bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Joshua 9
Joshua 9
Shona 2009?
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 10 →
1
Zvino madzimambo ose akanga agere mhiri kwaJorodhani, panyika yamakomo nenyika yamapani, napamhenderekedzo dzose dzegungwa guru pamberi peRebhanoni, vaHeti, navaAmori, navaKenani, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi, vakati vachinzwa izvozvo,
2
vakaungana nomoyo mumwe kundorwa naJoshua navaIsiraeri.
3
Asi vanhu veGibhiyoni vakati vachinzwa zvakanga zvaitirwa Jeriko neAi naJoshua,
4
vakatsvaka mano, vakaenda senhume, vakaenda nehomo dzakasakara pamusoro pembongoro dzavo, nehombodo dzewaini dzakasakara, dzakanga dzakaparuka, nokusonanidzwazve;
5
neshangu dzakasakara, dzaiva nezviremo patsoka dzavo, nenguvo dzakasakara; zvingwa zvavo zvose zvembuva yavo zvakanga zvakaoma nokuvhuvha.
6
Vakaenda kuna Joshua kumisasa paGirigari, vakati kwaari nokuvarume vaIsiraeri, "Tinobva kunyika iri kure; naizvozvo itai sungano nesu zvino."
7
Varume vaIsiraeri vakati kuvaHivhi, "Zvimwe mugere pakati pedu; tingaita sungano nemwi seiko?"
8
Ivo vakati, "Tiri varanda venyu." Joshua akati kwavari, "Ndimwi aniko? Munobvepi?"
9
Vakati, "Varanda venyu vabva kunyika iri kure-kure, nokuda kwezita raJehovha Mwari wenyu, nokuti takanzwa mukurumbira wake nezvose zvaakaita Ijipiti.
10
Uye zvose zvaakaitira madzimambo maviri avaAmori, akanga ari mhiri kwaJorodhani, naSihoni mambo weHeshibhoni, naOgi mambo weBhashani, wakanga ari paAshitaroti.
11
Vakuru vedu navanhu vose venyika yedu vakataura nesu, vakati, `Torai mbuva yenzira mumaoko enyu, mundosangana navo,' muti kwavari, `Tiri varanda venyu; zvino itai sungano nesu.
12
Zvingwa izvo zvembuva yedu takazvitora zvichakapisa mudzimba dzedu musi watakabuda, tichiuya kwamuri; asi zvino tarirai, zvaoma, zvavhuvha.
13
Nehombodo idzi dzewaini, dzatakazadza, dzakanga dziri itsva; tarirai, dzaparuka; nenguvo dzedu idzi, neshangu dzedu zvasakara nemhaka yorwendo rurefu-refu.' "
14
Ipapo varume vakatora zvimwe zvembuva yavo, vasingabvunzi muromo waJehovha.
15
Joshua akayanana navo, akaita sungano navo, kuti vachavarega vari vapenyu; machinda eungano akapika kwavari.
16
Zvino mazuva matatu akati apera, vaita sungano navo, vakanzwa kuti vagere pedo navo napakati pavo.
17
VaIsiraeri vakafamba, vakasvika pamaguta avo nezuva retatu. Maguta avo aiva Gibhiyoni, neKefira, neBheroti, naKiriatijearimi.
18
Vana vaIsiraeri havana kuvaparadza, nokuti machinda eungano akanga apika kwavari naJehovha Mwari waIsiraeri. Ungano yose ikapopotera machinda.
19
Asi machinda ose akati kuungano yose, "Takapika kwavari naJehovha, Mwari waIsiraeri, naizvozvo zvino hatigoni kuvaitira chinhu.
20
Tichavaitira chinhu ichi, tichavarega vari vapenyu, kuti tirege kuwirwa nokutsamwa kwaMwari nokuda kokupika, kwatakapika kwavari."
21
Zvino machinda akati kwavari, "Ngavararame havo. Vakava vatemi vehuni navateki vemvura veungano yose, sezvavakaudzwa namachinda."
22
Zvino Joshua akavadana, akataura navo, akati, "Matinyengedzerereiko, muchiti, `Takabva kure-kure nemi, zvamugere pakati pedu?'
23
Naizvozvo zvino muri vanhu vakatukwa, muchangosiva varanda navatemi vehuni navateki vemvura veimba yaMwari wangu."
24
Vakapindura Joshua, vakati, "Nokuti varanda venyu vakanga vaudzwa zvirokwazvo kuti Jehovha Mwari wenyu wakanga araira muranda wake Mozisi, kuti akupei nyika yose, nokuparadza vose vagere panyika ino pamberi penyu; naizvozvo takatya kwazvo nokuda kwenyu kuti tichaurawa, tikaita chinhu ichi.
25
Zvino tarirai, tiri pamaoko enyu, itai nesu sezvamunoti ndizvo zvakanaka nezvakarurama."
26
Akavaitira saizvozvo, akavarwira pamaoko avana vaIsiraeri, ivo vakasavauraya.
27
Musi iwoyo Joshua akavaita vatemi vehuni navateki vemvura yeungano neyearitari yaJehovha, kusvikira nhasi panzvimbo yaizotsaurwa naye.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24