bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Thessalonians 1
2 Thessalonians 1
Shona 2009?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
1
Pauro, naSirivhano, naTimotio, kukereke yavaTesaronika munaMwari, baba vedu, naShe Jesu Kristu;
2
Nyasha ngadzive nemwi norugare runobva kunaMwari, baba, naShe Jesu Kristu.
3
Tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama dzangu, se zvazvakafanira, nokuti kutenda kwenyu kunokura kwazvo, norudo rwenyu mose, mumwe nomumwe kunavamwe, runowanda;
4
nokudaro isu timene tinozvirumbidza mamuri pakereke dzaMwari pamusoro pokutsungirira kwenyu, nokutenda kwenyu mukutambudzika kwenyu kose nenhamo dzose dzamunadzo.
5
Ndizvo zvinoratidza kutonga kwakarurama kwaMwari; kuti mugonzi makafanirwa novushe bwaMwari, bwamunotambudzikira vo;
6
zvazvakarurama kunaMwari, kuti atsive nokutambudzika ivavo vanokutambudzai;
7
nemwi munotambudzwa, kuti mupiwe kuzorora pamwe chete nesu pakuvonekwa kwaShe Jesu, kana achibva kudenga navatumwa vesimba rake,
8
mumoto unopfuta, achitsiva avo vasingazivi Mwari, navasingateereri evhangeri yaShe wedu, Jesu Kristu;
9
ivo vacharobwa nokuparadzwa kusingaperi, kuti vabve pamberi paShe, napakubwinya kwesimba rake,
10
kana achivuya kuzorumbidzwa muvatsvene vake, nokuyemurwa navose vanotenda nezuva irero; (nokuti kupupura kwedu kwamuri kwakatendwa).
11
Naizvozvo tinokunyengeteererai vo nguva dzose, kuti Mwari wedu ati, makafanirwa nokudamwa kwenyu akwanise nesimba rake kuda kwenyu kose kuita zvakanaka namabasa ose okutenda;
12
kuti zita raShe wedu Jesu Kristu rirumbidzwe mamuri, nemwi maari, sezvadzakaita nyasha dzaMwari wedu nedzaShe Jesu Kristu.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3