bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Joshua 3
Joshua 3
Shona 2009?
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 4 →
1
Zvino Joshua akamuka mangwanani, vakabva Shitimi, vakasvika paJorodhani, iye navana vaIsiraeri vose; vakavatapo vasati vayambuka.
2
Mazuva matatu akati apera, vatariri vakapinda napakati pemisasa,
3
vakaraira vanhu, vachiti, "Kana muchiona areka yesungano yaJehovha Mwari wenyu, navaprista vaRevhi voitakura, munofanira kusimuka pamugere, nokuitevera.
4
Asi munofanira kusiya nzvimbo pakati penyu naiyo, inosvika makubhiti anenge zviuru zviviri; regai kuswedera kwairi, kuti muzive nzira yamunofanira kuenda nayo; nokuti mugere kumbofamba nenzira iyi."
5
Zvino Joshua akati kuvanhu, "Zvinatsei, nokuti mangwana Jehovha uchaita zvinoshamisa pakati penyu."
6
Joshua akataura navaprista, akati, "Simudzai areka yesungano, mutungamirire vanhu pakuyambuka." Ivo vakasimudza areka yesungano, vakatungamirira vanhu.
7
Ipapo Jehovha akati kuna Joshua, "Nhasi ndichatanga kukukudza pamberi pavaIsiraeri vose, vazive kuti ndichava newe, sezvandaisiva naMozisi.
8
Iwe unofanira kuraira vaprista kuti vatakure areka yesungano, uchiti, `Kana masvika parutivi rwemvura yaJorodhani, munofanira kumira muJorodhani.' "
9
Zvino Joshua akati kuvana vaIsiraeri, "Uyai pano, munzwe mashoko aJehovha Mwari wenyu."
10
Joshua akati, "Muchaziva nechinhu ichi kuti Mwari mupenyu uri pakati penyu, uye kuti uchadzinga zvirokwazvo pamberi penyu vaKenani, navaHeti, navaHivhi, navaPerezi, navaGirigashi, navaAmori, navaJebhusi.
11
Tarirai, areka yesungano yaIshe wenyika yose inokutungamirirai pakuyambuka Jorodhani.
12
Naizvozvo zvino muzvitorerei varume vane gumi navaviri pamarudzi ose avaIsiraeri, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe.
13
Zvino kana tsoka dzavaprista vanotakura areka yaJehovha, Ishe wenyika yose dzichitsika mumvura yaJorodhani, mvura yaJorodhani ichagurwa, iyo mvura inobva kumusoro; ichamira, ikaita murwi mukuru."
14
Zvino vanhu vakati vachibva pamatende avo, kuti vayambuke Jorodhani, vaprista vaitakura areka vakatungamirira vanhu;
15
zvino vakanga vakatakura areka vakati vachisvika paJorodhani, netsoka dzavaprista vakanga vakatakura areka dzichinyikwa pamucheto wemvura, (nokuti Jorodhani runofashamira nhivi dzarwo dzose nguva yose yokukohwa,)
16
mvura yakanga ichibva kumusoro ikamira, ikaita murwi mukuru, kusvikira kure-kure paAdhama, guta riri kurutivi rweZaretani; neyakanga ichiyerera kugungwa reArabha, ndiro Gungwa roMunyu, yakagurwa chose; vanhu vakayambuka pakatarisana neJeriko.
17
Vaprista vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakaramba vamire pasi pakaoma pakati paJorodhani; vaIsiraeri vose vakayambuka pavhu rakaoma kusvikira rudzi rwose rwapedza kuyambuka Jorodhani.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24