bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Ezra 3
Ezra 3
Shona 2009?
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 4 →
1
Zvino mwedzi wechinomwe wakati wasvika, vana vaIsiraeri vava mumaguta avo, vanhu vakaungana pamwechete nomoyo mumwe paJerusaremu.
2
Ipapo Jeshua mwanakomana waJozadhaki, mwanakomana waShearitieri, nehama dzake, vakasimuka, vakavaka aritari yaMwari waIsiraeri, kuti vabayirepo zvipiriso zvinopiswa, sezvakanyorwa pamurayiro waMozisi munhu waMwari.
3
Vakagadzika aritari panzvimbo yayo, nokuti vakatya vanhu venyika idzo; vakabayira Jehovha zvipiriso zvinopiswa pamusoro payo, izvo zvipiriso zvaipiswa mangwanani namadekwana.
4
Vakaitawo mutambo wamatumba, sezvakanga zvanyorwa; vakauya nezvipiriso zvaipiswa zuva rimwe nerimwe sezvakataurwa, sezvavakarairwa, zvakadikamwa pazuva rimwe nerimwe.
5
Uye pashure chipiriso chaipiswa nguva dzose, nezvipiriso zvapakugara kwemwedzi, nezvemitambo yose yakatarwa yaJehovha yakanga yakatsaurwa, nenhendo dzakavigirwa Jehovha nokuzvidira naani nani.
6
Vakatanga kubayira Jehovha zvipiriso zvinopiswa pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe; asi nheyo dzetemberi yaJehovha dzakanga dzichigere kuteyiwa.
7
Vakapawo vavezi vamabwe namatanda mari, uye veZidhoni naveTire zvokudya nezvokumwa namafuta, kuti vatore miti yemisidhari paRebhanoni, vaiise Jopa pagungwa, sezvavakanga vatenderwa naKoreshi mambo wePerisia.
8
Zvino negore rechipiri rokusvika kwavo paimba yaMwari paJerusaremu, nomwedzi wechipiri, Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJeshua mwanakomana waJozadhaki, nedzimwe hama dzavo vaprista navaRevhi, navose vakanga vadzokera Jerusaremu pakutapwa kwavo, vakatanga basa ravo; vakagadza vaRevhi vamakore makumi maviri navakapfuura, kuti vave vatariri vebasa paimba yaJehovha.
9
Ipapo Jeshua navanakomana vake nehama dzake, naKadhimieri navanakomana vake, vanakomana vaJudha, vakamira nomoyo mumwe vachitarira vaibata paimba yaMwari; navanakomana vaHenadhadhi, navanakomana vavo nehama dzavo, vaRevhi.
10
Zvino vavaki vakati vachiteya nheyo dzetemberi yaJehovha, vaprista vakamirapo vakafuka nguvo dzavo, vakabata hwamanda, navaRevhi, ivo vanakomana vaAsafi, vakabata makandira, kuti varumbidze Jehovha sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi mambo waIsiraeri.
11
Vakatengezana vachiimba, vachirumbidza nokuvonga Jehovha, vachiti, "Nokuti akanaka, nokuti nyasha dzake hadziperi kuna Isiraeri." Vanhu vose vakapururudza nokupururudza kukuru pakurumbidza kwavo Jehovha; nokuti nheyo dzeimba yaJehovha dzakanga dzateyiwa.
12
Asi vazhinji vavaprista navaRevhi, navakuru vedzimba dzamadzibaba, vaya vatana vakanga vaona imba yokutanga, vakachema kwazvo vachiona nheyo dzeimba iyi dzichiteyiwa; vazhinji vakapururudza nomufaro;
13
naizvozvo vanhu vakanga vasingagoni kutsaura inzwi rokupururudza romufaro nenzwi rokuchema kwavanhu; nokuti vanhu vakapururudza nokupururudza kukuru, inzwi rikanzwika kure kwazvo.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10