bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
James 3
James 3
Shona 2009?
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
1
Hama dzangu, musava vadzidzisi vazhinji, zvamunoziva kuti tichatongwa nokupfuvurisa.
2
Nokuti tinogumburwa tose pazvinhu zvizhinji. Kana munhu asingagumburwi pakutaura, iye munhu wakakwana, unogona kudzora muviri wosevo.
3
Zvino kana tichiisa matare amabhiza mumiromo yawo, kuti atiteerere, tinodzoravo muviri wawo wose.
4
Tarirai magwa makuru, kunyange ari makuru akadai, achidzingwa nemhepo dzinesimba guru, anodzorwa nechidzoreso chiduku duku kose-kose nokuda komoyo womufambisi wawo.
5
Saizvozvovo rurimi mutezo muduku, runozvirumbidza zvikuru. Tarirai, moto muduku unotungidza huni zhinji sei!
6
Rurimi moto, rwakaita senyika izere nezvisakarurama; ndizvo zvakaita rurimi pakati pemitezo yedu, runosvibisa muviri wose, runotungidza nzira yose yovupenyu, runotungidzwa irwo negehena.
7
Nokuti marudzi ose emhuka, neshiri, nezvinokambaira, nezviri mugungwa angapingudzwa, uye akambopingudzwa navanhu;
8
asi hakunomunhu ungapingudza rurimi; ndicho chinhu chakaipa chinoshanduka-shanduka, chizere nomuti unovuraya.
9
Narwo tinorumbidza Ishe Baba; narwo tinotuka vanhu, vakaitwa nomufananidzo waMwari;
10
mumuromo mumwe munobva kurumbidza nokutuka. Hama dzangu, hatifaniri kudaro.
11
Tsime rinobudisa pachitubu chimwe mvura inonaka neinovava here?
12
Hama dzangu, muvonde ungabereka maorivhi, kana muzambiringa mavonde here? Kunyange nemvura inovava haingabudisi inonaka.
13
Ndiani pakati penyu wakachenjera, wakangwara? Ngaaratidze nomufambiro wake wakanaka mabasa ake novunyoro bwovuchenjeri.
14
Asi kana munegodo rinovava norukave mumoyo menyu, musazvirumbidza nokurevera chokwadi nhema.
15
Kuchenjera uku hakuburuki kuchibva kumusoro, asi ndokwenyika, kwatakamuka nako, komweya wakaipa.
16
Nokuti panegodo norukave, ndipo panenyonganiso namabasa ose akaipa.
17
Asi kuchenjera, kunobva kumusoro, zvikuru kwakachena, uye kunorugare, kunyoro, kunoteerera, kuzere nengoni nezvibereko zvakanaka, kusingatsauri kusinganyengeri.
18
Chibereko chokururama chinodzwarwa parugare navanoita rugare.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5