bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Thessalonians 3
2 Thessalonians 3
Shona 2009?
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
1
Pakupedzisira, hama dzangu, mutinyengeterere, kuti shoko raShe ripfuvure, rikudzwe, sezvazvinoitwa kwenyu vo;
2
vuye, kuti tisunungurwe kuvanhu vasakarurama, vakaipa; nokuti havazi vose vanotenda.
3
Asi Ishe ndiye wakatendeka, uchakusimbisai, nokukuchengetai kunowakaipa.
4
Tinokutendai munaShe, kuti munoita, uye mucharamba muchiita,izvo zvatinokurairai.
5
Ishe ngaaruramise moyo yenyu murudo rwaMwari, nomukutsungirira kwaKristu.
6
Zvino, hama dzangu, tinokurairai nezita raShe wedu Jesu Kristu, kuti mubve pahama imwe neimwe isingafambi netsika dzakafanira, isingateereri mirairo yamakapiwa nesu;
7
nokuti imwi munoziva mumene, kuti munofanira kutitevera isu, nokuti hatina kufamba netsika dzisakafanira pakati penyu;
8
hatina kutongodya zvokudya zvomunhu tisingaripi, asi takabate basa vusiku namasikati, tichitambudzika nokushingaira, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu;
9
hakuzi kuti hatinesimba, asi kuti tikutungamirirei, mutitevere.
10
Nokuti, nenguva yataiva kwamuri, takakurairai izvozvo, kuti kana munhu achiramba kubate-basa, ngaarege kudya vo.
11
Nokuti tinonzwa kuti vamwe pakati penyu havafambi netsika dzakafanira, vasina chavanobata, vasingaregi zvavamwe.
12
Vanhu vakadaro tinovaraira nokukumbira kwavari munaShe Jesu Kristu, kuti vabate nokunyarara vadye zvokudya zvavo zvimene.
13
Asi imi, hama dzangu, musaneta pakuita zvakanaka.
14
Kana panomunhu usingateereri shoko redu remwadhi iyi, mutarisise munhu uyo, kuti murege kufambidzana naye, anyadzwiswe.
15
Regai henyu kumuidza muvengi, asi mumuraire sehama.
16
Zvino, Ishe worugare amene ngaakupei rugare misi yose nemitovo yose. Ishe ngaave nemwi mose.
17
Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruvoko rwangu, ndicho chiratidzo pamwadhi dzose; ndinonyora kudai,
18
Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mose. Ameni.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
All chapters:
1
2
3