bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Kings 5
1 Kings 5
Shona 2009?
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 6 →
1
Zvino Hiramu, mambo weTire, wakatumira varanda vake kuna Soromoni, nokuti wakanga anzwa kuti vakamuzodza ave mambo panzvimbo yababa vake; nokuti Hiramu wakanga achida Dhavhidhi nguva yose.
2
Soromoni akatuma nhume kuna Hiramu akati,
3
"Munoziva kuti Dhavhidhi baba vangu, vakanga vasingagoni kuvakira zita raJehovha Mwari wavo imba, nokuda kwehondo dzairwiwa kumativi ose, kusvikira Jehovha avaisa pasi petsoka dzake.
4
Asi zvino Jehovha Mwari wangu wakandizorodza kumativi ose, hakuna muvengi kana chimwe chinhu chakaipa.
5
Zvino tarirai, moyo wangu unoda kuvakira zita raJehovha Mwari wangu imba, sezvakataurwa naJehovha kuna baba vangu, achiti, `Mwanakomana wako, wandichagadza pachigaro chako choushe panzvimbo yako, ndiye uchavakira zita rangu imba.'
6
Naizvozvo zvino, chirairai kuti vanditemere miti yemisidhari paRebhanoni; varanda vangu vachabata pamwechete navaranda venyu; ini ndichakupai mubayiro wava randa venyu sezvamuchareva; nokuti munoziva kuti pakati pedu hapana munhu unoziva kutema matanda ungafanana navaZidhoni."
7
Zvino Hiramu wakati achinzwa mashoko aSoromoni, akafara kwazvo, akati, "Nhasi Jehovha ngaavongwe, iye wakapa Dhavhidhi mwanakomana wakangwara kuzobata vanhu ava vazhinji."
8
Ipapo Hiramu akatuma nhume kuna Soromoni, akati, "Ndanzwa shoko ramatuma kwandiri; ndichaita zvose zvamunoda pamusoro pamatanda emisidhari, namatanda emisipiresi.
9
Varanda vangu vachaaburusa paRebhanoni vachiaisa kugungwa; ndichaabatanidza aende negungwa sezvamuchandiraira, ndicharaira kuti asunungurwe ipapo, muagamuchire; imwi mugoita sezvandinoda, muchipa vanhu veimba yangu zvokudya."
10
Naizvozvo Hiramu akapa Soromoni matanda emisidhari namatanda emisipiresi, zvose sezvaaida.
11
Soromoni akapawo Hiramu zviyero zvine zviuru zvamakumi maviri zvezviyo zvive zvokudya zvavanhu veimba yake; nezviyero zvina makumi maviri zvamafuta akasvimwa; Soromoni akapa Hiramu saizvozvo gore rimwe nerimwe.
12
Jehovha akapa Soromoni kungwara, sezvaakamupikira; Hiramu naSoromoni vainzwana, ivo vaviri vakaita sungano.
13
Mambo Soromoni akadana vanhu vechibharo pakati pavaIsiraeri vose; vanhu vechibharo vaiva zviuru zvina makumi matatu.
14
Akavatumira Rebhanoni, mwedzi mumwe nomumwe zviuru zvine gumi, vachiravana; vaiva paRebhanoni mwedzi mumwe, nokumusha mwedzi miviri; Adhoniramu ndiye wairaira vanhu vechibharo.
15
Uye Soromoni wakanga ana vatakuri vemitoro vane zviuru makumi manomwe, navatemi vamatanda pamakomo vane zviuru zvina makumi masere;
16
vatariri vakuru vaSoromoni, vairaira basa, vasingaverengwi, ivo vaiva nezviuru zvitatu namazana matatu, vairaira vanhu vaibate basa.
17
Mambo akaraira, vakaputsa mabwe makuru, mabwe aikosha, kuti vateye nheyo dzeimba namabwe akavezwa.
18
Vavaki vaSoromoni navavaki vaHiramu navaGhebhari vakaaveza, vakagadzira matanda namabwe kuzovaka imba.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22