bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Kings 6
1 Kings 6
Shona 2009?
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 7 →
1
Zvino pagore ramazana mana namakumi masere shure kokubuda kwavana vaIsiraeri panyika yeIjipiti, pagore rechina rokubata ushe kwaSoromoni pakati paIsiraeri, nomwedzi weZifi, ndiwo mwedzi wechipiri, wakatanga kuvaka imba yaJehovha.
2
Imba yakavakirwa Jehovha namambo Soromoni yakasvika makubhiti makumi matanhatu pakureba kwayo, namakubhiti maviri paupamhi hwayo, namakubhiti makumi matatu pakukwirira kwayo;
3
uye biravira pamberi petemberi yeimba yaJehovha rakasvika makubhiti makumi maviri pakureba kwaro, zvichienzana noupamhi bweimba; upamhi hwaro hwakasvika makubhiti ane gumi pamberi peimba.
4
Akaitirawo imba mahwindo ezvitanda zvakachinjikwa.
5
Akavaka dzimba dzakaturikidzana pachidziro cheimba kunhivi dzose, pamadziro eimba kunhivi dzose, etemberi napaitaura Jehovha; akaitawo makamuri panhivi dzose dzakapoteredza;
6
upamhi bweimba yapanyasi hwaiva namakubhiti mashanu, noupamhi bweimba yapakati makubhiti matanhatu, noupamhi bweimba yechitatu makubhiti manomwe; nokuti nechokunze wakavaka zvitukuriso pamadziro eimba kunhivi dzose, kuti matanda arege kupinda mukati mamadziro eimba.
7
Zvino imba pakuvakwa kwayo, yakavakwa namabwe akanga agadzirwa ipapo pavaiputsa; pakuvakwa kwayo hakuna kunzwika mukati meimba nyundo, kana sanhu, kana nhumbi ipi neipi yedare.
8
Mukova wamakamuri apanyasi enhivi wakanga uri kurutivi rworudyi rweimba; zvino vaikwira nezvikwiriso zvinomonereka kumakamuri apakati, uye kana vobva panaapakati vachienda kuneechitatu.
9
Naizvozvo akavaka imba, akaipedza; ndokufukidza imba namatanda uye namapuranga emisidhari.
10
Akavaka dzimba dzakaturikidzana paimba yose, imwe neimwe yakanga yakaita makubhiti mashanu pakukwirira kwayo, dzikabatanidzwa paimba namatanda emisidhari.
11
Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Soromoni, richiti,
12
"Kana iri imba iyi yaunovaka, kana ukafamba nemitemo yangu, ukaita zvandakatonga, ukachengeta mirairo yangu yose ukafamba nayo, ini ndichasimbisa shoko rangu newe, iro randakataura kuna Dhavhidhi baba vako.
13
"Ndichagara pakati pavana vaIsiraeri, handingarashi vanhu vangu vaIsiraeri."
14
Naizvozvo Soromoni akavaka imba, akaipedza.
15
Akavaka madziro eimba mukati namapuranga omusidhari; kubva paguva reimba kusvikira padenga ramadziro, akafukidza nechomukati namapuranga, akafukidza guva reimba namapuranga omusipiresi.
16
Akavakawo necheshure kweimba imwe imba yakasvika makubhiti ana makumi maviri namapuranga omusidhari kubva paguva kusvikira pamusoro pamadziro; akaivaka iyo pave pangataura Jehovha, iri nzvimbo tsvene-tsvene.
17
Zvino imba, iyo temberi, yakanga iri pamberi, yakasvika makubhiti makumi mana.
18
Matanda omusidhari mukati meimba akanga akavezwa namafundo namaruva akazaruka; yaiva misidhari yoga, kwanga kusinebwe rakaonekwa.
19
Akagadzira pangataura Jehovha mukati meimba, kuti agadzikepo areka yesungano yaJehovha.
20
Pangataura Jehovha mukati pakasvika makubhiti makumi maviri paupamhi hwapo, namakubhiti makumi maviri pakukwirira kwapo; akazvifukidza zvose nendarama yakaisvonaka; nearitari akaifukidza nomusidhari.
21
Naizvozvo Soromoni wakafukidza imba yose nechomukati mayo nendarama yakaisvonaka; akachinjikisa maketani endarama pamberi pangataura Jehovha, akaifukidza nendarama.
22
Akafukidza imba yose nendarama kusvikira imba yose yapera; akafukidzawo aritari yose yaiva yapangataura Jehovha nendarama.
23
Akaitira pangataura Jehovha makerubhi maviri omuorivhi, rimwe nerimwe rakasvika makubhiti ane gumi pakureba.
24
Bapiro rimwe rekerubhi rakasvika makubhiti mashanu pakureba kwaro, nerimwe bapirowo rekerubhi makubhiti mashanu; kubva pamuromo webapiro rimwe kusvikira pamuromo werimwezve, aiva makubhiti ane gumi.
25
Rimwe kerubhi rakasvikawo makubhiti ane gumi; makerubhi ose maviri akanga akaenzana pakukura nokuumbwa.
26
Rimwe kerubhi rakasvika makubhiti ane gumi, uye ndizvo zvakanga zvakaita rimwewo.
27
Akagadza makerubhi mukati meimba yomukati; mapapiro amakerubhi akanga akatambanudzwa, bapiro rimwe rekerubhi rimwe rakasvika kumadziro mamwe, uye bapiro rimwe rekerubhi rimwezve rakasvika kunamamwe madziro; mapapiro awo akagunzvana pakati peimba.
28
Akafukidza makerubhi nendarama.
29
Akaveza pamadziro ose eimba kunhivi dzose mifananidzo yakavezwa yamakerubhi nemichindwe, namaruva akazaruka, mukati nokunze;
30
akafukidzawo guva reimba nendarama, mukati nokunze.
31
Akaitira mikova yapangataura Jehovha magonhi omuorivhi; chivivo chapamusoro namagwatidziro zvakaita makona mashanu.
32
Naizvozvo akaita magonhi maviri omuorivhi, akaveza pamusoro pawo mifananidzo yamakerubhi nemichindwe, namaruva akazaruka, akaafukidza nendarama; akaisa ndarama pamusoro pamakerubhi napamichindwe.
33
Saizvozvowo akaitira mikova yetemberi zvivivo zvemiorivhi, zvakanga zvine nhivi ina dzakaenzana;
34
namagonhi maviri omusipiresi; mapenga maviri egonhi rimwe aipetwa, uye mapenga maviri erimwe gonhizve aipetwa.
35
Akavezerapo makerubhi nemichindwe namaruva akazaruka; akazvifukidza nendarama, yakanyatsoiswa pamusoro pezvakavezwa.
36
Akavaka ruvazhe rwomukati nemitsara mitatu yamabwe akavezwa, nomusara wamatanda omusidhari.
37
Nheyo dzeimba yaJehovha dzakavambwa negore rechina raSoromoni, nomwedzi weZivi.
38
Negore regumi nerimwe, nomwedzi weBuri, ndiwo mwedzi worusere, imba ikapera chose nezvose zvayo, sezvayaifanira kuvakwa. Naizvozvo wakapedza makore manomwe pakuivaka.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22