bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Ezra 6
Ezra 6
Shona 2009?
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 7 →
1
Ipapo mambo Dhariusi akaraira, vakanzvera paimba yamabhuku, pavaichengeta fuma paBhabhironi.
2
Vakawana paAkimeta, paimba yamambo, yakanga iri parutivi rwenyika yeMedhia, rugwaro rwakapetwa makanga makanyorwa kudai kuti varangarire,
3
"Pagore rokutanga ramambo Koreshi, mambo Koreshi akaraira, achiti, `Kana iri imba yaMwari paJerusaremu, imba ngaivakwe, pave pavangabayira zvibayiro, nenheyo dzayo dziteyiwe nesimba; kukwirira kwayo kusvike makubhiti ana makumi matanhatu, nokufara kwayo makubhiti ana makumi matanhatu;
4
ngaive nemisara mitatu yamabwe makuru, nomusara mumwe wamatanda matsva; mari yokuvaka nayo ngaitorwe paimba yamambo.
5
Nemidziyo yendarama nesirivha yeimba yaMwari, yakadeya kutorwa naNebhukadhinezari patemberi paJerusaremu, ikaiswa naye Bhabhironi, ngaidzoswe, iiswezve patemberi iri Jerusaremu, chimwe nechimwe panzvimbo yacho, mugozviisa muimba yaMwari.'
6
"Naizvozvo zvino imwi Tatenai mubati wenyika mhiri korwizi, naShetaribhozenai, namakurukota avaAfarisaki, imwi muri mhiri korwizi, chibvai ipapo;
7
varegei pabasa reimba yaMwari; mubati wavaJudha navakuru vavaJudha ngavavake imba iyi yaMwari panzvimbo yayo.
8
Uye ndinoraira zvamunofanira kuitira vakuru ava vavaJudha, kuti imba iyi yaMwari ivakwe, mari yokuvaka nayo ngaitorwe pafuma yamambo, pamutero unoripwa mhiri korwizi, ikurumidze kupiwa varume avo, kuti varege kudziviswa.
9
Uye zvose zvavanoshaiwa, kana nzombe duku, kana makondobwe, kana makwayana, zvokuita nazvo zvipiriso zvinopisirwa Mwari wokudenga, kana zviyo, kana munyu, kana waini, kana mafuta, sezvinotaura vaprista vari Jerusaremu, ngavapiwe izvozvo zuva rimwe nerimwe, musingadariki;
10
kuti vagone kuvigira Mwari wokudenga zvibayiro zvinonhuhwira zvakanaka, vanyengetererewo upenyu hwamambo, nohwavanakomana vake.
11
"Ndatemawo chirevo, kuti ani naani anoshandura shoko iri, bango ribviswe paimba yake, iye aturikwe aroverwe pariri; uye imba yake iitwe durunhuru pamusoro pechinhu ichi;
12
Mwari, akagarisa zita rake ipapo, ngaaparadze madzimambo ose avanhu vachatambanudza maoko avo kushandura chinhu ichi, nokuparadza imba iyi yaMwari iri paJerusaremu. Ini Dhariusi ndatema chirevo ichi; ngazviitwe nokukurumidza."
13
Ipapo Tatenai mubati wenyika mhiri korwizi, naShetaribhozenai, namakurukota avo, vakaita izvozvo nokukurumidza, nemhaka yeshoko rakanga ratumwa namambo Dhariusi.
14
Vakuru vavaJudha vakavaka, vakapfuurira mberi zvakanaka, vachisimbiswa nokuporofita kwaHagai, muporofita, naZekariya mwanakomana waldho. Vakavaka, vakaipedza, sezvakarairwa naMwari waIsiraeri, uye nechirevo chaKoreshi, naDhariusi, naAritashasita mambo wePerisia.
15
Imba iyi ikapedzwa nezuva retatu romwedzi weAdhari pagore retanhatu rokubata ushe kwamambo Dhariusi.
16
Vana vaIsiraeri navaprista, navaRevhi, navamwe vakanga vatapwa vakatsaurira Mwari imba iyi nomufaro.
17
Vakabayira pakutsaura imba iyi yaMwari nzombe dzine zana rimwe, namakondobwe ana mazana maviri, namakwayana ana mazana mana; uye nhongo dzembudzi dzine gumi nembiri, dzakaenzana namarudzi avaIsiraeri, chive chipiriso chezvivi chavaIsiraeri vose.
18
Vakagadza vaprista pamakamu avo, navaRevhi pamapoka avo, pabasa raMwari paJerusaremu; sezvakanga zvanyorwa pabhuku yaMozisi.
19
Vatapwa vakaita Pasika nezuva regumi namana romwedzi wokutanga.
20
Nokuti vaprista navaRevhi vakanga vazvinatsa nomoyo mumwe, vose vavo vakanga vanatswa; vakabayira vatapwa vose Pasika, nehama dzavo dzavaprista, naivo vamene.
21
Ipapo vana vaIsiraeri, vakanga vadzoka pakutapwa, vakadya, ivo navose vakanga vazvitsaurira kwavari vachibva pamatsvina avahedheni venyika iyo, kuti vatsvake Jehovha Mwari waIsiraeri;
22
vakaita mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe; nokuti Jehovha akanga avafadza, akarereudzira moyo wamambo weAsiria kwavari, kuti asimbise maoko avo pabasa reimba yaMwari waIsiraeri.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10