bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Thessalonians 2
2 Thessalonians 2
Shona 2009?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
1
Zvino tinokumbira kwamuri, hama dzangu, pamusoro pokuvuya kwaShe wedu Jesu Kristu, nokuvungana kwedu kwaari;
2
kuti murege kukurumidza kuzununguswa pakufunga kwenyu,kana kuvhunduswa kana nemweya kana neshoko, kana nemwadhi, inonzi inobva kwatiri, muchiti zuva raKristu ratosvika;
3
ngakurege kuva nomunhu unokunyengerai nomutovo upi noupi; nokuti zuva iro harisviki, kana kusati kwatanga kuvuya, nomunhu wezvivi, mwanakomana wokurashika, asati ambovonekwa,
4
iye, unorwa achizvikudza pamusoro pezvose zvinonzi Mwari, kana zvinonamatwa; nokudaro kuti unogara saMwari mutembere yaMwari, achizviita Mwari.
5
Hamurangariri here kuti ndichiri kwamuri, ndakakuvudzai izvozvi?
6
Zvino munoziva chinodzivisa, kuti aratidzwe nenguva yake.
7
Nokuti chakavanzika chokusarurama chotobate-basa racho; asi zvichaitwachetekusvikira iye unodzivisa zvino achibviswa.
8
Ipapo iye usakarurama uchavonekwa, iye uchavurawa naShe Jesu nomweya womuromo wake, achiparadza nokuvonekwa kokuvuya kwake;
9
kuvuya kwake iye kwakaita sebasa raSatani nesimba rose, nezviratidzo, nezvinoshamisa zvenhema,
10
nokunyengera kose kokusarurama kuna vanoparara; nokuti havana kugamuchira rudo rwechokwadi, kuti vaponeswe.
11
Saka Mwari unovatumira simba rokukanganisa, kuti vatende nhema,
12
kuti vose vasina kutenda chokwadi, asi vakafarira zvisakarurama, vatongwe.
13
Asi isu tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama dzangu, vadikamwa vaShe, nokuti Mwari wakakusanangurai kubva pakutanga, kuti muponeswe muvutsvene bwoMweya nokutenda chokwadi.
14
Izvo zvaakakudanirai neEvhangei yedu, kuti muwane kubwinya kwaShe wedu Jesu Kristu.
15
Naizvozvo, hama dzangu, mirai makasimba, muchengete mirairo yamakadzidziswa, kana neshoko kana nemwadhi yedu.
16
Zvino, Ishe wedu Jesu Kristu amene, naMwari, baba vedu, vakatida, vakatipa nenyasha dzavo kuvaraidzwa kusingaperi netariro yakanaka,
17
ngavavaraidze moyo yenyu, vakusimbisei pamabasa ose namashoko ose akanaka.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3