bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
James 2
James 2
Shona 2009?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
1
Hama dzangu, kutenda kwenyu kunaShe wedu Jesu Kristu, iye wokubwinya, ngakurege kuva nokutenda zvinovonekwa zvomunhu.
2
Nokuti kana musinagoge renyu mukapinda munhu unemhete yendarama, akapfeka nguvo dzakanaka, mukapindavo murombo, wakapfeka nguvo dzakaipa;
3
mukatarira uyo wakapfeka nguvo dzakanaka, mukati: Gara pano pakanaka; mukati kumurombo: Mira ipapo, kana: Gara pasi pachitsiko chetsoka dzangu;
4
ko hamuna kutsaura mumoyo yenyu, mukava vatongi vanemifungo yakaipa here?
5
Inzwai, hama dzangu dzinodikamwa: Ko Mwari haana kusanangura varombo venyika here kuti vave vafumi pakutenda, navadyi venhaka yovushe bwakapikira vanomuda?
6
Asi imwi makazvidza murombo. Ko havazi vafumi vanokuremedzai, naivo vanokukwirirai kuzvigaro zvokutonga here?
7
Ko havazi ivo vanomhura zita rakanaka ramunotumidzwa naro here?
8
Asi zvino kana muchizadzisa murairo wovushe, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Ida wokwako sezvaunozvida iwe, munoita zvakanaka.
9
Asi kana muchitenda zvinovonekwa zvomunhu, munoita zvivi, munopiwa mhosva nomurairo muchinzi vadariki.
10
Nokuti munhu unochengeta murairo wose, akagumburwa kunechinhu chimwe chete, wava nemhosva kunezvose.
11
Nokuti iye, wakati: usaita vupobwe, ndiyevo: wakati usavuraya. Zvino kana usingaiti vupobwe, asi uchivuraya, wava mudariki womurairo.
12
Taurai, uye itai savanhu vanozotongwa nomurairo wokusunungurwa.
13
Nokuti kutonga hakungavi nengoni kunousina kuitira vamwe ngoni; ngoni dzinozvirumbidza dzichikunda kutonga.
14
Zvinobatsirei hama dzangu, kana munhu achiti: Ndinokutenda, asi asinamabasa? Ko kutenda uko kungamuponesa here?
15
Kana kunehama, murume kana mukadzi, asina zvokufuka, unoshaiwa zvokudya zuva rimwe nerimwe,
16
mumwe wenyu akati kwavari: Endai henyu nomufaro, mudziyirwe, mugute, musingavapi izvo zvinodikamwa nomuviri, zvinogobatsirei?
17
Saizvozvo,vo, nokutenda kana kusina mabasa, kwakafa hako.
18
Asi mumwe ungati: iwe unokutenda, neni ndinamabasa; ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa,neni ndigokuratidza namabasa angu kutenda kwangu.
19
Iwe unotenda kuti Mwari ndiye mumwe chete; unoita zvakanaka; mweya yakaipa inotendavo izvozvo, ichidedera.
20
Zvino iwe munhu wovupenzi, unoda kuziva here kuti kutenda kusinamabasa kwakafa?
21
Ko Abhurahamu, baba vedu, haana kururamiswa namabasa here, nguva yaakabayira mwanakomana wake Isaka paaritari?
22
Unovona kuti kutenda kwake kwakabata pamwe chete namabasa ake, uye kuti kutenda kwake kwakakwaniswa namabasa;
23
rugwaro rukaitika, runoti: Abhurahamu wakatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama; akanzi hama yaMwari.
24
Munovona kuti munhu unoruramiswa namabasa, haaruramiswi nokutenda bedzi.
25
Saizvozvovo, Rakabhi, chifeve, haana kururamiswa here namabasa, nguva yaakachingamidza nhume, nokuvaendisa neimwe nzira?
26
Nokuti somuviri usinomweya wakafa, saizvozvo kutenda kusinamabasa kwakafavo.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5