubvisa paatari. Akauya, akanamata kuna mambo Soromoni. Soromoni akati kwaari, "Enda kumba kwako."
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22