bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Ephesians 6
Ephesians 6
Shona 2009?
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
1
imwi vana, teererai vabereki venyu munaShe; nokuti ndizvo zvakarurama.
2
Kudza baba vako namai ndiwo murairo wokutanga unechipikirwa
3
kuti uitirwe zvakanaka, ugare nguva refu panyika.
4
nemwi madzibaba, regai kutsamwisa vana venyu; asi varerei pakuranga nokuraira kwaShe.
5
imwi varanda, teererai avo vari vatenzi venyu panyama, nokutya nokudedera, nemoyo yakarurama, muchizviita sokunaKristu;
6
musingabati kana muchivonekwa bedzi, savafudzi vavanhu, asi savaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari nomoyo wose;
7
muchibata nomoyo wakanaka, muchizviita sokunaShe, musingaitiri vanhu;
8
muchiziva kuti chinhu chipi nechipi chakanaka, chinoitwa nomunhu mumwe nomumwe, uchachipiwa zve naShe, kana akasungwa kana akasununguka.
9
nemwi madzishe, muvaitire saizvozvo, murege kuvatyisa; nokuti munoziva kuti Ishe wavo nowenyu uri kudenga; haatendi zvinovonekwa zvomunhu.
10
Pakupedzisira hama dzangu,ivai nesimba munaShe, nomusimba rake guru.
11
Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, mugone kumira muchirwa namano aDhiabhorosi.
12
Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namadzishe enyika erima rino, nemweya yakaipa yedenga.
13
Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti mugone kudzivisa pazuva rakaipa, nokuramba mumire mapedza zvose.
14
Naizvozvo mirai makasunga zvivuno zvenyu nechokwadi, makapfeka chidzitiro chechifuva chokururama,
15
makasunga patsoka dzenyu kugadzirwa kweevhangeri yorugare;
16
pamusoro paizvozvi makatora nhovo huru yokutenda, yamungagona kudzima nayo miseve yose yomoto yowakaipa.
17
Torai ngowani yoruponeso, nomunondo woMweya, iro Shoko raMwari;
18
munyengetere nguva dzose nokunyengetera kose nokukumbira muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nokutsunga kose nokukumbirira vatsvene vose.
19
nenivo, kuti ndipiwe shoko kana ndichishamisa muromo wangu, kuti ndidudzire ndisingatyi zvakavanzika zveevhangeri,
20
yandiri nhume yayo yakasungwa namatare; kuti ndizvitaure ndisingatyi, sezvandinofanira kutaura.
21
Zvino kuti muzivevo zvangu, kuti ndakadiniko, Tikiko, hama inodikamwa, nomushumiri wakatendeka munaShe, uchakuzivisai zvose;
22
ndakamutuma kwamuri neshoko iri, kuti muzive zvinhu zvedu, anyaradze moyo yenyu.
23
Rugare ngaruve nehama, norudo pamwe chete nokutenda, zvinobva kunaMwari, Baba,naShe Jesu Kristu,
24
Nyasha ngadzive navose vanoda Ishe wedu, Jesu Kristu, norudo rusingavori.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
All chapters:
1
2
3
4
5
6