bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Ephesians 5
Ephesians 5
Shona 2009?
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 6 →
1
Naizvozvo ivai vateveri vaMwari savana vanodikamwa;
2
fambai murudo, Kristu sezvaakakudaivo, akazvipa nokuda kwedu, kuti ave chipo nechibayiro kunaMwari, zviite bwema bwunonhuhwira.
3
Asi vupombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurebwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene;
4
nezvakaipa, nokutaura zvovupenzi, nokunemera, izvo zvisina kufanira; asi zvirinani kuvonga.
5
Nokuti munoziva kwazvo, kuti hakune mhombwe, kana munhu unetsvina, kana unochiva, ndiye unonamata zvifananidzo, ungadya nhaka muvushe bwaKristu nobwaMwari.
6
Ngakurege kuva nomunhu unokunyengerai namashoko asinamaturo; nokuti nemhaka yezvinhu izvi kutsamwa kwaMwari kunovuya pamusoro pavanakomana vokusateerera.
7
Naizvozvo regai kushamwaridzana navo;
8
nokuti kare maiva rima, asi zvino muri chiedza munaShe; fambai savana vechiedza.
9
(Nokuti chibereko chemweya chiri mukunaka kose, nokururama, nechokwadi),
10
muchiidza kuti ndezvipi zvinofadza Ishe.
11
Regai kuyanana namabasa erima asi nezvibereko, asi zvirinani kuti muraire;
12
nokuti izvo, zvinoitwa navo pakavanda, zvinonyadza kana zvichirebwa.
13
Asi zvinhu zvose, kana zvarairwa, zvinoratidzwa nechiedza; nokuti zvose, zvinoratidzwa, chava chiedza.
14
Saka iye unoti: Muka iwe uvete, muka kuvakafa, Kristu uchakuvhenekera.
15
Naizvozvo chenjerai kwazvo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba savasina kuchenjera asi savakachenjera;
16
mungwarire nguva yenyu, nokuti mazuva akaipa.
17
Saka musava mapenzi, asi muzive kuda kwaShe.
18
Regai kubatwa newaini, nokuti ndipo pano kusazvidzora, asi muzadzwe noMweya;
19
mutaurirane pakati penyu namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvoMweya, muimbire, muridzire Ishe mumoyo yenyu;
20
muchivonga Mwari, Baba, nguva dzose pamusoro pezvinhu zvose, muzita raShe wedu, Jesu Kristu;
21
muchizviisa mumwe pasi pomumwe, muchitya Mwari.
22
imwi vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu chaivo, sezvamunoita kunaShe.
23
Nokuti murume musoro womukadzi, saKristuvo musoro wekereke; iye amene ndiye muponesi womuviri.
24
Asi kereke sezvairi pasi paKristu, vakadzi ngavadaro pazvinhu zvose kuvarume vavo.
25
imwi varume, idai vakadzi venyu, Kristu sezvaakadavo kereke, akazvipa nokuda kwayo;
26
kuti aiite tsvene achiinatsa nokushambidza kwemvura pashoko,
27
kuti azviisire pamberi pake kereke, inobwinya, isinegwapa, kana kuwonyana, kana chinhu chakadai; asi ive tsvene, isinemhosva.
28
Saizvozvovo varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. Unoda mukadzi wake, unozvida;
29
nokuti hakuno munhu wakatongovenga nyama yake; asi unoipa zvokudya nokuichengeta, Kristu sezvaanoitira kereke;
30
nokuti isu tiri mitezo yomuviri wake, yenyama yake neyamafupa ake.
31
Naizvozvo munhu uchasiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake; ivavo vaviri vachava nyama imwe.
32
Chakavanzika ichi, chikuru, asi ndinotaura zvaKristu nezvekereke.
33
Asi imivo, mumwe nomumwe ngaade mukadzi wake sezvaanozvida iye; nomukadzi ngaatye murume wake.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6