bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Peter 3
1 Peter 3
Shona 2009?
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
1
Saizvozvo, imwi vakadzi, ivai pasi pavarume venyu; kuti kunyange kana vamwe vasingateereri shoko, vadzorwe nomufambire wavakadzi vavo pasineshoko rinorebwa,
2
kana vachivona mufambire wenyu, wakachena pamwe chete nokutya Mwari.
3
Kushonga kwenyu ngakurege kuva kokunze, kokuruka vhudzi, nokushonga ndarama, kana kupfeka nguvo;
4
asi ngakuve munhu wakavanzika womoyo, wakashonga zvisingavori zvomweya munyoro wakanyarara, unokosha, zvikuru pamberi paMwari.
5
Nokuti saizvozvovo kare vakadzi vatsvene, vaivimba naMwari, vakazvishongedza, vachizviisa pasi pavarume vavo,
6
saSara waiteerera Abhurahamu, achimuidza ishe; mava vana vake zvino, kana muchiita zvakanaka, musingatyiswi nechinhu chipi nechipi chinovhundusa.
7
Saizvozvo imwi varume, garai navakadzi venyu nokuziva, muchikudza mukadzi muchiti ndiye mudziyo unesimba duku kwamuri, zvavari vadyi venhaka yenyasha yovupenyu pamwe chete nemi; kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa.
8
Pakupedzisira, muve nomoyo mumwe mose, munzwirane ngoni, mude hama, muve nomoyo munyoro, muzvininipise;
9
musingatsivi zvakaipa nezvakaipa, kana kutuka nokutuka; asi muropafadze, nokuti ndizvo zvamakadanirwa, kuti mugare nhaka yokuropafadzwa.
10
Nokuti, Uyo, unoda vupenyu, Nokuvona mazuva akanaka, Ngaadzore rurimi rwake panezvakaipa, Nemiromo yake, kuti irege kutaura zvinonyengera.
11
Ngaanzvenge zvakaipa, aite zvakanaka; Ngaatsvake rugare, arutevere
12
Nokuti meso aShe ari pamusoro pavakarurama, Nenzeve dzake pakukumbira kwavo. Asi chiso chaShe chiri pamusoro pavanoita zvakaipa.
13
Ndianiko uchakuitirai zvakaipa, kana muchishingairira zvakanaka?
14
Asi kana muchitambudzika nokuda kokururama, makaropafadzwa; musatya kutyisa kwavo, uye musakanganiswa.
15
Asi itai Ishe Mwari mutsvene mumoyo menyu ave Ishe; mugare makazvigadzira kupindura mumwe nomumwe unokubvunzai pamusoro petariro iri mukati menyu, asi muchiita novunyoro nokutya;
16
ivai nehana yakanaka, kuti pavanokucherai, ivo vanomhura mufambire wenyu wakanaka munaKristu, vanyadziswe.
17
Nokuti zvirinani, kana kuri kuda kwaMwari, kuti mutambudzike kana muchiita zvakanaka pakuti kana muchiita zvakaipa.
18
Nokuti naKristu wakatambudzika vo kamwe chete pamusoro pezvivi, iye wakarurama nokuda kwavasakarurama, kuti atiise kunaMwari; wakavurawa hake panyama, asi wakararamiswa nomweya;
19
mauri wakandoparidziravo mweya iri pakusungwa,
20
yakanga isina kuteerera kare, panguva iya moyo murefu waMwari uchimirira kugadzirwa kweareka pamazuva aNowa; mukati mayo vashoma, ivo vanhu vasere, vakaponeswa nemvura.
21
Naiwo mufananidzo worubhabhatidzo, runokuponesai zvino, rusingarevi kubviswa kwesvina yenyama, asi kutsvaka hana yakanaka kunaMwari nokumuka kwaJesu Kristu;
22
iye uri kurudyi rwaMwari; wakapinda kudenga, vatumwa namadzishe namasimba zvikaiswa pasi pake.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5