bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Ezra 9
Ezra 9
Shona 2009?
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 10 →
1
Zvino izvi zvakati zvapera, machinda akaswedera kwandiri, akati, "Vanhu vaIsiraeri, navaprista, navaRevhi havana kuzviraura pavanhu venyika panezvinonyangadza zvavo, ivo vaKenani, navaHiti, navaPerezi, navaJebhusi, navaAmoni, navaMoabhu, navaIjipiti, navaAmori.
2
Nokuti vakatora vakunda vavo vave vakadzi vavo navavanakomana vavo; naizvozvo rudzi rutsvene rwakazvivenganisa navanhu venyika; zvirokwazvo maoko amachinda navabati ndiwo akanyanya pakudarika uku."
3
Zvino ini ndakati ndichizvinzwa, ndikabvarura nguvo yangu nejasi rangu, ndikataura vhudzi romusoro wangu nendebvu dzangu, ndikagara pasi ndakakanuka.
4
Ipapo vakaungana kwandiri vose vakanga vachidedera nokuda kwamashoko aMwari waIsiraeri pamusoro pokudarika kwavatapwa; ndikagara pasi ndakakanuka kusvikira panguva yechipiriso chamadekwana.
5
Zvino panguva yechipiriso chamadekwana ndikasimuka pakuzvininipisa kwangu, ndichine nguvo yangu nejasi rangu zvakabvaruka; ndikawira pasi namabvi angu, ndikatambanudzira maoko angu kuna Jehovha Mwari wangu;
6
ndikati, "Haiwa, Mwari wangu, ndinonyara, ndinotsveruka kusimudzira chiso changu kwamuri Mwari wangu; nokuti zvivi zvedu zvadarika misoro yedu, mhosva yedu yakakwira kusvikira kudenga.
7
Kubva pamazuva amadzibaba edu takapara mhaka kwazvo kusvikira nhasi; zvino nokuda kwezvivi isu namadzimambo edu, navaprista vedu, takaiswa mumaoko amadzimambo enyika, tiurawe nomunondo, titapwe, nokuparadzwa, nokunyadzwa, sapazuva ranhasi.
8
Zvino takanzwirwa tsitsi naJehovha Mwari wedu nguva duku-duku, akatisiyira vamwe vakapukunyuka, nokutipa mbambo panzvimbo yake tsvene, kuti Mwari wedu avhenekere meso edu, nokutiponesa paduku pauranda bwedu.
9
Nokuti tiri varanda; kunyange zvakadaro Mwari haana kutirasha pauranda bwedu, asi akatinzwisa tsitsi pamberi pamadzimambo ePerisia, akatiponesazve, kuti timutsezve imba yaMwari wedu, nokugadzira matongo ayo, nokutipa rusvingo paJudha napaJerusaremu.
10
"Zvino Mwari wedu, tichareveiko shure kwaizvozvi? Nokuti takarasha mirairo yenyu,
11
yamakatiraira navaranda venyu vaporofita, muchiti, Nyika kwamunoenda, kuzoiita yenyu, inyika yakasvibiswa nokuipa kwavanhu venyika idzo, nemhaka yezvinonyangadza zvavo, zvakaizadza namatsvina avo kubva parutivi rumwe kusvikira panorumwe rutivi.
12
Naizvozvo zvino, regai kupa vanakomana vavo vakunda venyu, kana kutora vakunda vavo kupa vanakomana venyu, kana kuvatsvakira rugare nomufaro nokusingaperi; kuti muve nesimba, mudye zvakanaka zvenyika, mugoisiyira vana venyu ive nhaka yavo nokusingaperi.'
13
"Zvatakaitirwa izvi zvose nokuda kwamabasa edu akaipa, uye nokuda kwemhosva dzedu huru, imwi Mwari wedu zvamusina kutirova zvakaringana zvakaipa zvedu, mukatisiyira vamwe vakadai.
14
"Zvino tingapamhidzazve kudarika mirairo yenyu here, nokushamwaridzana navanhu vanoita izvi zvinonyangadza here? Hamungazotitsamwiri kusvikira matiparadza here, kusvikira kusina akasiyiwa, kana akapukunyuka?
15
Jehovha, Mwari waIsiraeri, imwi makarurama; nokuti tasiyirwa vamwe vakapukunyuka, sezvazvakaita nhasi; tarirai tiri pamberi penyu nemhosva dzedu, nokuti hakuna angamira pamberi penyu nokuda kwechinhu ichi."
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10