bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Ephesians 4
Ephesians 4
Shona 2009?
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 5 →
1
Naizvozvo ini musungwa munaShe, ndinokumbira zvikuru kuti mufambe zvakafanira kudamwa kwamakadamwa nako,
2
nokuzvininipisa kose novunyoro, nomoyo murefu, muchiitirana moyo murefu murudo;
3
muchishingaira kuchengeta vumwe bwoMweya muchisungo chorugare.
4
Kuno muviri mumwe, noMweya mumwe, sezvamakadamwavo mutariro imwe yokudamwa kwenyu;
5
Ishe mumwe, nokutenda kumwe, norubhabhatidzo rumwe,
6
naMwari mumwe, naBaba vavose, uri pamusoro pavose, unobata navose, uri mukati menyu mose.
7
Asi mumwe nomumwe wedu wakapiwa nyasha nechiyero chechipo chaKristu.
8
Naizvozvo unoti: Wakakwira kumusoro akatapa vatapwa, Akapa vanhu zvipo,
9
(Zvino kuti: Wakakwira, chinyiko, asi kuti, wakaburuka pakutangavo kumativi ari pasi panyika?
10
Wakaburuka ndiye wakakwiravo kumusoro-soro kwedenga rose, kuti azadzise zvose.)
11
Zvino wakapa vamwe kuti vave vapositora, vamwe vaporofita, vamwe vaevhangeri, vamwe vafudzi navadzidzisi;
12
kuti vatsvene vakwanisirwe basa ravo rokushumira, nerokuvaka muviri waKristu;
13
kudzimana isu tose tisvike pavumwe bwokutenda nokuziva Mwanakomana waMwari, napamunhu wakura, napachiyero chovukuru bwokuzara kwaKristu;
14
kuti tirege kuramba tichingova vacheche, tichizununguswa nokudzingwa nemhepo ipi neipi yokudzidzisa nokunyengera kwavanhu, namano, kuti vatsause nokunyengera;
15
asi tireve chokwadi murudo, tigokura maari pazvose, iye Kristu, Musoro;
16
muviri wose wakasonganiswa zvakanaka maari nokubatanidzwa nenhengo dzose dzino simbisa, mutezo mumwe nomumwe uchibata nechiyero chawo, kuti muviri ukuriswe pakuvakwa kwawo murudo.
17
Naizvozvo ndinoreva nokupupura chinhu ichi munaShe, ndichiti, musafamba savamwe vahedheni, vanofambavo novupenzi bwokurangarira kwavo,
18
vakasvibirwa pakunzwisisa kwavo, vari vatorwa pavupenyu bwaMwari nokuda kokusaziva kuri mukati mavo, nokuda kovukukutu bwomoyo yavo;
19
vakazvipa vasine hanya kuvutere, kuti vabate mabasa ose etsvina nokuchiva.
20
Asi imwi hamuna kudzidza Kristu saizvozvo,
21
kana ari iye hake wamakanzwa, nokudzidziswa maari, sechiri chokwadi munaJesu:
22
kuti pamufambire wenyu wokutanga mubvise munhu wekare, unovodzwa nokuchiva kokunyengera;
23
muvandudzwe mumweya wokurangarira kwenyu,
24
mufuke munhu mutsva, wakasikwa akafanana naMwari pakururama, novutsvene bwechokwadi.
25
Naizvozvo bvisai nhema, mutaure chokwadi, mumwe nomumwe kuno wokwake; nokuti tiri mitezo, mumwe womumwe.
26
Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa;
27
musapa Dhiabhorosi nzvimbo.
28
Wakaba, ngaarege kuba zve; asi zvirinani kuti atambudzike, abate namavoko ake basa rakanaka, kuti ave nechaangapa unoshaiwa.
29
Mumuromo wenyu murege kubuda shoko rakavora, asi rakanaka, ringasimbisa pakafanira, rivigire nyasha avo vanonzwa.
30
Regai kuchemedza Mweya Mutsvene waMwari, wamakaisirwa chisimbiso maari kusvikira pazuva rokudzikinurwa.
31
Shungu dzose, nokutsamwa, nehasha, nokupopota, nokutuka, nezvakaipa zvose, ngazvibviswe kwamuri;
32
muitirane moyo munyoro, munzwirane tsitsi, mukangamwirane, se zvamakakangamwirwa naMwari.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6