bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Peter 2
1 Peter 2
Shona 2009?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
1
Naizvozvo rashai zvakaipa zvose, nokunyengera kose, namano, mano negodo, nokuchera kose,
2
savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka womweya, usina kushatiswa, kuti mukure nawo, mugoponeswa;
3
kana makaravira kuti Ishe unomoyo munyoro.
4
Vuyai kwaari, iye ibwe benyu, rakarashwa navanhu, asi rakasanangurwa naMwari, rinokosha.
5
nemwi vo, samabwe mapenyu, muvakwe muve imba yoMweya, muve vuprista vutsvene, kuti mubayire zvibayiro zvoMweya, zvinofadza Mwari nokuda kwaJesu Kristu.
6
Nokuti muRugwaro zvirimo, zvinoti: Tarira, ndinoisa muZiyoni ibwe Rekona, rakasanangurwa, Rinokosha; nounotenda kwaari haanganyadziswi.
7
Asi kwamuri imwi munotenda, unokosha asi kuna vasingateereri, ibwe rakarabwa navavaki, ndiro rakazova musoro wekona.
8
uye Ibwe rokugumbusa, Nedombo rokupinganidza; Ndivo avo vanogumburwa neshoko, nokuti havariteereri; ndizvo zvavakaisirwa vo.
9
Asi imwi muri rudzi rwakasanangurwa, vuprista bwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaakazviwanira, kuti muparidze kunaka kwaiye wakakudanai, kuti mubve parima muvuye kuchiedza chake chinoshamisa.
10
imwi kare makanga musi vanhu, asi zvino muri vanhu vaMwari; makanga musinganzwirwi ngoni, asi zvino manzwirwa ngoni.
11
Vadikamwa, ndinokumbira zvikuru kwamuri, zvamuri vatorwa navaeni, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama kunorwa nomweya;
12
mufambire wenyu uve wakanaka pakati pavahedheni; kuti pavanokupomerai vachiti munoita zvakaipa, varumbidze Mwari nezuva rokushanyigwa, kana vachivona mabasa enyu akanaka.
13
Muzviise pasi pechirevo chimwe nechimwe chavanhu nokuda kwaShe: kana ari mambo, nokuti ndiye mukuru;
14
kana vari vabati, nokuti vakatumwa naye kuti vatsive vanoita zvakaipa, uye arumbidze vanoita zvakanaka.
15
Nokuti ndiko kuda kwaMwari, kuti nokuita kwenyu zvakanaka munyaradze kusaziva kwamapenzi;
16
savanhu vakasununguka, musingaiti kusununguka kwenyu kuti chive chifukidzo chezvakaipa, asi muve varanda vaMwari.
17
Kudzai vanhu vose. Idai hama dzose. Ityai Mwari. Kudzai mambo.
18
Varanda, teererai vatenzi venyu nokutya kose, musingazviiti kunavakanaka navanyoro bedzi, asi kuna vasakarurama vo.
19
Nokuti ndidzo nyasha kana munhu achitsungirira pakutambudzika nokuda kwehana kuna Mwari. Achitambudzika asinemhosva.
20
Nokuti kunerumbidzo yeiko, kana muchitsungirira matadza, mukarobwa? Asi kana mukatsungirira kana muchiita zvakanaka mukatambudzika, izvozvo inyasha kunaMwari.
21
Nokuti makadanirwa izvozvo, Kristu zvaakakutambudzikiraivo, akakusiyirai mufananidzo, kuti mutevere makwara ake;
22
iye usina kuita zvivi, nokunyengera hakuna kuvonekwa mumuromo make;
23
iye wakati achitukwa, haana kutukazve; wakati achitambudzika, haana kutyisidzira; asi wakaisa mhaka yake kunaiye unotonga zvakarurama;
24
iye wakatakura amene zvivi zvedu mumuviri wake pamuti, kuti isu, kana tafa kuzvivi, tiraramire zvakarurama; iye wamakaporeswa namavanga ake.
25
Nokuti makanga makatsauka samakwai; asi zvino madzokera kumufudzi nomutariri wemweya yenyu.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5