bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Joshua 6
Joshua 6
Shona 2009?
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 7 →
1
Zvino guta reJeriko rakanga rapfigwa kwazvo nokuda kwavana vaIsiraeri; kwakanga kusina munhu waibuda kana kupinda.)
2
Zvino Jehovha akati kuna Joshua, "Tarira, ndakapa mumaoko ako Jeriko, namambo waro, navarume varo vane simba noumhare.
3
Munofanira kukomba guta, imwi varume vose vehondo, mupoteredze guta kamwe chete. Unofanira kuita saizvozvo mazuva matanhatu.
4
Vaprista vanomwe vanofanira kufamba pamberi peareka vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondobwe; nomusi wechinomwe munofanira kupoteredza guta kanomwe, vaprista vachiridza hwamanda.
5
Zvino kana voridzisa norunyanga rwegondobwe, kana imwi muchinzwa kurira kwehwamanda, ipapo vanhu vose vanofanira kudanidzira nokudanidzira kukuru; ipapo rusvingo rweguta ruchakoromoka chose, navanhu vanofanira kupinda, mumwe nomumwe ipapo pakaruramana naye."
6
Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, akadana vaprista, akati kwavari, "Simudzai areka yesungano, vaprista vanomwe vafambe vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondobwe pamberi peareka yaJehovha."
7
Akati kuvanhu, "Pfuurai, mupoteredze guta, varume vakashonga nhumbi dzokurwa vatungamirire areka yaJehovha."
8
Zvino Joshua wakati ataura navanhu, vaprista vanomwe vakatungamira vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondobwe, vakaridza hwamanda, areka yesungano yaJehovha ikavatevera.
9
Varume vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa vakatungamirira vaprista vakanga vachiridza hwamanda, navarindi veshure vakatevera areka, vaprista vakafamba vachingoridza hwamanda.
10
Zvino Joshua akaraira vanhu, akati, "Regai kudanidzira, namanzwi enyu ngaarege kunzwika, kana shoko rimwe ngarirege kubuda pamiromo yenyu, kusvikira pamusi wandinokurairai kuti mudanidzire; ipapo munofanira kudanidzira.
11
Naizvozvo wakaraira kuti areka yaJehovha ipoteredze guta, iripoteredze kamwe chete; vanhu vakapindazve mumisasa, vakavatamo.
12
Joshua akamuka mangwanani, vaprista vakasimudza areka yaJehovha.
13
Navaprista vanomwe vakanga vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondobwe pamberi peareka yaJehovha, vakaramba vachifamba vachingoridza hwamanda; navarume vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa vakavatungamirira; navarindi veshure vakatevera areka yaJehovha, vaprista vakafamba vachingoridza hwamanda.
14
Nomusi wechipiri vakapoteredza guta kamwe chete, vakadzokera kumisasa; vakaita saizvozvo mazuva matanhatu.
15
Nomusi wechinomwe vakafumira mangwanani, vakapoteredza guta nomutoo iwoyo kanomwe; nomusi iwoyochetevakapoteredza guta kanomwe.
16
Zvino panguva yechinomwe, vaprista vakati vachiridza hwamanda, Joshua akati kuvanhu, "Danidzirai, nokuti Jehovha wakupai guta.
17
Asi guta rinofanira kuyeriswa kuna Jehovha, iro nezvose zviri mukati maro; asi Rakabhi bedzi, chifeve chiya, ngaaregwe ari mupenyu, iye navose vari mumba make, nokuti wakavanza nhume dzatakatuma.
18
Asi imwi, chenjerai pazvinhu zvinoyera, kuti murege kutora chinhu chinoyera, mambochiyeresa, naizvozvo mungatukisa misasa yaIsiraeri mukaipinza mudambudziko.
19
Asi sirivha yose, nendarama, nemidziyo yendarira, neyamatare zvitsvene kuna Jehovha; zvinofanira kuiswa muchivigiro chefuma chaJehovha."
20
Naizvozvo vanhu vakadanidzira, navaprista vakaridza hwamanda; zvino vanhu vakati vachinzwa kurira kwehwamanda, vanhu vakadanidzira nokudanidzira kukuru, rusvingo ndokukoromoka chose, vanhu vakakwira vachipinda muguta, mumwe nomumwe pakaruramana naye, vakakunda guta.
21
Vakaparadza chose nomunondo unopinza zvose zvakanga zviri muguta, varume navakadzi, vaduku navakuru, nenzombe, namakwai, nembongoro.
22
Joshua akati kuvarume vaviri vakanga vandoshora nyika, "Pindai muimba yechifeve, mubudise mukadzi nezvose zvaanazvo, sezvamakapika kwaari."
23
Zvino majaya iwayo, vashori, vakapinda, vakabudisa Rakabhi, nababa vake, namai vake, nehanzvadzi dzake, nezvose zvaakanga anazvo, vakabudisawo hama dzake dzose, vakavaisa kunze kwemisasa yaIsiraeri.
24
Ipapo vakapisa guta nomoto, nezvose zvakanga zviri mukati maro; asi sirivha, nendarama, nemidziyo yendarira, neyamatare, vakazviisa muchivigiro chefuma cheimba yaJehovha.
25
Asi Joshua wakarega Rakabhi, chifeve chiya, ari mupenyu, iye naveimba yababa vake, nezvose zvaakanga anazvo; iye akagara pakati paIsiraeri kusvikira nhasi; nokuti wakanga avanza nhume dzakatumwa naJoshua kundoshora Jeriko.
26
Nenguva iyo Joshua akavapikisa, achiti, "Munhu unozomuka akavaka guta iri reJeriko ngaatukwe; ucharashikirwa nedangwe rake kana achiteya nheyo dzaro, uye ucharashikirwa norugotwe rwake kana achimutsa masuo aro."
27
Naizvozvo Jehovha wakanga ana Joshua; mukurumbira wake ukanzwika panyika yose.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24