bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
James 1
James 1
Shona 2009?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 2 →
1
Jakobho, muranda waMwari nowaShe Jesu Kristu, kumarudzi anegumi namaviri akapararira: Farai!
2
Hama dzangu,zvitorei "so"mufarochetekana muchiwira mumiidzo mizhinji;
3
muchiziva kuti kuidzwa kokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira.
4
Asi kutsungirira ngakuve nebasa rakakwaniswa, kuti mukwane, mururame kwazvo, musingashaiwi chinhu.
5
Zvino kana mumwe wenyu achishaiwa kuchenjera ngaakumbire kunaMwari, unongopa vose asingazotuki; uchapiwa hake.
6
Asi ngaakumbire nokutenda, asinganyunyuti napaduku; nokuti munhu unonyunyuta wakaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richimutswa-mutswa.
7
Munhu uyu arege kufunga kuti uchazowana chinhu kunaShe;
8
munhu, unemoyo miviri, unoshanduka-shanduka panzira dzake dzose.
9
Asi hama iri muduku ngaafare nokukudzwa kwake;
10
nomufumi nokuninipiswa kwake, nokuti uchapfuvura seruva rovuswa.
11
Nokuti zuva rinobuda pamwe chete nemhepo inopisa, ndokuwomesa vuswa; ruva rabwo rinowira pasi, nokunaka kwabwo kwakanga kwavonekwa kunopera; saizvozvovo mufumi uchasvava panzira dzake.
12
Wakaropafadzwa munhu uyo unotsungirira pakuidzwa; nokuti kana atendwa, uchapiwa korona yovupenyu yakapikirwa avo vanomuda.
13
Kana munhu achiidzwa, ngaarege kuti ndinoidzwa naMwari; nokuti Mwari haangaidzwi nezvakaipa, naiye amene haangaidzi munhu.
14
Asi munhu mumwe nomumwe unoidzwa kana achikwebwa nokuchiva kwake achinyengerwa.
15
Zvino kuchiva, kana kwarema, kunozvara zvivi; nezvivi, kana zvakura, zvinobereka rufu.
16
Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikamwa.
17
Zvipo zvose zvakanaka nezvipiwa zvose zvakakwana zvinobva kumusoro, zvichiburuka kunaBaba vezviedza, uyo usina kupinduka kana mumvuri wokushanduka.
18
Nokuda kwake wakatibereka neshoko rechokwadi, kuti isu tiite sechibereko chokutanga chezvisikwa zvake.
19
Munoziva henyu izvozvo hama dzangu dzinodikamwa. Asi munhu mumwe nomumwe ngaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kutsamwa;
20
nokuti kutsamwa komunhu hakuiti kururama kwaMwari.
21
Saka bvisai tsvina yose nokuipa kwakawanda, mugamuchire nomoyo munyoro shoko rakasimwa mukati menyu, rinogona kuponesa mweya yenyu.
22
Asi ivai vaiti veshoko, musava vanzwi voga, muchizvinyengera.
23
Nokuti kana ari munzwi weshoko, asati ari muiti waro, wakafanana nomunhu unovona chiso chake, chaakaberekwa nacho, muchivonivoni.
24
Nokuti unozvivona, ndokuenda, ndokukangamwa pakarepo kuti wakadini iye.
25
Asi munhu unocherekedza murairo wakakwana, iwo murairo wokusunungurwa, akaramba achidaro, asati ari munzwi, unokangamwa, asi muiti webasa, iye ucharopafadzwa panezvaanoita.
26
Kana munhu pakati penyu achiti ndinonamata Mwari, asingadzori rurimi rwake, asi achinyengera moyo wake, kutenda kwaiyeyo munhu hakuna maturo.
27
Kunamata, kwakarurama, kusine mhosva pamberi paMwari wedu naBaba, ndiko kufambira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwavo, nokuzvichengeta, kuti arege kusvibiswa nenyika.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5