bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Peter 5
1 Peter 5
Shona 2009?
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
1
Naizvozvo ndinoraira vakuru pakati penyu, ini mukuru pamwe chete navo nechapupu chamatambudziko aKristu, nomugovani navo wokubwinya kuchazoratidzwa, ndichiti:
2
Fudzai boka raMwari riri pakati penyu, musingazviiti nokurovererwa, asi nomoyo unoda nokuda kwaMwari, musingazviiti nokuda kokukarira fuma yakaipa;
3
musingaiti nesimba nezvamakagoverwa asi muve vatungamiriri veboka.
4
Kana Mufudzi mukuru achizovonekwa, muchawana korona yokubwinya isingasvavi.
5
Saizvozvo imwi vaduku, muzviise pasi pavakuru, nemwi mose pfekai kuzvininipisa mumwe kunomumwe, nokuti Mwari unodzivisa vanozvikudza, asi unopa nyasha vanozvininipisa.
6
Naizvozvo zvininipisei pasi poruvoko runesimba rwaMwari, kuti akukudzei nenguva yakafanira;
7
kandirai pamusoro pake kufunganya kwenyu kose, nokuti iye unokuchengetai.
8
Svinurai, murinde; nokuti muvengi wenyu Dhiabhorosi, unofamba-famba seshumba inorira, ichitsvaka waingaparadza.
9
Mumudzivisei, makamira nesimba pakutenda, muchiziva kuti kutambudzika ikoko kunoitirwa hama dzose dziri panyika.
10
Zvino Mwari wenyasha dzose, iye wakakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi munaJesu Kristu, kana mambotambudzika kanguva kaduku, uchakukwanisai, nokukumisai, nokukusimbisai, nokukuteyai.
11
Kwaari ngakuve kubwinya nesimba nokusingaperi-peri. Ameni.
12
Ndakakunyorerai mashoko mashomanene naSirivhano, hama yakatendeka pakufunga kwangu, ndichiraira, nokupupura kuti idzi ndidzo nyasha dzechokwadi dzaMwari; mirai madziri.
13
Kereke iri muBhabhironi, yakasanangurwa pamwe chete nemi, naMarko, mwanakomana wangu, vanokukwazisai.
14
Kwazisanai nokusveta korudo. Rugare ngaruve nemwi mose muri munaKristu.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
All chapters:
1
2
3
4
5